< Philippians 3 >

1 Finally, brothers of mine, do rejoice in [the] Lord. The same things to write to you to me myself indeed [is] not troublesome, for you however [is] safe.
Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Kukunyorerai zvinhu zvimwechetezvo, kwandiri zvirokwazvo hazvinetesi, asi kwamuri zvinokusimbisai.
2 do beware of the dogs, do beware of the evil workers, do beware of the false circumcision;
Chenjererai imbwa, chenjererai vabati vakaipa, chenjererai vekucheka;
3 We ourselves for are the circumcision, those in [the] Spirit (of God *N+kO) worshiping and glorying in Christ Jesus and not in [the] flesh having put confidence,
nokuti isu tiri kudzingiswa, vanonamata Mwari muMweya, tichizvirumbidza muna Kristu Jesu, uye tisingavimbi nenyama;
4 though I myself have confidence even in [the] flesh. If any thinks other to have confidence in [the] flesh, I myself more:
kunyange ini ndingavawo nechivimbo munyama; kana umwewo achifunga kuvimba nenyama, zvikuru ini;
5 circumcision on [the] eighth day, of [the] nation of Israel, of [the] tribe of Benjamin, a Hebrew of Hebrews, according to [the] Law a Pharisee,
ndakadzingiswa nezuva rerusere, ndiri werudzi rwaIsraeri, wedzinza raBhenjamini, muHebheru weVaHebheru; zviri zvemurairo ndiri muFarisi;
6 according to (zeal *N+kO) persecuting the church, according to righteousness which [is] in [the] Law having become faultless.
maererano nekushingaira ndichishusha kereke; maererano nekururama kuri mumurairo ndisina chandingapomerwa.
7 But whatever things were to me gain, these I have esteemed because of Christ loss;
Asi zvinhu zvaiva mubairo kwandiri, ndizvo zvandakaverenga kuva kurasikirwa nekuda kwaKristu.
8 But (rather *NK+o) also I count all things loss to be because of which is excelling the knowledge of Christ Jesus the Lord of mine because of whom all things I have lost and esteem [them] rubbish (to be *k) that Christ I may gain
Hongu zvirokwazvo, uye ndinoverenga zvinhu zvese kuva kurasikirwa nekuda kwekunakisisa kweruzivo rwaKristu Jesu Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvese nekuda kwake, ndikazviidza kuva marara, kuti ndiwane Kristu;
9 and may be found in Him not having my own righteousness which [is] of [the] Law but that through faith from Christ, the of God righteousness on the basis of faith,
uye ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva kumurairo, asi kunobudikidzwa nerutendo rwaKristu, kururama kunobva kuna Mwari nerutendo;
10 to know Him and the power of the resurrection of Him and the fellowship of the sufferings of Him being conformed to the death of Him,
kuti ndimuzive iye, nesimba rekumuka kwake, nekudyidzana kwematambudziko ake, nditodze kufa kwake,
11 if somehow I shall attain to the resurrection (that *N+kO) (out from *no) [the] dead.
kana zvingagoneka ndisvike pakumuka kwevakafa.
12 Not for already I have obtained [it] or already (have been perfected, *NK+O) I am pursuing however if even I shall grasp of that for which also I was grasped by Christ Jesus.
Handirevi kuti ndakatochiwana, kana ndakatokwaniswa, asi ndinoteverera, kuti ndichibatewo, chandakabatirwawo naKristu Jesu.
13 Brothers, I myself myself (not *NK+o) do consider to have grasped [it]; One thing however: The [things] indeed behind forgetting, to the [things] however ahead reaching forward,
Hama, ini handizviverengi kuti ndachibata, asi ndinoita chinhu chimwe, ndichikanganwa zvinhu zviri shure, ndichinanavira zvinhu zviri mberi,
14 toward [the] goal I press on (for *N+kO) the prize of the upward calling of God in Christ Jesus.
ndinoteverera kuchinangwa, kumubairo wekudana kwekumusoro kwaMwari muna Kristu Jesu.
15 As many as therefore [are] mature, this [way] we may reason; and if anything differently you reason, even this God to you will reveal;
Naizvozvo isu tese takakwana, ngative nemufungo uyu; uye kana zvimwe mune umwe mufungo, Mwari achakuratidzai kunyange izvi.
16 Nevertheless to that which we have attained, by the same [we are] to walk (rule [and] by the same reasoning. *K)
Asi pane patasvika, ngatifambe nemurairo iwoyu tifunge chinhu ichochi.
17 Imitators together of me do be, brothers, and do observe those thus walking even as you have [for] a pattern us.
Hama, ivai vatevedzeri vangu pamwe, natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvamakava nesu semuenzaniso.
18 Many for are walking — [of] whom often I was telling you, now indeed even weeping I say — [as] the enemies of the cross of Christ,
Nokuti vazhinji vanofamba, vandakakuudzai nezvavo kazhinji, nazvino ndinokuudzai kunyange nekuchema, vavengi vemuchinjikwa waKristu;
19 whose end [is] destruction, whose God [is] the belly and glory [is] in the shame of them, those [things] earthly minding.
kuguma kwavo kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, uye kurumbidzwa kuri mukunyadzwa kwavo, vanofunga zvenyika.
20 Of us for the citizenship in [the] heavens exists from whence also a Savior we are awaiting [the] Lord Jesus Christ,
Nokuti ubwo hwedu huri kumatenga, uko kwatakataririrawo kuti Muponesi achabva, Ishe Jesu Kristu;
21 who will transform the body of the humiliation of us (toward to become it *K) conformed to the body of the glory of Himself according to the working enabling Him even to subdue (to Him *N+kO) all things.
uyo achavandudza muviri wekuninipiswa kwedu, kuti ufananidzwe nemuviri wekubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuisa zvinhu zvese pasi pake.

< Philippians 3 >