< 西番雅书 1 >

1 当犹大王亚们的儿子约西亚在位的时候,耶和华的话临到希西家的玄孙,亚玛利雅的曾孙,基大利的孙子,古示的儿子西番雅。
Shoko raJehovha rakasvika kuna Zefania, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedharia, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekia, pamazuva okutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha richiti:
2 耶和华说: 我必从地上除灭万类。
“Ndichatsvaira zvose kubva pamusoro penyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
3 我必除灭人和牲畜, 与空中的鸟、海里的鱼, 以及绊脚石和恶人; 我必将人从地上剪除。 这是耶和华说的。
“Ndichatsvaira zvose vanhu nemhuka; ndichatsvaira shiri dzedenga nehove dzegungwa. Vakaipa vachasara nemirwi yamarara chete, kana ndabvisa munhu pamusoro penyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
4 我必伸手攻击犹大 和耶路撒冷的一切居民, 也必从这地方剪除所剩下的巴力, 并基玛林的名和祭司,
Ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndirwise Judha uye ndicharwisa vose vanogara muJerusarema. Ndichaparadza kubva panzvimbo ino vose vakasara vaBhaari, mazita avaprista vechihedheni vanonamata zvifananidzo,
5 与那些在房顶上敬拜天上万象的, 并那些敬拜耶和华指着他起誓, 又指着玛勒堪起誓的,
vaya vanopfugama pamusoro pedzimba kuti vanamate nyeredzi dzedenga, vaya vanopfugama vachipika naJehovha uye vanopikawo naMoreki,
6 与那些转去不跟从耶和华的, 和不寻求耶和华也不访问他的。
vaya vanotsauka kubva pakutevera Jehovha uye vasingatsvaki Jehovha kana kubvunza kwaari.
7 你要在主耶和华面前静默无声, 因为耶和华的日子快到。 耶和华已经预备祭物, 将他的客分别为圣。
Nyararai pamberi paIshe Jehovha, nokuti zuva raJehovha rava pedyo. Jehovha agadzirira chibayiro; akavaita vatsvene, vaya vaakakoka.
8 到了我—耶和华献祭的日子, 必惩罚首领和王子, 并一切穿外邦衣服的。
Pazuva rechibayiro chaJehovha, ndicharova machinda navanakomana vamambo, navaya vose vakapfeka nguo dzavatorwa.
9 到那日,我必惩罚一切跳过门槛、 将强暴和诡诈得来之物充满主人房屋的。
Pazuva iro ndicharanga vose vanonyenyeredza kuti vasatsika paburiro, vanozadza temberi yavamwari vavo nechisimba nounyengeri.
10 耶和华说:当那日, 从鱼门必发出悲哀的声音, 从二城发出哀号的声音, 从山间发出大破裂的响声。
“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuchema kuchanzwikwa kubva kuSuo reHove, kuungudza kubva kuRutivi Rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kubva kuzvikomo.
11 玛革提施的居民哪,你们要哀号, 因为迦南的商民都灭亡了! 凡搬运银子的都被剪除。
Ungudzai imi munogara munharaunda yomusika, vashambadzi venyu vose vachaparadzwa, vose vanotengesa nesirivha vachaparadzwa.
12 那时,我必用灯巡查耶路撒冷; 我必惩罚那些如酒在渣滓上澄清的; 他们心里说: 耶和华必不降福,也不降祸。
Panguva iyoyo ndichanzvera Jerusarema nomwenje; uye ndicharanga vaya vagere zvavo, vakaita sewaini yakasiyiwa mumasese ayo, vanofunga kuti, ‘Jehovha hapana zvaangaita, zvakanaka kana zvakaipa.’
13 他们的财宝必成为掠物; 他们的房屋必变为荒场。 他们必建造房屋,却不得住在其内; 栽种葡萄园,却不得喝所出的酒。
Upfumi hwavo huchapambwa, dzimba dzavo dzichaputswa, vachavaka dzimba, asi havangagari madziri; vachasima minda yemizambiringa, asi havanganwi waini yacho.
14 耶和华的大日临近, 临近而且甚快, 乃是耶和华日子的风声; 勇士必痛痛地哭号。
“Zuva guru raJehovha rava pedyo, pedyo, uye riri kuuya nokukurumidza. Teererai! Kuchema pazuva raJehovha kucharwadza, kuchema kwemhere ipapo.
15 那日是忿怒的日子, 是急难困苦的日子, 是荒废凄凉的日子, 是黑暗幽冥、密云乌黑的日子,
Zuva iro richava rokutsamwa, zuva rokudzungaira nokumanikidzwa, zuva rokutambudzika nokuparadzwa, zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nezarima.
16 是吹角呐喊的日子, 要攻击坚固城和高大的城楼。
Zuva rehwamanda nemhere yehondo yokurwisa maguta akakomberedzwa namasvingo, nokurwisa shongwe dzomumakona.
17 我必使灾祸临到人身上, 使他们行走如同瞎眼的, 因为得罪了我。 他们的血必倒出如灰尘; 他们的肉必抛弃如粪土。
Ndichauyisa kudzungaira pavanhu uye vachafamba samapofu, nokuti vakatadzira Jehovha. Ropa ravo richadururwa seguruva, uye nyama yavo sendove.
18 当耶和华发怒的日子, 他们的金银不能救他们; 他的忿怒如火必烧灭全地, 毁灭这地的一切居民,而且大大毁灭。
Sirivha yavo kana goridhe ravo hazvingagoni kuvaponesa, pazuva rokutsamwa kwaJehovha. Mumoto wegodo rake nyika yose ichaparadzwa, nokuti achauyisa magumo pakarepo kuna vose vanogara panyika.”

< 西番雅书 1 >