< 哈巴谷书 1 >

1 先知哈巴谷所得的默示。
Chirevo chakaratidzwa muprofita Habhakuki.
2 他说:耶和华啊!我呼求你, 你不应允,要到几时呢? 我因强暴哀求你,你还不拯救。
Haiwa Jehovha, ndicharamba ndichidanidzira, ndichitsvaka rubatsiro kusvikira riniko, asi musingandinzwi? Kana kudana kwamuri ndichiti, “Ndorwiswa!” asi hamundiponesi?
3 你为何使我看见罪孽? 你为何看着奸恶而不理呢? 毁灭和强暴在我面前, 又起了争端和相斗的事。
Sei muchiita kuti ndione kusaruramisira? Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa? Kuparadza nokuita nechisimba zviri pamberi pangu; pano kukakavara, uye kurwa kuri kuwanda.
4 因此律法放松, 公理也不显明; 恶人围困义人, 所以公理显然颠倒。
Naizvozvo murayiro hauchisina simba, uye kutonga kwakarurama hakuchaonekwi. Vakaipa vanokomba vakarurama, zvokuti kururamisira kunominamiswa.
5 耶和华说:你们要向列国中观看, 大大惊奇; 因为在你们的时候,我行一件事, 虽有人告诉你们,你们总是不信。
“Tarisa ndudzi dzavanhu, ucherechedze, ugoshamiswa zvirokwazvo. Nokuti ndichaita chimwe chinhu pamazuva ako chawanga usingazobvumi, kunyange dai waichiudzwa.
6 我必兴起迦勒底人, 就是那残忍暴躁之民,通行遍地, 占据那不属自己的住处。
Ndiri kumutsa vaBhabhironi ruya rudzi rune utsinye, rune hasha, runopararira pasi pose kuti rubvute nzvimbo dzokugara dzisiri dzavo.
7 他威武可畏, 判断和势力都任意发出。
Vanhu vanotyisa uye vanovhundukwa; vasina murayiro unovatonga uye vanongozvitsvakira kukudzwa.
8 他的马比豹更快, 比晚上的豺狼更猛。 马兵踊跃争先, 都从远方而来; 他们飞跑如鹰抓食,
Mabhiza avo anomhanya kukunda ingwe, anotyisa kukunda mhumhi mumadekwana. Mauto avo amabhiza anomhanya asingadzoki; vatasvi vamabhiza vanobva kure kure. Vanobhururuka segora rinotsvaka kuparadza;
9 都为行强暴而来, 定住脸面向前, 将掳掠的人聚集,多如尘沙。
vanouya vose kuzoita zvechisimba. Mapoka avo ehondo anouya semhepo inovhuvhuta mugwenga vachiunganidza nhapwa sejecha.
10 他们讥诮君王,笑话首领, 嗤笑一切保障,筑垒攻取。
Vanozvidza madzimambo uye vanomhura vatongi. Vanoseka maguta ose akasimbiswa; vanovaka zvikomo zvevhu voatapa.
11 他以自己的势力为神, 像风猛然扫过,显为有罪。
Ipapo vanopfuura semhepo, vanopfuura vasingamiri, varume vane mhosva, simba ravo ndiye mwari wavo.”
12 耶和华—我的 神,我的圣者啊, 你不是从亘古而有吗? 我们必不致死。 耶和华啊,你派定他为要刑罚人; 磐石啊,你设立他为要惩治人。
Haiwa Jehovha, ko hamugari nokusingaperi here? Mwari wangu, mutsvene wangu, hatingatongofi. Haiwa Jehovha, makavagadza kuti vatonge; imi Dombo, makavagadza kuti varange.
13 你眼目清洁, 不看邪僻,不看奸恶; 行诡诈的,你为何看着不理呢? 恶人吞灭比自己公义的, 你为何静默不语呢?
Meso enyu akachena zvokuti haangatarisi zvakaipa; hamungatenderi zvakaipa. Sei zvino muchitendera vanyengeri? Ko, munonyararirei kana vakaipa vachimedza vanovapfuura mukururama?
14 你为何使人如海中的鱼, 又如没有管辖的爬物呢?
Sei makaita kuti vanhu vave sehove dzegungwa, sezvisikwa zvegungwa zvisina mutongi.
15 他用钩钩住,用网捕获, 用拉网聚集他们; 因此,他欢喜快乐,
Muvengi anovaredza vose nezviredzo, anovabata mumumbure wake, achivakokorodza murutava rwake; naizvozvo anopembera nomufaro.
16 就向网献祭,向网烧香, 因他由此得肥美的分和富裕的食物。
Naizvozvo anopisira zvibayiro kumumbure wake, uye anopisira zvinonhuhwira kumumbure wake, nokuti anogarika nokuda kwomumbure wake, anodya zvokudya zvakaisvonaka.
17 他岂可屡次倒空网罗, 将列国的人时常杀戮,毫不顾惜呢?
Ko, acharamba achingodurura zviri mumumbure wake, achingoparadza ndudzi asina tsitsi here?

< 哈巴谷书 1 >