< 哈巴谷书 3 >

1 先知哈巴谷的祷告,调用流离歌。
Munyengetero wamuprofita Habhakuki unoimbwa neshigionoti.
2 耶和华啊,我听见你的名声就惧怕。 耶和华啊,求你在这些年间复兴你的作为, 在这些年间显明出来; 在发怒的时候以怜悯为念。
Jehovha, ndakanzwa zvomukurumbira wenyu; haiwa Jehovha, ndinomira ndichitya mabasa enyu. Avandudzei pamazuva edu, panguva yedu ngaaziviswe; pakutsamwa kwenyu rangarirai tsitsi.
3 神从提幔而来; 圣者从巴兰山临到。 (细拉) 他的荣光遮蔽诸天; 颂赞充满大地。
Mwari akabva kuTemani, iye Mutsvene akabva kuGomo reParani. Sera Umambo hwake hwakazadza matenga uye mbiri yake yakazadza nyika.
4 他的辉煌如同日光; 从他手里射出光线, 在其中藏着他的能力。
Kubwinya kwake kwakaita sokubuda kwezuva; bwerazuva hwakapenya huchibva muruoko rwake, makanga makavigwa simba rake.
5 在他前面有瘟疫流行; 在他脚下有热症发出。
Hosha yakaenda ichibva pamberi pake; denda rakatevera nhambwe dzake.
6 他站立,量了大地, 观看,赶散万民。 永久的山崩裂; 长存的岭塌陷; 他的作为与古时一样。
Akamira, akazungunusa nyika; akatarisa, akabvundisa ndudzi dzavanhu. Makomo akare kare akakoromoka uye zvikomo zvakare zvakawira pasi. Nzira dzake dzinogara nokusingaperi.
7 我见古珊的帐棚遭难, 米甸的幔子战兢。
Ndakaona matende eKushani ari panhamo, nzvimbo dzokugara dzeMidhiani dziri pakutambudzika.
8 耶和华啊,你乘在马上, 坐在得胜的车上, 岂是不喜悦江河、 向江河发怒气、 向洋海发愤恨吗?
Ko, makanga matsamwira nzizi here, nhai Jehovha? Makanga matsamwira zvikova here, nhai Jehovha? Makatsamwira gungwa here pamakafambisa mabhiza enyu nengoro dzenyu dzokukunda?
9 你的弓全然显露, 向众支派所起的誓都是可信的。 (细拉) 你以江河分开大地。
Makabudisa pachena uta hwenyu, mukadaidzira miseve mizhinji. Sera Makatsemura nyika nenzizi;
10 山岭见你,无不战惧; 大水泛滥过去, 深渊发声,汹涌翻腾。
makomo akakuonai akadedera. Mvura zhinji yakapfuura; kwakadzika kwakatinhira kukasimudza mafungu pamusoro.
11 因你的箭射出发光, 你的枪闪出光耀, 日月都在本宫停住。
Zuva nomwedzi zvakambomira kumatenga zvichiona kuvaima kwemiseve yenyu yaipfuura, zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya.
12 你发忿恨通行大地, 发怒气责打列国,如同打粮。
Mukutsamwa kwenyu makapfuura napanyika uye mukushatirwa kwenyu makarasa ndudzi.
13 你出来要拯救你的百姓, 拯救你的受膏者, 打破恶人家长的头, 露出他的脚,直到颈项。 (细拉)
Makauya kuzonunura vanhu venyu, kuzoponesa muzodziwa wenyu. Makaparadza mutungamiri wenyika yavakaipa, mukamufukura kubva kumusoro kusvika kutsoka. Sera
14 你用敌人的戈矛刺透他战士的头; 他们来如旋风,要将我们分散。 他们所喜爱的是暗中吞吃贫民。
Nepfumo rake chairo makabaya musoro wake, pakauya varwi vake sechamupupuri kuzotiparadzira, vachifara savanoda kuparadza vanotambudzika vakanga vakavanda.
15 你乘马践踏红海, 就是践踏汹涌的大水。
Makatsika-tsika gungwa namabhiza enyu, mukabvongodza mvura zhinji.
16 我听见耶和华的声音, 身体战兢,嘴唇发颤, 骨中朽烂; 我在所立之处战兢。 我只可安静等候灾难之日临到, 犯境之民上来。
Ndakazvinzwa, hana yangu ikarova, miromo yangu yakadedera pandakanzwa maungira; kuora kwakapinda mumapfupa angu, makumbo angu akadedera. Asi ndichamirira hangu zuva renjodzi kuti riuye pamusoro porudzi ruchatirwisa.
17 虽然无花果树不发旺, 葡萄树不结果, 橄榄树也不效力, 田地不出粮食, 圈中绝了羊, 棚内也没有牛;
Kunyange dai muonde ukasatunga maruva, uye mizambiringa ikashayiwa zvibereko, kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, uye minda ikasabereka zvokudya, kunyange dai kukasava namakwai muchirugu uye mombe dzikashayikwa mumatanga,
18 然而,我要因耶和华欢欣, 因救我的 神喜乐。
kunyange zvakadaro, ndichafara muna Jehovha, ndichava nomufaro muna Mwari Muponesi wangu.
19 主耶和华是我的力量; 他使我的脚快如母鹿的蹄, 又使我稳行在高处。 这歌交与伶长,用丝弦的乐器。
Ishe Jehovha ndiye simba rangu; anoita kuti tsoka dzangu dziite setsoka dzenondo, anondifambisa pamatunhu akakwirira. Kumutungamiri wokuimba, nemitengeranwa yangu.

< 哈巴谷书 3 >