< 诗篇 85 >

1 可拉后裔的诗,交与伶长。 耶和华啊,你已经向你的地施恩, 救回被掳的雅各。
Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema. Makanzwira nyasha nyika yenyu, imi Jehovha; makadzosera Jakobho nhaka yake.
2 你赦免了你百姓的罪孽, 遮盖了他们一切的过犯。 (细拉)
Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, uye mukafukidza zvivi zvavo zvose. Sera
3 你收转了所发的忿怒 和你猛烈的怒气。
Makaisa parutivi hasha dzenyu dzose, mukadzoka pakutsamwa kwenyu kunotyisa.
4 拯救我们的 神啊,求你使我们回转, 叫你的恼恨向我们止息。
Tidzoreizve, imi Mwari Muponesi wedu, mugoisa kure nemi kusafara kwenyu pamusoro pedu.
5 你要向我们发怒到永远吗? 你要将你的怒气延留到万代吗?
Mucharamba makatitsamwira nokusingaperi here? Mucharega kutsamwa kwenyu kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose here?
6 你不再将我们救活, 使你的百姓靠你欢喜吗?
Ko, hamungatimutsiridzizve here, kuti vanhu venyu vagofara mamuri?
7 耶和华啊,求你使我们得见你的慈爱, 又将你的救恩赐给我们。
Tiratidzei ngoni dzenyu, imi Jehovha, mugotipawo ruponeso rwenyu.
8 我要听 神—耶和华所说的话; 因为他必应许将平安赐给他的百姓—他的圣民; 他们却不可再转去妄行。
Ndichateerera zvichataurwa naJehovha Mwari; anovimbisa rugare kuvanhu vake, vatsvene vake, asi ngavasadzokerazve kuupenzi.
9 他的救恩诚然与敬畏他的人相近, 叫荣耀住在我们的地上。
Chokwadi, ruponeso rwake rwuri pedyo navanomutya, kuti kubwinya kwake kugogara munyika yedu.
10 慈爱和诚实彼此相遇; 公义和平安彼此相亲。
Rudo nokutendeka zvinosangana pamwe chete; kururama norugare zvinosvetana.
11 诚实从地而生; 公义从天而现。
Kutendeka kunomera panyika, kururama kunotarira pasi kuri kudenga.
12 耶和华必将好处赐给我们; 我们的地也要多出土产。
Chokwadi, Jehovha achapa zvinhu zvakanaka, uye nyika yedu ichabereka mukoho wayo.
13 公义要行在他面前, 叫他的脚踪成为可走的路。
Kururama kuchamutungamirira, uye kuchamugadzirira nzira yetsoka dzake.

< 诗篇 85 >