< 诗篇 83 >

1 亚萨的诗歌。 神啊,求你不要静默! 神啊,求你不要闭口,也不要不作声!
Rwiyo. Pisarema raAsafi. Haiwa Mwari, regai kunyarara; musanyarara, imi Mwari, musati mwiro.
2 因为你的仇敌喧嚷, 恨你的抬起头来。
Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu, namasimudziro avaita misoro yavo.
3 他们同谋奸诈要害你的百姓, 彼此商议要害你所隐藏的人。
Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu; vanorangana pamusoro paavo vamunochengeta zvakanaka.
4 他们说:来吧,我们将他们剪灭, 使他们不再成国! 使以色列的名不再被人记念!
Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi, kuti zita raIsraeri rirove.”
5 他们同心商议, 彼此结盟,要抵挡你,
Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete; vanoita sungano yokuzorwa nemi,
6 就是住帐棚的以东人和以实玛利人, 摩押和夏甲人,
matende eEdhomu nevaIshumaeri, neMoabhu navaHagari,
7 迦巴勒、亚扪, 和亚玛力、非利士并泰尔的居民。
Gebha, Amoni neAmareki, Firistia, navanhu veTire.
8 亚述也与他们连合; 他们作罗得子孙的帮手。 (细拉)
Kunyange neAsiria yabatana navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti. Sera
9 求你待他们,如待米甸, 如在基顺河待西西拉和耶宾一样。
Muvaitire sezvamakaitira vaMidhia, sezvamakaita kuna Sisera naJabhini paRwizi Kishoni,
10 他们在隐·多珥灭亡, 成了地上的粪土。
ivo vakafira paEndori uye vakava sendove pamusoro pevhu.
11 求你叫他们的首领像俄立和西伊伯, 叫他们的王子都像西巴和撒慕拿。
Muite makurukota avo saOrebhu naZibhi, machinda avo ose saZebha naZarumuna,
12 他们说:我们要得 神的住处, 作为自己的产业。
ivo vakati, “Handei tindotora mafuro aMwari.”
13 我的 神啊,求你叫他们像旋风的尘土, 像风前的碎秸。
Haiwa Mwari wangu, vaitei sendira, sehundi inodzingwa nemhepo.
14 火怎样焚烧树林, 火焰怎样烧着山岭,
Somoto unopisa sango kana moto unoririma mugomo,
15 求你也照样用狂风追赶他们, 用暴雨恐吓他们。
saka vateverei nedutu renyu mugovavhundutsa nokutinhira wenyu.
16 愿你使他们满面羞耻, 好叫他们寻求你—耶和华的名!
Fukidzai zviso zvavo nenyadzi kuti vanhu vagotsvaka zita renyu, imi Jehovha.
17 愿他们永远羞愧惊惶! 愿他们惭愧灭亡!
Ngavarambe vachinyadziswa uye vavhundutswe; ngavafire munyadzi dzavo.
18 使他们知道:惟独你— 名为耶和华的—是全地以上的至高者!
Ngavazive kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha, ndimi moga Wokumusoro-soro ari pamusoro penyika yose.

< 诗篇 83 >