< 诗篇 86 >

1 大卫的祈祷。 耶和华啊,求你侧耳应允我, 因我是困苦穷乏的。
Munyengetero waDhavhidhi. Inzwai, imi Jehovha, mundipindure, nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa.
2 求你保存我的性命,因我是虔诚人。 我的 神啊,求你拯救这倚靠你的仆人!
Chengetai upenyu hwangu, nokuti ndakazvipa kwamuri. Muri Mwari wangu; ponesai muranda wenyu anovimba nemi.
3 主啊,求你怜悯我, 因我终日求告你。
Ndinzwirei ngoni, imi Ishe, nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.
4 主啊,求你使仆人心里欢喜, 因为我的心仰望你。
Vigirai muranda wenyu mufaro, nokuti kwamuri, imi Ishe, ndinosimudzira mweya wangu.
5 主啊,你本为良善,乐意饶恕人, 有丰盛的慈爱赐给凡求告你的人。
Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe, muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri.
6 耶和华啊,求你留心听我的祷告, 垂听我恳求的声音。
Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; inzwai kuchemera kwangu ngoni dzenyu.
7 我在患难之日要求告你, 因为你必应允我。
Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu, nokuti muchandipindura.
8 主啊,诸神之中没有可比你的; 你的作为也无可比。
Haiwa Ishe, hakuna akafanana nemi pakati pavamwari; hakuna mabasa akaita seenyu.
9 主啊,你所造的万民都要来敬拜你; 他们也要荣耀你的名。
Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, imi Ishe; dzicharumbidza zita renyu.
10 因你为大,且行奇妙的事; 惟独你是 神。
Nokuti imi muri mukuru uye munoita zvinhu zvinoshamisa; imi moga ndimi Mwari.
11 耶和华啊,求你将你的道指教我; 我要照你的真理行; 求你使我专心敬畏你的名!
Haiwa Jehovha, ndidzidzisei nzira yenyu, uye ndichafamba muzvokwadi yenyu; ndipei mwoyo mumwe, kuti ndigotya zita renyu.
12 主—我的 神啊,我要一心称赞你; 我要荣耀你的名,直到永远。
Ndichakurumbidzai, imi Ishe Mwari wangu, nomwoyo wangu wose; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.
13 因为,你向我发的慈爱是大的; 你救了我的灵魂免入极深的阴间。 (Sheol h7585)
Nokuti rudo rwenyu rukuru kwandiri; makandirwira paguva rakadzika. (Sheol h7585)
14 神啊,骄傲的人起来攻击我, 又有一党强横的人寻索我的命; 他们没有将你放在眼中。
Haiwa Mwari, vanozvikudza vari kundirwisa; boka ravanhu vane utsinye rinotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasina hanya nemi.
15 主啊,你是有怜悯有恩典的 神, 不轻易发怒,并有丰盛的慈爱和诚实。
Asi, imi Ishe, mune tsitsi uye muri Mwari ane nyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo nokutendeka.
16 求你向我转脸,怜恤我, 将你的力量赐给仆人,救你婢女的儿子。
Dzokerai kwandiri mundinzwire ngoni; ipai simba renyu kumuranda wenyu, uye muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu.
17 求你向我显出恩待我的凭据, 叫恨我的人看见便羞愧, 因为你—耶和华帮助我,安慰我。
Ndipei chiratidzo chokunaka kwenyu, kuti vavengi vangu vazvione vagonyadziswa, nokuti imi Jehovha makandibatsira uye mukandinyaradza.

< 诗篇 86 >