< 诗篇 79 >

1 亚萨的诗。 神啊,外邦人进入你的产业, 污秽你的圣殿,使耶路撒冷变成荒堆,
Pisarema raAsafi. Haiwa Mwari, ndudzi dzapinda panhaka yenyu; vakasvibisa temberi yenyu tsvene, Jerusarema varideredza rikava marara.
2 把你仆人的尸首交与天空的飞鸟为食, 把你圣民的肉交与地上的野兽,
Vakapa mitumbi yavaranda venyu sezvokudya zveshiri dzedenga, nyama yavatsvene venyu kuzvikara zvenyika.
3 在耶路撒冷周围流他们的血如水, 无人葬埋。
Vakateura ropa kunge mvura paJerusarema rose, uye hakuna munhu anoviga zvitunha.
4 我们成为邻国的羞辱, 成为我们四围人的嗤笑讥刺。
Tiri chinhu chinoshorwa navatigere navo, chinosekwa nechinozvidzwa kuna avo vakatipoteredza.
5 耶和华啊,这到几时呢? 你要动怒到永远吗? 你的愤恨要如火焚烧吗?
Haiwa Jehovha, mucharamba makatitsamwira nokusingaperi kusvikira riniko? Godo renyu richapisa somoto kusvikira riniko?
6 愿你将你的忿怒倒在那不认识你的外邦 和那不求告你名的国度。
Dururirai hasha dzenyu pamusoro pendudzi dzisingakuzive, napaushe husingadani kuzita renyu;
7 因为他们吞了雅各, 把他的住处变为荒场。
nokuti vakapedza Jakobho uye vakaparadza nyika yokwake.
8 求你不要记念我们先祖的罪孽,向我们追讨; 愿你的慈悲快迎着我们, 因为我们落到极卑微的地步。
Regai kuverengera pamusoro pedu zvivi zvamadzibaba; tsitsi dzenyu ngadzikurumidze kuuya kuzosangana nesu, nokuti tiri pakutambudzika.
9 拯救我们的 神啊,求你因你名的荣耀帮助我们! 为你名的缘故搭救我们,赦免我们的罪。
Tibatsirei, imi Mwari Muponesi wedu, nokuda kwokukudzwa kwezita renyu; tirwirei mutiregerere zvivi zvedu nokuda kwezita renyu.
10 为何容外邦人说“他们的 神在哪里”呢? 愿你使外邦人知道你在我们眼前 伸你仆人流血的冤。
Ndudzi dzichataurireiko dzichiti, “Mwari wavo aripi?” Zivisai pakati pendudzi, pamberi pedu, kuti munotsiva ropa ravaranda venyu rakateurwa.
11 愿被囚之人的叹息达到你面前; 愿你按你的大能力存留那些将要死的人。
Kugomera kwavasungwa ngakusvike pamberi penyu; nesimba roruoko rwenyu chengetedzai avo vakatongerwa rufu.
12 主啊,愿你将我们邻邦所羞辱你的羞辱 加七倍归到他们身上。
Mutsive kanomwe pamabvi avavakidzani vedu, kutuka kwavakaita zita renyu, imi Ishe.
13 这样,你的民,你草场的羊, 要称谢你,直到永远; 要述说赞美你的话,直到万代。
Ipapo vanhu venyu, makwai amafuro enyu, vachakurumbidzai nokusingaperi; kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa, ticharondedzera nezvokurumbidzwa kwenyu.

< 诗篇 79 >