< 诗篇 80 >

1 亚萨的诗,交与伶长。调用为证的百合花。 领约瑟如领羊群之以色列的牧者啊,求你留心听! 坐在二基路伯上的啊,求你发出光来!
Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro wa “Maruva amahapa eSungano.” Pisarema raAsafi. Tinzwei, imi Mufudzi weIsraeri, imi makatungamirira Josefa seboka ramakwai; iyemi munogara pachigaro choushe pakati pamakerubhi, penyai
2 在以法莲、便雅悯、玛拿西前面 施展你的大能,来救我们。
pamberi paEfuremu, Bhenjamini naManase. Mutsai simba renyu; uyai mutiponese.
3 神啊,求你使我们回转, 使你的脸发光,我们便要得救!
Tidzorei, imi Mwari, penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.
4 耶和华—万军之 神啊, 你向你百姓的祷告发怒,要到几时呢?
Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, kutsamwa kwenyu kucharamba kuchipisa pamusoro peminyengetero yavanhu venyu kusvikira riniko?
5 你以眼泪当食物给他们吃, 又多量出眼泪给他们喝。
Makavapa chingwa chemisodzi kuti vadye; makaita kuti vanwe misodzi yakawanda.
6 你使邻邦因我们纷争; 我们的仇敌彼此戏笑。
Makatiita mavambo enharo kuna vatigere navo, uye vavengi vedu vanotiseka.
7 万军之 神啊,求你使我们回转, 使你的脸发光,我们便要得救!
Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.
8 你从埃及挪出一棵葡萄树, 赶出外邦人,把这树栽上。
Makabudisa muzambiringa kubva muIjipiti; makadzinga ndudzi mukaudyara.
9 你在这树根前预备了地方, 它就深深扎根,爬满了地。
Makaukurira nzvimbo, uye ukava nemidzi ukazadza nyika.
10 它的影子遮满了山, 枝子好像佳美的香柏树。
Makomo akanga akafukidzwa nomumvuri wawo, nemisidhari mikuru namatavi awo.
11 它发出枝子,长到大海, 发出蔓子,延到大河。
Wakatandavadza matavi awo kusvikira kuGungwa, namabukira awo kusvikira kuRwizi.
12 你为何拆毁这树的篱笆, 任凭一切过路的人摘取?
Seiko makaputsa masvingo awo kuti vose vanopfuura napo vanonge mazambiringa awo?
13 林中出来的野猪把它糟踏; 野地的走兽拿它当食物。
Nguruve dzinobva musango dzinouparadza, uye zvisikwa zvesango zvinoudya.
14 万军之 神啊,求你回转! 从天上垂看,眷顾这葡萄树,
Dzokerai kwatiri, imi Mwari Wamasimba Ose! Tarirai muri kudenga muone! Rindai muzambiringa uyu,
15 保护你右手所栽的 和你为自己所坚固的枝子。
iwo mudzi wakasimwa noruoko rwenyu rworudyi, mwanakomana wamakazvirerera.
16 这树已经被火焚烧,被刀砍伐; 他们因你脸上的怒容就灭亡了。
Muzambiringa wenyu watemerwa pasi, wapiswa nomoto; pakutuka kwenyu, vanhu venyu vanofa.
17 愿你的手扶持你右边的人, 就是你为自己所坚固的人子。
Ruoko rwenyu rworudyi ngarugare pamusoro pomunhu ari kurudyi kwenyu, mwanakomana womunhu wamakazvirerera.
18 这样,我们便不退后离开你; 求你救活我们,我们就要求告你的名。
Ipapo hatingazobvi kwamuri; timutsiridzei, tigodana kuzita renyu.
19 耶和华—万军之 神啊,求你使我们回转, 使你的脸发光,我们便要得救!
Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.

< 诗篇 80 >