< Mapisarema 113 >

1 Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha. 2 Zita raJehovha ngarirumbidzwe, kubva zvino kusvikira narini. 3 Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro, zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa. 4 Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose; kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga. 5 Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu, iye anogara pachigaro choushe chokumusoro-soro, 6 anokotamira pasi kuti aone zviri kudenga napanyika? 7 Anosimudza murombo kubva muguruva, uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota; 8 anovagadza namachinda, namachinda avanhu vavo. 9 Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make, samai vavana vanofara. Rumbidzai Jehovha.

< Mapisarema 113 >