< Mapisarema 114 >

1 Israeri akati abuda muIjipiti, imba yaJakobho ichibva kurudzi runo mutauro wokumwe, 2 Judha akava imba tsvene yaMwari, Israeri ushe hwake. 3 Gungwa rakazviona rikatiza, Jorodhani rwakadzokera shure; 4 makomo akakwakuka samakondobwe, zvikomo samakwayana. 5 Haiwa gungwa, wakatizeiko, iwe Jorodhani zvawakadzokera shure, 6 imi makomo zvamakakwakuka samakondobwe, nemi zvikomo, samakwayana? 7 Dedera, iwe nyika pamberi paShe, pamberi paMwari waJakobho, 8 akashandura dombo rikava dziva, dombo rakaoma rikava matsime emvura.

< Mapisarema 114 >