< Mapisarema 112 >

1 Rumbidzai Jehovha. Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, anofarira mirayiro yake zvikuru. 2 Vana vake vachava nesimba panyika; zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa. 3 Pfuma nezvakawanda zviri mumba make, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi. 4 Kunyange murima akarurama anobudirwa nechiedza, iye munhu ane nyasha nengoni uye akarurama. 5 Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira. 6 Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi; munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi. 7 Haangatyi mashoko akaipa; mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha. 8 Mwoyo wake wakachengetedzeka, haangatyi chinhu; pakupedzisira achatarira nokukunda kuvavengi vake. 9 Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo, kururama kwake kunogara nokusingaperi; runyanga rwake ruchasimudzwa mudenga mukukudzwa. 10 Akaipa achazviona uye acharwadziwa, acharumanya meno ake uye achaonda; kushuva kwowakaipa kuchava pasina.

< Mapisarema 112 >