< Mapisarema 111 >

1 Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose, padare ravakarurama nepagungano. 2 Mabasa aJehovha makuru; anorangarirwa navose vanofara maari. 3 Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi. 4 Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe; Jehovha ane nyasha nengoni. 5 Anopa zvokudya kuna avo vanomutya; anorangarira sungano yake nokusingaperi. 6 Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, achivapa nyika dzedzimwe ndudzi. 7 Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama, mitemo yake yose yakavimbika. 8 Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri, yakaitwa mukutendeka nokururama. 9 Akapa dzikinuro kuvanhu vake; akasimbisa sungano yake nokusingaperi, zita rake idzvene uye rinotyisa. 10 Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere; vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa. Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.

< Mapisarema 111 >