< До Тита 2 >

1 Ти ж говори, що личить здоровій науцї:
Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama.
2 старики щоб були тверезі, чесні, мірні, здорові вірою, любовю, терпіннєм;
Dzidzisa varume vakuru kuti vave vanozvibata, vakafanira kukudzwa, vanozvidzora, uye vakarurama mukutenda, murudo nomukutsungirira.
3 старі жінки так само щоб убирались як годить ся сьвятнм, (були) не осудливі, не підневолені великому і пянству і навчали добра,
Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka.
4 щоб доводили до розуму молодших, любити чоловіків, жалувати дїтей,
Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo,
5 щоб були мірними, чистими, господарлими, добрими, корились своїм чоловікам, щоб слово Боже не зневажалось.
kuti vave vanozvidzora uye vakachena, vanoshanda kumba, vave vanyoro uye kuti vazviise pasi pavarume vavo, kuitira kuti pashayikwe angazvidza shoko raMwari.
6 Молодик так само напоминай знати міру.
Zvimwe chetezvo, kurudzira majaya kuti azvidzore.
7 У всьому ж сам себе подаючи за взір добрих діл, у науці цїлость, поважність,
Pazvinhu zvose iwe uvaratidze somuenzaniso nokuita zvakanaka. Pakudzidzisa kwako udzidzise zvakakwana, uchirevesa
8 слово здорове, недокорене, щоб осоромив ся противник, не маючи нїчого казати про нас докірно.
uye nokutaura kwakarurama kusingagoni kushorwa, kuitira kuti vaya vanokupikisa vanyadziswe nokuti havana chinhu chavangareva pamusoro pedu.
9 Слуги своїм панам щоб корились, у всьому догоджали, не відказуючи,
Udzidzise varanda kuti vazviise pasi pavanavatenzi vavo pazvinhu zvose kuti vavafadze, varege kupindurana navo,
10 не крали, а показували всяку добру віру, щоб науку Спасителя нашого. Бога, украшували у всьому.
uye kuti varege kuvabira, asi kuti varatidze kuti vakatendeka zvikuru kwazvo, kuitira kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvinhu zvose.
11 Явилась бо благодать Божа спасительна всїм людям,
Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose.
12 навчаючи нас, щоб відцуравшись нечестя і мирських похотей, розумно і праведно і благочестно жили ми в нинїшньому віці, (aiōn g165)
Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino, (aiōn g165)
13 ждучи блаженного вповання і явлення слави великого Бога і Спаса нашого Ісуса Христа,
takamirira tariro yakaropafadzwa, kuonekwa kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu,
14 котрий оддав себе самого за нас, щоб ізбавити нас од усякого беззаконня і очистити собі людей вибраних, ревнителів добрих дїл.
akazvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pakuipa kwose, nokuzvinatsira vanhu vari vake chaivo, vanoshingaira kuita zvinhu zvakanaka.
15 Се говори, напоминай, і докоряй з усяким повелїннєм. Нехай ніхто тобою не гордує.
Zvino, izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kudzidzisa. Kurudzira uye utsiure nesimba rose. Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza.

< До Тита 2 >