< До Тита 1 >

1 Павел, слуга Божий, апостол же Ісуса Христа, по вірі вибраних Божих і зрозумінню правди, що по благочестю,
Pauro, muranda waMwari nomupostori waJesu Kristu nokuda kwokutenda kwavasanangurwa vaMwari nokuziva chokwadi chinotungamirira kuumwari,
2 в надїї вічнього життя, котре обітував Бог, що не обманює, перед вічними часами, (aiōnios g166)
kutenda nokuziva kunobva patariro youpenyu husingaperi, hwakapikirwa naMwari, iye asingatongonyepi, akavimbisa idzo nguva dzisati dzavapo, (aiōnios g166)
3 явив же часу свого слово своє проповіданнєм, котре менї доручено по повелінню Спасителя нашого Бога.
panguva yake yakatarwa akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nokurayira kwaMwari Muponesi wedu,
4 Титу, правдивому синові по спільній вірі: Благодать, милость, мир од Бога Отця і Господа Ісуса Христа, Спаса нашого.
kuna Tito, mwanakomana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Muponesi wedu.
5 На те зоставив я тебе в Критї, щоб остальне довів до ладу і настановив до всїх городах пресвитерів, як я тобі повелїв.
Ndakakusiya paKirete kuti upedzise zvakasara zvisina kupera uye kuti ugadze vakuru mumaguta ose, sezvandakakurayira.
6 Коли хто непорочен, однієї жінки муж, мав вірних дітей, недокорених за розврат, або непокірних.
Mukuru anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, munhu ane vana vanotenda uye vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori kana kuti havateereri.
7 Треба бо єпископу без пороку бути, яко Божому доморядникові, щоб не собі годив, не був гнївливий, не пяниця, не сварливий, не жадний поганого надбання,
Sezvo mutariri akapiwa basa raMwari, anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, asingakurumidzi kutsamwa, asingadhakwi, asingarwi, asingafariri pfuma yakaipa.
8 а був гостинний, любив добре, (у всьому) мірний, праведний, преподобний, вдержливий,
Asi anoitira vaeni rudo, munhu anoda zvakanaka, anozvidzora, akarurama, mutsvene uye anozvibata.
9 щоб державсь вірного слова по науцї, щоб умів і напоминати здоровою наукою і докоряти противних.
Anofanira kubatisisa shoko rechokwadi sezvarakadzidziswa, kuitira kuti agokurudzira vamwe nedzidziso yakarurama uye agodzivisa vaya vanoipikisa.
10 Багато бо непокірних, марномовцїв і обманщиків, найбільше ж которі з обрізання,
Nokuti kune vazhinji vasingateereri vanongotaura zvisina maturo uye vanyengeri, zvikuru sei vaya veboka rokudzingiswa.
11 їм треба роти позатуляти; вони всі доми розвертають, навчаючи чого не треба, ради скверного надбання.
Vanofanira kunyaradzwa miromo yavo, nokuti vari kuparadza mhuri dzizere vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa, uye vachizviita kuti vawane pfuma yakaipa.
12 Сказав же один о них, власний їх пророк: Критяне завсїди брехуни, люті зьвіри, черева лїниві.
Kunyange mumwe wavaprofita wavo akati, “VaKirete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.”
13 Вірне се сьвідченнє. З сієї ж то причини докоряй їх нещадно, щоб здорові були в вірі,
Uchapupu uhu ndohwechokwadi. Naizvozvo vatsiure zvikuru, kuti varurame pakutenda
14 не вважаючи на жидівські байки, нї на заповіді людей, що одвертають ся од правди.
uye kuti varege kuteerera ngano dzavaJudha, kana kurayira kwavanhu vakaramba chokwadi.
15 Все чисте чистим; опоганеним же та невірним нїщо не чисте, а опоганив ся і розум їх і совість.
Kune vakachena, zvinhu zvose zvakachena, asi kuna avo vakaora uye vasingatendi, hakuna chinhu chakachena. Asi kutoti zvose pfungwa dzavo nehana dzavo zvakaora.
16 Визнають, що знають Бога, а дїлами одрікають ся від Него, бувши гидкими і непокірними і до всякого діла доброго неспосібними.
Vanoti vanoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo. Vanonyangadza, havateereri uye havana kufanirwa nokuita chinhu chakanaka.

< До Тита 1 >