< Книга пророка Иоиля 3 >

1 Яко се, Аз во дни тыя и во время оно, егда возвращу пленники Иудины и Иерусалимли,
“Mumazuva iwayo, napanguva iyoyo, kana ndichinge ndadzosa pfuma yeJudha neyeJerusarema,
2 и соберу вся языки, и сведу я на юдоль Иосафатову, и разсуждуся с ними ту о людех Моих и о наследии Моем Израили, иже разсеяшася во языцех, и землю Мою разделиша.
ndichaunganidza ndudzi dzose ndigoenda nadzo kuMupata waJehoshafati. Ipapo ndichavatonga nokuda kwenhaka yangu, vanhu vangu vaIsraeri, nokuti vakaparadzira vanhu vangu pakati pendudzi, uye vakagovana nyika yangu.
3 И на люди Моя вергоша жребия, и даша отрочища блудницам, и отроковицы продаяху на вине и пияху.
Vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu, vakatsinhanisa vakomana nezvifeve; vakatengesa vanasikana kuti vagotenga waini yokuti vanwe.
4 И что вы Мне, Тире и Сидоне и вся Галилеа иноплеменников? Еда воздаяние вы воздаете Мне? Или памятозлобствуете вы на Мя? Остро и быстро воздам воздаяние ваше на главы ваша,
“Zvino ndakakutadzirai chiiko, imi Tire neSidhoni, nemi matunhu ose eFiristia? Muri kundiripira chimwe chinhu chandakaita here? Zvino kana muchindiripira, ini ndichadzosera zvamakaita pamisoro yenyu chaiyo nokukurumidza chaizvo.
5 понеже сребро Мое и злато Мое взясте, и избранная Моя и добрая внесосте в требища ваша,
Nokuti makatora sirivha negoridhe rangu, mukatakurawo midziyo yangu yakanakisisa mukandoiisa kutemberi dzenyu.
6 и сыны Иудины и сыны Иерусалимли продасте сыном Еллинским, яко да ижденете я от предел их.
Makatengesa vanhu veJudha neveJerusarema kuvaGiriki kuti muvaendese kure.
7 И се, Аз возставлю я от места, в неже продасте я тамо, и воздам воздаяние ваше на главы ваша:
“Tarirai, ini ndichavamutsa kubva kunzvimbo dzamakavatengesera, uye ndichadzosera pamisoro yenyu chaiyo zvamakaita.
8 и отдам сыны ваша и дщери ваша в руце сынов Иудиных, и продадят я в плен во страну далече сущу, яко Господь глагола.
Ndichatengesa vanakomana navanasikana venyu kuvanhu veJudha, uye vachavatengesa kuvaShebha, rudzi rwuri kure.” Jehovha ataura.
9 Проповедите сия во языцех, освятите рать, возставите сечцы, приведите и восходите, вси мужие воинстии,
Paridzirai izvi kundudzi dzose: Gadzirirai hondo! Mutsai varwi! Varwi vose ngavaswedere pedyo varwise.
10 разсецыте рала ваша на мечи и серпы ваша на копия: немощный да глаголет, яко могу аз:
Pfurai mapadza enyu muaite minondo, uye mapanga okuchekerera miti muaite mapfumo. Asina simba ngaati, “Ndine simba!”
11 совокупляйтеся и входите, вси языцы окрест, и соберитеся ту: кроткий да будет храбр.
Uyai nokukurumidza, imi ndudzi dzose, kubva kumativi ose mugoungana ipapo. Haiwa Jehovha, burutsai varwi venyu.
12 Да востанут и взыдут вси языцы на юдоль Иосафатову, яко тамо сяду разсудити вся языки яже окрест.
“Ndudzi dzose ngadzimutswe; ngadziende kuMupata waJehoshafati, nokuti ipapo ndipo pandichagara pasi kuti nditonge ndudzi dzose kumativi ose enyika.
13 Испустите серпы, яко предстоит обымание винограда: внидите, топчите, яко исполнь точило, изливаются подточилия, яко умножишася злобы их.
Shandisai jeko, nokuti gohwo raibva. Uyai musvine mazambiringa netsoka dzenyu, nokuti chisviniro chazara, uye zvirongo zvopfachukira, uku ndiko kukura kwakaita kuipa kwavo.”
14 Гласи прогласишася на поли судебнем, яко близ день Господень на юдоли судебней.
Vazhinji zhinji, vazhinji zhinji, vari mumupata wokutonga. Nokuti zuva raJehovha rava pedyo mumupata wokutonga.
15 Солнце и луна померкнут, и звезды скрыют свет свой.
Zuva nomwedzi zvichasviba uye nyeredzi dzichadzima.
16 Господь же от Сиона воззовет и от Иерусалима даст глас Свой, и потрясется небо и земля: Господь же пощадит люди Своя и укрепит (Господь) сыны Израилевы.
Jehovha achaomba paZioni, uye achatinhira ari muJerusarema; denga nenyika zvichadedera. Asi Jehovha achava utiziro hwavanhu vake, nhare yavanhu veIsraeri.
17 И увесте, яко Аз Господь Бог ваш, вселяяся в Сионе в горе Моей святей: и будет Иерусалим свят, и иноплеменницы не пройдут сквозе его ктому.
“Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha Mwari wenyu, ndinogara muZioni, gomo rangu dzvene. Jerusarema richava dzvene; vatorwa havachazorirwisazve.
18 И будет в той день, искаплют горы сладость, и холми источат млеко, и вси источницы Иудины источат воды, и источник от дому Господня изыдет и напоит водотечь Сития.
“Pazuva iroro makomo achachururuka waini itsva, uye zvikomo zvichaerera mukaka; hova dzose dzomuJudha dzichaerera mvura. Chitubu chichaerera chichibva muimba yaJehovha, uye chichadiridzira mupata wemiti yemiunga.
19 Египет в погибель будет, и Идумеа в поле погибели будет за озлобление сынов Иудиных, понеже пролияша кровь праведную на земли своей:
Asi Ijipiti ichava dongo, Edhomu ichava gwenga risina basa, nokuda kwokurwiswa kwakaitwa vanhu veJudha, vakateura ropa risina mhosva munyika yavo.
20 Иудеа же во веки населится, и Иерусалим в роды родов.
MuJudha muchagara vanhu nokusingaperi, uye nomuJerusarema kusvikira kuzvizvarwa zvose.
21 И взыщу крови их и не обезвиню: и Господь вселится в Сионе.
Mhosva yavo yeropa yandisina kuregerera, ndichairegerera,

< Книга пророка Иоиля 3 >