< Zvakazarurwa 19 >

1 Zvino shure kweizvi ndakanzwa inzwi guru rechaunga chikuru kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso nekubwinya nerukudzo nesimba kuna Ishe Mwari wedu;
After these things I heard [what sounded] like a huge crowd in heaven. They were shouting things like, “(Hallelujah!/Praise our God!)” “He has saved us!” “He is glorious and mighty!”
2 nokuti mitongo yake ndeyechokwadi uye yakarurama; nokuti wakatonga mhombwe huru yakaodza nyika neupombwe hwayo, uye wakatsiva ropa revaranda vake paruoko rwayo.
“Praise him because he judges truly and justly!” “He has punished the very evil cities that are like a prostitute, because their people persuaded the other people of earth [MTY] to act immorally and idolatrously like they do.” “Praise him because he has punished them for murdering his servants [MTY]!”
3 Zvino vakati rwechipiri: Hareruya! Neutsi hwaro hunokwira kusvikira rinhi narinhi. (aiōn g165)
[The crowd] shouted a second time saying: (Hallelujah!/Praise God!) The smoke of the fire that is burning the cities will rise forever! (aiōn g165)
4 Zvino vakuru makumi maviri nevana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawa vakanamata Mwari wakange agere pachigaro cheushe, vachiti: Ameni, Hareruya!
The 24 elders and the four living [creatures] (prostrated themselves/knelt down) and worshipped God, who sits on the throne. Then they said, “[It] is true! (Hallelujah!/Praise God!)”
5 Inzwi ndokubuda pachigaro cheushe, richiti: Rumbidzai Mwari wedu, imwi mese varanda vake, nevanomutya, zvese vadiki nevakuru.
Someone spoke from the throne and said, “All you who are our God’s servants, praise him! All you who reverence him, [whether you are socially] significant or insignificant, praise him! [Everyone]!”
6 Zvino ndakanzwa senzwi rechaunga chikuru, uye senzwi remvura zhinji, uye senzwi rekutinhira kune simba richiti: Hareruya! Nokuti anotonga Ishe Mwari Wemasimbaose.
I heard something like the noise of a huge crowd [of people], like the sound of a huge waterfall (OR, a great/wide river of rushing water), and like the sound of loud thunder. They were shouting: (Hallelujah!/Praise God!) Because the Lord God, the Almighty One, reigns!
7 Ngatifare, tipembere, nekupa rukudzo kwaari; nokuti muchato weGwayana wasvika, uye mukadzi waro wazvigadzirira.
We should rejoice, we should be extremely glad, and we should honor him, because it is now time for Jesus, the one who is like a lamb, to be united permanently with his people, which will be like a man [MET] marrying his bride, and because those who belong to him have prepared themselves to be united with him.
8 Kwaari kwakapiwa kuti amonere mucheka wakaisvonaka wakachena uye unopenya; nokuti mucheka wakaisvonaka ndiwo kururama kwevatsvene.
God has permitted them to be completely pure, like a bride who [MET] dresses in fine linen that is bright and clean. Fine [bright and clean] linen represents the righteous acts of God’s people.
9 Zvino wakati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakakokwa kuchirairo chemuchato weGwayana. Ndokuti kwandiri: Awa mashoko echokwadi aMwari.
Then the angel said to me, “Write [this: God will abundantly] bless the people who are {whom [he] has} invited to the feast [that celebrates Jesus, the one who is like a] lamb, [permanently uniting with his people, like someone] [MET] [marrying a wife].” He also said [to me]: “These words that God [declares] are true!”
10 Zvino ndakawira pamberi petsoka dzake kuti ndimunamate; ndokuti kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe newe nehama dzako dzine uchapupu hwaJesu; namata Mwari, nokuti ndihwo uchapupu hwaJesu mweya wechiporofita.
I [immediately] (prostrated myself/knelt down) at his feet in order to worship him. But he said to me, “Do not [worship me]! I am [just] your [(sg)] fellow servant and the fellow servant of your [(sg)] fellow believers who tell people about Jesus. God is the one whom you should worship, because it is the Spirit of God who gives people the power to tell others about Jesus (OR, [those who tell others about] Jesus are [truly] declaring [the words that the Spirit of God has given them])!”
11 Zvino ndakaona denga rakazarurwa, zvino tarira, bhiza jena, newakange agere pamusoro paro anonzi Wakatendeka neWechokwadi, uye pakururama anotonga nekurwa.
[In the vision] I saw heaven opened {open}, and I was surprised to see a white horse. [Jesus], the one who was riding on the horse, is called ‘Trustworthy and Genuine/True’. He judges [all people according to] what is right, and fights righteously [against his enemies].
12 Zvino meso ake akaita semurazvo wemoto; nepamusoro wake pane korona zhinji, ane zita rakanyorwa risina munhu wakariziva kunze kwake.
His eyes [shone like] [MET] a flame of fire. There were many royal crowns on his head. A name had been written [on him]. Only he knows [the meaning of that name].
13 Zvino wakamonera nguvo yakanyikwa muropa; uye zita rake rinonzi shoko raMwari.
The robe he was wearing was drenched with blood. His name is [also] “(The one who expresses what God is like/The Word of God).”
14 Uye hondo dzaiva kudenga dzakamutevera dzakatasva mabhizha machena, dzakapfeka mucheka wakaisvonaka muchena wakashambidzika.
The armies of heaven were following him. [They were also] riding on white horses. They were wearing clothes [made of] clean white linen.
15 Zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti nawo arove marudzi; uye iye achaatonga netsvimbo yedare; uye iye anotsika chisviniro chewaini chehasha uye chekutsamwa kwaMwari Wemasimbaose.
[The words] that Jesus speaks [are like] [MTY] a sharp sword with which he will strike [the rebellious people of] the nations. He himself will rule them [powerfully, as though he had] [MET] an iron rod. He will crush [his enemies just like] [MET] [a person crushes grapes in a] winepress. [He will do this for] God Almighty, who is extremely angry [with them because of their sins].
16 Uye panguvo nepachidzva chake pakange pakanyorwa zita rinoti: MAMBO WEMADZIMAMBO NAISHE WEMADZISHE.
On his cloak close to his thigh a name had been written {[he] had written a name}, which is “King who [rules over all other] kings and Lord who [rules over all other] lords.”
17 Zvino ndakaona mutumwa umwe amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzese dzinobhururuka pakati pedenga: Uyai muungane pamwe pachirairo chaMwari mukuru,
I saw an angel who was standing in [the light of] [MTY] the sun. He called loudly to all the [flesh-eating] birds flying high in the sky, “Come and gather for the wonderful feast that God [is providing for you]!
18 kuti mudye nyama yemadzimambo, nenyama yevakuru vezvuru zvemazana, nenyama yevanhu vane simba, nenyama yemabhiza neyevatasvi vawo, nenyama yezvese, zvese yevakasununguka neyevakasungwa, zvese yevadiki neyevakuru.
[Come] and eat the flesh of all [God’s enemies who are dead—] the flesh of kings, army commanders, [people who fought] powerfully, horses and the [soldiers] who rode them, [and the flesh of all other kinds of people], whether [they were] free or slaves, [socially] insignificant or significant. [All kinds]!”
19 Zvino ndakaona chikara, nemadzimambo enyika nehondo dzavo vakaungana pamwe kuti vaite hondo newakange akatasva bhiza, uye nehondo yake.
Then I saw the beast and the kings of earth with their armies gathered together to fight against the Rider on the horse, and against his army.
20 Zvino chikara chakabatwa, uye pamwe nacho muporofita wenhema wakaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakagamuchira mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho. Ava vese vakakandirwa vari vapenyu mudziva remoto unotsva nesarufa. (Limnē Pyr g3041 g4442)
The beast and the false prophet were captured {[He] captured the beast and the false prophet}. The false prophet is the one who had performed miracles in the beast’s presence. By doing that he had deceived the people who had accepted the beast’s mark [on their foreheads] and who worshipped its image. The beast and the false prophet were thrown {[He] threw the beast and the one who falsely said that he spoke messages that came directly from God} alive into the lake of fire that burns with sulfur. (Limnē Pyr g3041 g4442)
21 Uye vakasara vakaurawa nemunondo wewakange akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; neshiri dzese dzikagutiswa nenyama yavo.
The rider on the horse killed the rest [of their armies] just by [speaking words], [which were like] [MTY] a sword that extended from his mouth. All those birds gorged themselves on the flesh of [the people whom he had killed].

< Zvakazarurwa 19 >