< Ruka 17 >

1 Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze zvinototi zviuye, asi ane nhamo munhu uyo anouya nazvo.
耶穌又對門徒說:「絆倒人的事是免不了的;但那絆倒人的有禍了。
2 Zvaiva nani kwaari kuti guyo risungirirwe pamutsipa wake agokandwa mugungwa pano kuti atadzise mumwe wavaduku ava.
就是把磨石拴在這人的頸項上,丟在海裏,還強如他把這小子裏的一個絆倒了。
3 Saka zvingwarirei. “Kana hama yako ichitadza, itsiure, uye kana akatendeuka, umuregerere.
你們要謹慎!若是你的弟兄得罪你,就勸戒他;他若懊悔,就饒恕他。
4 Kana akakutadzira kanomwe pazuva, uye akadzoka kwauri kanomwe achiti, ‘Ndatendeuka,’ muregerere.”
倘若他一天七次得罪你,又七次回轉,說:『我懊悔了』,你總要饒恕他。」
5 Vapostori vakati kuna She, “Tiwedzereiwo kutenda kwedu!”
使徒對主說:「求主加增我們的信心。」
6 Iye akati, “Kana muno kutenda kuduku duku setsanga yemasitadhi, munogona kuti kumuti womuonde uyu, ‘Dzurwa usimwe mugungwa,’ uye uchakuteererai.
主說:「你們若有信心像一粒芥菜種,就是對這棵桑樹說:『你要拔起根來,栽在海裏』,它也必聽從你們。
7 “Ngatitii mumwe wenyu anga aine muranda anorima kana kuti anofudza makwai. Angati here kumuranda paanopinda achibva kumunda, ‘Uya pano iye zvino ugare pasi udye’?
你們誰有僕人耕地或是放羊,從田裏回來,就對他說:『你快來坐下吃飯』呢?
8 Ko, haangati here, ‘Ndigadzirire chokudya changu, uzvigadzirire iwe ugondimirira pandinenge ndichidya nokunwa; shure kwaizvozvo iwe ungazodya hako nokunwa’?
豈不對他說:『你給我預備晚飯,束上帶子伺候我,等我吃喝完了,你才可以吃喝』嗎?
9 Ko, angavonga muranda nokuda kwokuti akaita zvaakaudzwa here?
僕人照所吩咐的去做,主人還謝謝他嗎?
10 Saka nemiwo, pamunenge maita zvose zvamakaudzwa kuti muite, munofanira kuti, ‘Tiri varanda vasina maturo; tangoita zvatanga tichifanira kuita.’”
這樣,你們做完了一切所吩咐的,只當說:『我們是無用的僕人,所做的本是我們應分做的。』」
11 Zvino ari munzira achienda kuJerusarema, Jesu akafamba achitevedza muganhu waiva pakati peSamaria neGarirea.
耶穌往耶路撒冷去,經過撒馬利亞和加利利。
12 Paakanga opinda mumusha, varume gumi vaiva namaperembudzi vakasangana naye. Vakamira vari nechokure
進入一個村子,有十個長大痲瘋的,迎面而來,遠遠地站着,
13 uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzwireiwo ngoni!”
高聲說:「耶穌,夫子,可憐我們吧!」
14 Akati achivaona, akati kwavari, “Endai munozviratidza kuvaprista.” Uye pavaienda, vakabva vanatswa.
耶穌看見,就對他們說:「你們去把身體給祭司察看。」他們去的時候就潔淨了。
15 Mumwe wavo akati aona kuti akanga aporeswa, akadzoka achirumbidza Mwari nenzwi guru.
內中有一個見自己已經好了,就回來大聲歸榮耀與上帝,
16 Akazviwisira patsoka dzaJesu akamuvonga. Uye akanga ari muSamaria.
又俯伏在耶穌腳前感謝他;這人是撒馬利亞人。
17 Jesu akati, “Ko, havasi vose gumi vakaporeswa here? Ko, vamwe vapfumbamwe varipi?
耶穌說:「潔淨了的不是十個人嗎?那九個在哪裏呢?
18 Kwashayikwa mumwe woga adzoka akazorumbidza Mwari kunze kwouyu mutorwa here?”
除了這外族人,再沒有別人回來歸榮耀與上帝嗎?」
19 Ipapo akati kwaari, “Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa.”
就對那人說:「起來,走吧!你的信救了你了。 」
20 Akati abvunzwa navaFarisi kuti umambo hwaMwari hwaizosvika riini, Jesu akapindura akati, “Umambo hwaMwari hahuuyi nokunyatsocherechedza kwenyu,
法利賽人問:「上帝的國幾時來到?」耶穌回答說:「上帝的國來到不是眼所能見的。
21 uye vanhu havangati, ‘Hohuno pano’ kana kuti ‘Uho uko,’ nokuti umambo hwaMwari huri mamuri.”
人也不得說:『看哪,在這裏!看哪,在那裏!』因為上帝的國就在你們心裏。」
22 Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Nguva iri kuuya yamuchashuva kuona rimwe ramazuva oMwanakomana woMunhu, asi hamuzorioni.
他又對門徒說:「日子將到,你們巴不得看見人子的一個日子,卻不得看見。
23 Vanhu vachati kwamuri, ‘Hoyo uko!’ kana kuti ‘Houno pano!’ Musamhanya muchivatevera.
人將要對你們說:『看哪,在那裏!看哪,在這裏!』你們不要出去,也不要跟隨他們!
24 Nokuti semheni inopenya ichivhenekera muchadenga ichibva kuno rumwe rutivi ichienda kuno rumwe rutivi, ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu pazuva rake.
因為人子在他降臨的日子,好像閃電從天這邊一閃直照到天那邊。
25 Asi anofanira kutanga kumbotambudzika zvikuru uye acharambwa norudzi urwu.
只是他必須先受許多苦,又被這世代棄絕。
26 “Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo mumazuva oMwanakomana woMunhu.
挪亞的日子怎樣,人子的日子也要怎樣。
27 Vanhu vaidya, vachinwa, vachiwana nokuwaniswa kusvikira zuva rakapinda Noa muareka. Ipapo mafashamu akasvika akavaparadza vose.
那時候的人又吃又喝,又娶又嫁,到挪亞進方舟的那日,洪水就來,把他們全都滅了。
28 “Zvakanga zvakadarowo pamazuva aRoti. Vanhu vakanga vachidya nokunwa, vachitonga nokutongesa, vachidyara nokuvaka.
又好像羅得的日子;人又吃又喝,又買又賣,又耕種又蓋造。
29 Asi pazuva rakabuda Roti muSodhomu, moto nesuriferi zvakanaya, zvichibva kudenga zvikavaparadza vose.
到羅得出所多瑪的那日,就有火與硫磺從天上降下來,把他們全都滅了。
30 “Zvichaita saizvozvo pazuva iro Mwanakomana woMunhu acharatidzwa.
人子顯現的日子也要這樣。
31 Pazuva iro hakuna munhu ari pamusoro pedenga remba, ane nhumbi dzake mukati memba, anofanira kuburuka kuti andodzitora. Saizvozvowo, hakuna munhu ari kumunda achadzokera chinhu chero chipi zvacho.
當那日,人在房上,器具在屋裏,不要下來拿;人在田裏,也不要回家。
32 Rangarirai mukadzi waRoti!
你們要回想羅得的妻子。
33 Ani naani anoedza kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, uye ani naani anorasikirwa noupenyu hwake achahuponesa.
凡想要保全生命的,必喪掉生命;凡喪掉生命的,必救活生命。
34 Ndinoti kwamuri, pazuva iro vanhu vaviri vachange vari pamubhedha mumwe; mumwe achatorwa mumwe achisiyiwa.
我對你們說,當那一夜,兩個人在一個床上,要取去一個,撇下一個。
35 Vakadzi vaviri vachange vachikuya zviyo pamwe chete; mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.
兩個女人一同推磨,要取去一個,撇下一個。」
36 Varume vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.”
37 Vakamubvunza vakati, “Kupiko Ishe?” Akapindura akati, “Pano mutumbi, ndipo panoungana magora.”
門徒說:「主啊,在哪裏有這事呢?」耶穌說:「屍首在哪裏,鷹也必聚在那裏。」

< Ruka 17 >