< Jobho 38 >

1 Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati: 2 “Ndianiko uyu anodzimaidza zano rangu namashoko asina zivo? 3 Chizvishingisa somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura. 4 “Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa. 5 Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi? 6 Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai, kana kuti ndianiko akaisa ibwe rapakona, 7 panguva yaiimba nyeredzi dzamangwanani pamwe chete, uye vanakomana vaMwari vose vachipembera nomufaro? 8 “Ndianiko akapfigira gungwa mikova parakatsemuka richibva muchizvaro, 9 pandakaita makore kuti ave nguo yaro, uye ndikariputira murima guru, 10 pandakariisira miganhu yaro, uye ndikaisa makonhi aro namazariro panzvimbo yawo, 11 pandakati, ‘Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri; pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako’? 12 “Wakambopa mutemo kumangwanani here, kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo, 13 kuti abate mipendero yenyika, uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi? 14 Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo. 15 Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo, uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika. 16 “Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here, kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika? 17 Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here? Wakamboona masuo omumvuri worufu here? 18 Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here? Ndiudze kana uchiziva zvose izvi. 19 “Ko, nzira inoenda kunogara chiedza ndeipi? Ko, rima rinogarepi? 20 Ungagona kuzviisa kunzvimbo yazvo here? Unoziva nzira inoenda kwazvinogara here? 21 Zvirokwazvo iwe unoziva, nokuti wakanga waberekwa kare! Wararama kwamakore mazhinji kwazvo. 22 “Wakambopinda mudura rechando here, kana kuona dura rechimvuramabwe, 23 izvo zvandakachengetera nguva dzokutambudzika, mazuva ehondo neokurwa? 24 Ko, nzira inoenda kunogoverwa mheni ndeipi, kana nzvimbo inoparadzirwa mhepo dzokumabvazuva pamusoro penyika? 25 Ndianiko anodziura mugero wemvura zhinji, nenzira yechimvuramabwe, 26 kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu, gwenga risina munhu mariri, 27 kugutsa nyika yakaparadzwa nokuita kuti imere uswa? 28 Ko, mvura ina baba here? Ndianiko baba vemadonhwe edova? 29 Chando chinobva muchizvaro chaaniko? Ndianiko anobereka mazaya echando achibva kudenga, 30 panooma mvura ikaita sedombo, pamusoro pokwakadzika pachioma nechando? 31 “Ungagona kusunga nyeredzi dzeChimutanhatu here? Iwe ungasunungura mabote eOrioni here? 32 Ungabudisa mapoka enyeredzi panguva yadzo here, kana kutungamirira Akuturo navana vayo? 33 Unoziva mitemo yokumatenga here? Ungagona kumisa umambo hwaMwari pamusoro penyika here? 34 “Ko, iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore here, uye ugozvifukidza namafashamu emvura? 35 Ko, iwe unotuma mheni panzira yayo here? Ko, zvinodzoka kuzokuzivisa iwe here kuti isu tiri pano? 36 Ndianiko akaisa uchenjeri mumwoyo, kana kupa kunzwisisa kundangariro? 37 Ndianiko ane uchenjeri hwokuverenga makore? Ndianiko angagona kuteura matende emvura okudenga, 38 kana guruva raoma, uye mavhinga enyika anamatirana? 39 “Ko, iwe ungavhimira shumbakadzi chokudya here, uye ungagutsa shumba panzara yadzo here, 40 kana dzichitsivama mumapako adzo kana kuti dzakavandira mudenhere? 41 Ndianiko anopa gunguo zvokudya kana vana varo vachichema kuna Mwari, uye vachidzungaira pose pose nokushayiwa zvokudya?

< Jobho 38 >