< Mapisarema 1 >

1 Akaropafadzwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, asingamiri panzira yavatadzi, asingagari pachigaro chavadadi. 2 Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. 3 Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka. 4 Vakaipa havana kudaro! Vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo. 5 Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa, kana vatadzi paungano yavakarurama. 6 Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama, asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

< Mapisarema 1 >