< コリント人への手紙第一 5 >

1 第一項 近親相婚者の事件 取総て聞く所によれば、汝等の中に私通あり、而も異邦人の中にも在らざる程の私通にして、或人は其父の妻を娶れりと云ふ。
Zvinonzi pakati penyu pane upombwe, uye upombwe hworudzi rusakambonzwikwa kunyange pakati pavahedheni: Munhu anorara nomukadzi wababa vake.
2 斯ても汝等は驕るか、之を行へる人の汝等の中より除かれん事を望みて嘆かざるか。
Uye munozvikudza! Mungadai musingachemi here uye makatodzinga munhu anoita zvakadai kuti musayanana naye?
3 我身こそは其處に在らざれど、精神にては其處に在りて躬之に臨めるが如く、然行ひし人を既に裁判せり。
Kunyange zvangu ndisiri pakati penyu panyama, ndinemi mumweya. Uye ndatotonga kare pamusoro pomunhu akaita izvi, sokunonzi ndiripo.
4 即ち我主イエズス、キリストの御名に由り、汝等と我精神と相合して、我主イエズス、キリストの権力を以て、
Pamunoungana pamwe chete muzita raIshe Jesu, ndinemi mumweya, uye simba raIshe Jesu riripo,
5 斯る輩をサタンに付す。是肉體は亡ぶるも、精神は我主イエズス、キリストの日に於て救はれん為なり。
isai munhu uyu kuna Satani, kuti nyama iparadzwe uye mweya wake ugoponeswa pazuva raShe.
6 汝等の誇れるは善き事に非ず、僅の酵は麪の全體を膨らすと知らずや。
Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa chikanyiwa chose?
7 汝等既に無酵麪となりし如く、古き酵を除きて新しき麪たるべし。其は、我等が過越[の犠牲]たるキリストは屠られ給ひたればなり。
Bvisai mbiriso yakare kuti mugova chikanyiwa chitsva chisina mbiriso, sezvamuri chaizvo. Nokuti Kristu, gwayana redu rePasika, akabayirwa.
8 故に我等は古き麪酵、及び惡事と不義との麪酵を用ひずして、純粋と眞實との無酵麪を用ひて祝はざるべからず。
Naizvozvo ngatiitei mutambo, tisingaiti nembiriso yakafa, mbiriso yoruvengo nokuipa, asi nechingwa chisina mbiriso, chingwa chokururama nezvokwadi.
9 我曾て書簡にて私通者に交る勿れと書贈りしが、
Ndakunyorerai mutsamba yangu kuti murege kufambidzana nemhombwe,
10 是は此世の私通者、或は貪欲者、或は掠奪者、或は偶像崇拝者に交る勿れとには非ず、若然らば、汝等此世を去らざるを得ざりしならん。
handisi kureva vanhu venyika ino vanoita upombwe, kwete, kana vano ruchiva namakororo, kana vanonamata zvifananidzo. Nokuti kana zvadaro mungatobva panyika ino.
11 然れども交る勿れと今書贈るは、若兄弟と名けらるる人にして、私通者、或は貪欲者、或は偶像崇拝者、或は侮辱者、或は酩酊者、或は掠奪者ならば、斯る人と食事を共にする事勿れとなり。
Asi zvino ndinonyora kwamuri kuti musafambidzana naani zvake anozviti ihama asi ari mhombwe, kana kuti ano ruchiva, anonamata zvifananidzo, kana kuti chidhakwa kana gororo. Munhu akadaro musatombodya naye.
12 其は我争でか外に在る人を審く事あらんや。汝等の審くは内なる人に非ずや。
Nokuti ibasa rangu here kuti nditonge avo vari kunze kwekereke? Hamufaniri kutonga avo vari mukereke here?
13 蓋外に在る人をば神ぞ審き給ふべき。惡人を汝等の中より取除け。
Mwari ndiye achatonga avo vari kunze. “Dzingai munhu akaipa uyu abve pakati penyu.”

< コリント人への手紙第一 5 >