< コリント人への手紙第一 4 >

1 第四項 パウロ自己の弁解 然れば人は宜しく、我等をキリストの僕、神の奥義の分配者と思ふべし。
Saka naizvozvo, vanhu vanofanira kutiona savaranda vaKristu uye savaya vakaitwa vachengeti vezvakavanzika zvaMwari.
2 然て分配者に要求する所は其忠實なる事なれど、
Zvino zvakafanira kuti vaya vakapiwa utariri vave vakatendeka.
3 我は汝等により、或は人の裁判によりて是非せらるることを、聊も意と為ず、又自ら是非する事をも為ざるなり。
Chinhu chiduku duku kwandiri kana ndichitongwa nemi kana dare ripi zvaro romunhu; zvirokwazvo handizvitongi pachangu.
4 蓋良心に何の咎むる事はなけれども、之に由りて義とせらるるには非ず、我を是非し給ふ者は主なり。
Hana yangu yakachena, asi izvi hazviiti kuti ndive munhu akarurama. Ishe ndiye anonditonga.
5 然れば汝等主の來り給ふ迄は、時に先ちて是非すること勿れ、主は暗夜の隠れたる所をを照らし、心の謀を發き給ふべし、其時面々に神より誉を得ん。
Naizvozvo, regai kutonga chinhu nguva isati yasvika; chimbomirai kusvikira Ishe auya. Achaisa pachena zvakavanzwa murima uye acharatidza mifungo yemwoyo yavanhu. Panguva iyoyo mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.
6 兄弟等よ、我が是等の事を、我とアポルロとに引當てて云ひしは、是汝等の為、即ち我等の例を以て、録されたる以外に、一人を揚げ一人を蔑げて誇らざらん事を汝等に學ばしめん為なり。
Zvino, hama dzangu, ndakaita zvinhu izvi kuupenyu hwangu uye nokuna Aporosi nokuda kwenyu, kuitira kuti mudzidze kubva kwatiri zvinoreva chirevo chokuti, “Usaita zvinopfuura zvakanyorwa.” Ipapo hamungazvikudzi pamusoro pomumwe munhu muchimuenzanisa nomumwe.
7 蓋汝を差別する者は誰ぞや、汝の有てる物にして、貰はざりし物は何かある、貰ひしならば、何ぞ貰はざりしが如くに誇るや。
Nokuti ndianiko akakutsaura iwe kubva kuno mumwe? Chiiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, seiko uchizvikudza sousina kupiwa?
8 汝等既に飽足れり、既に富めり、我等を措きて王となれり。然り汝等王たれかし、然らば我等も汝等と共に王たるを得ん。
Matova nezvose zvamunoda kare! Makatopfumiswa kare! Mava madzimambo, uye isu tisipo! Ndinoshuva sei kuti dai makava madzimambo kuitira kuti tigova madzimambo pamwe chete nemi!
9 蓋我想ふに、神は使徒たる我等を、後の者、死に定まりたる者として見せ給へり。即ち我等は全世界、天使等にも人間にも観物とせられたるなり。
Nokuti ini ndinoona kuti Mwari akatigadza kuti tive vapostori vanoonekwa pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu. Takaitwa chiseko kunyika yose, kuvatumwa uyewo nokuvanhu.
10 我等はキリストの為に愚者なるに、汝等はキリストに於て智者なり、我等は弱くして汝等は強く、汝等は尊くして我等は卑し。
Tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera kwazvo muna Kristu! Isu tinoshayiwa simba, asi imi mune simba! Munokudzwa, isu tinozvidzwa!
11 今の時に至る迄も、我等は飢ゑ、又渇き、又素肌なり、又頬を打たれ、又定まれる住所なく、
Kusvikira panguva ino isu tine nzara, uye tine nyota, takapfeka mamvemve, tinorohwa zvakaoma kwazvo, hatina pokugara.
12 又手業を営みて勞し、詛はれては祝し、迫害せられては忍び、
Tinoshanda nesimba namaoko edu. Kana tikatukwa tinoropafadza; kana tichitambudzwa, tinotsungirira;
13 罵られては祈り、今に至る迄も世の芥、衆人の捨物の如くになれり。
kana tichipomerwa mhosva, tinopindura zvinyoronyoro. Kusvikira panguva ino takaitwa setsvina yenyika, marara enyika.
14 我が斯く書記せるは、汝等を辱めんとには非ず、唯我至愛なる子として誡むるのみ。
Handisi kukunyorerai izvi kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikuyambirei, savana vangu vandinoda.
15 蓋汝等キリストに於て、師は一萬ありとも父は數多からず、其は福音を以て汝等をキリスト、イエズスに生みたるは我なればなり。
Kunyange zvazvo mune vachengeti vanosvika zviuru gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji, nokuti muna Kristu Jesu ndakava baba venyu kubudikidza nevhangeri.
16 故に我汝等に希ふ、(我がキリストに倣へる如く)汝等も我に倣へ。
Naizvozvo ndinokukumbirai zvikuru kuti muve vateveri vangu.
17 我は之が為に、主に於て忠實なる我至愛の子チモテオを汝等に遣はしたるが、彼はキリスト、イエズスに於る我道、即ち至る處の各教會に我が教ふる所を、汝等に思出さしめん。
Nokuda kwechikonzero ichi ndatuma Timoti kwamuri, mwana wangu wandinoda, akatendeka muna She. Achakuyeuchidzai mararamiro angu muna Kristu Jesu, zvinoenderana nezvandinodzidzisa kwose kwose mukereke dzose.
18 或人々は我汝等に至らずとて誇れども、
Vamwe venyu vava kuzvikudza, sokunonzi handisi kuzouya kwamuri.
19 主の思召ならば、我は速に汝等に至り、誇れる人々の言を措きて其實力を知らんとす。
Asi ndichauya kwamuri nokukurumidza, kana Ishe achida, uye handizotsvaki chete kuti vanhu ava vanozvikudza vari kutaura sei, asi kutiwo vane simba rakadii.
20 是神の國は言にあるに非ずして實力にあればなり。
Nokuti umambo hwaMwari hahuzi pakutaura bedzi asi pasimba.
21 汝等は敦をか望める、我が鞭を以て汝等に至らん事か、将愛と温和の心とを以て至らん事か。
Munodeiko? Ndiuye kwamuri neshamhu here, kana norudo uye nomweya wounyoro?

< コリント人への手紙第一 4 >