< תהילים 81 >

למנצח על-הגתית לאסף ב הרנינו לאלהים עוזנו הריעו לאלהי יעקב 1
Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo egititi. Pisarema raAsafi. Imbirai Mwari nomufaro iye simba redu; danidzirai kuna Mwari waJakobho!
שאו-זמרה ותנו-תף כנור נעים עם-נבל 2
Vambai rwiyo, muridze tambureni, ridzai mbira dzinonakidza nomutengeranwa.
תקעו בחדש שופר בכסה ליום חגנו 3
Ridzai runyanga rwehwai paKugara kwoMwedzi, uye pakuchena kwomwedzi, pazuva roMutambo wedu;
כי חק לישראל הוא משפט לאלהי יעקב 4
ichi ndicho chirevo chaIsraeri, chakatarwa naMwari waJakobho.
עדות ביהוסף שמו-- בצאתו על-ארץ מצרים שפת לא-ידעתי אשמע 5
Akachisimbisa somutemo wakanyorwa waJosefa panguva yaakandorwa neIjipiti, uko kwatakanzwa mutauro watakanga tisinganzwisisi.
הסירותי מסבל שכמו כפיו מדוד תעברנה 6
Iye anoti, “Ndakabvisa mutoro pamapfudzi avo; maoko avo akasunungurwa padengu.
בצרה קראת ואחלצך אענך בסתר רעם אבחנך על-מי מריבה סלה 7
Pakutambudzika kwako wakadana ini ndikakununura, ndakakupindura ndiri mugore rokutinhira; ndakakuedza pamvura zhinji yeMeribha. Sera
שמע עמי ואעידה בך ישראל אם-תשמע-לי 8
“Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichakuyambirai, kana mukada chete kunditeerera, imi Israeri!
לא-יהיה בך אל זר ולא תשתחוה לאל נכר 9
Pakati penyu ngaparege kuva namwari wavatorwa, musapfugamira mwari wokumwe.
אנכי יהוה אלהיך-- המעלך מארץ מצרים הרחב-פיך ואמלאהו 10
Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva munyika yeIjipiti. Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza.
ולא-שמע עמי לקולי וישראל לא-אבה לי 11
“Asi vanhu vangu havana kuda kundinzwa, Israeri haana kuda kuzviisa pasi pangu.
ואשלחהו בשרירות לבם ילכו במועצותיהם 12
Saka ndakavaregera paukukutu hwemwoyo yavo, kuti vatevere mano avo.
לו--עמי שמע לי ישראל בדרכי יהלכו 13
“Kana vanhu vangu vakada kunditeerera, kana Israeri akada kutevera nzira dzangu,
כמעט אויביהם אכניע ועל צריהם אשיב ידי 14
ndaikurumidza kukunda sei vavengi vavo nokurova vavengi vavo noruoko rwangu!
משנאי יהוה יכחשו-לו ויהי עתם לעולם 15
Vaya vanovenga Jehovha vachatya pamberi pake, uye kurangwa kwavo kuchagara nokusingaperi.
ויאכילהו מחלב חטה ומצור דבש אשביעך 16
Asi imi muchagutswa nezviyo zvakaisvonaka; uye ndichakugutsai nouchi hunobva padombo.”

< תהילים 81 >