< 1 Corinthians 13 >

1 If I speak with the tongues of men and of angels, but have not love, I am become sounding brass, or a clanging cymbal.
Kana ndikataura nendimi dzevanhu nedzevatumwa, asi ndisina rudo, ndava dare rinorira kana ndarira inoungudza.
2 And if I have [the gift of] prophecy, and know all mysteries and all knowledge; and if I have all faith, so as to remove mountains, but have not love, I am nothing.
Uye kana ndine chiporofita, uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvese neruzivo rwese, uye kana ndine rutendo rwese, zvekuti ndibvise makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu.
3 And if I bestow all my goods to feed [the poor], and if I give my body to be burned, but have not love, it profiteth me nothing.
Uye kana ndagovera varombo zvinhu zvangu zvese, uye kana ndikagamuchidza muviri wangu kuti ndipiswe, asi ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.
4 Love suffereth long, [and] is kind; love envieth not; love vaunteth not itself, is not puffed up,
Rudo rwune moyo murefu, rwune unyoro; rudo harwuna godo; rudo harwuzvikudzi, harwututumadzwi,
5 doth not behave itself unseemly, seeketh not its own, is not provoked, taketh not account of evil;
harwuzvibati zvisakafanira, harwuzvitsvakiri zvarwo, harwudenhwi, harwurangariri zvakaipa;
6 rejoiceth not in unrighteousness, but rejoiceth with the truth;
harwufari nekusarurama, asi rwunofara muchokwadi;
7 beareth all things, believeth all things, hopeth all things, endureth all things.
rwunofukidza zvese, rwunotenda zvese, rwunotarisira zvese, rwunotsungirira pazvese.
8 Love never faileth: but whether [there be] prophecies, they shall be done away; whether [there be] tongues, they shall cease; whether [there be] knowledge, it shall be done away.
Rudo harwutongoperi. Zvino kana zviri zviporofita, zvichashaiswa basa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana rwuri ruzivo, rwuchashaiswa basa.
9 For we know in part, and we prophesy in part:
Nokuti tinoziva muchidimbu, uye tinoporofita muchidimbu;
10 but when that which is perfect is come, that which is in part shall be done away.
asi kana zvakazara zvasvika, ipapo zviri muchidimbu zvichashayiswa maturo.
11 When I was a child, I spake as a child, I felt as a child, I thought as a child: now that I am become a man, I have put away childish things.
Pandakange ndiri mucheche, ndaitaura semucheche, ndainzwisisa semucheche, ndaifunga semucheche; asi pandakava murume, ndakashaisa maturo zveucheche.
12 For now we see in a mirror, darkly; but then face to face: now I know in part; but then shall I know even as also I have been known.
Nokuti ikozvino tinoona nepachionioni madzedzerera; asi nenguva iyo tichaona zviso nezviso; ikozvino ndinoziva muchidimbu, asi ipapo ndichaziva sezvandakazikanwawo ini.
13 But now abideth faith, hope, love, these three; and the greatest of these is love.
Ikozvinowo rutendo, tariro, rudo, zvitatu izvi ndizvo zvinogara; asi chikuru chezvizvi rudo.

< 1 Corinthians 13 >