< 诗篇 77 >

1 亚萨的诗,照耶杜顿的作法,交与伶长。 我要向 神发声呼求; 我向 神发声,他必留心听我。
Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raAsafi. Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire; ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe.
2 我在患难之日寻求主; 我在夜间不住地举手祷告; 我的心不肯受安慰。
Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe; panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti, uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.
3 我想念 神,就烦燥不安; 我沉吟悲伤,心便发昏。 (细拉)
Haiwa Mwari, ndakakurangarirai, uye ndikagomera; ndakafungisisa, mweya wangu ukaziya. Sera
4 你叫我不能闭眼; 我烦乱不安,甚至不能说话。
Makakonesa meso angu kutsinzina; ndakatambudzika zvokuti ndakatadza kutaura.
5 我追想古时之日, 上古之年。
Ndakarangarira mazuva ekare, makore ekare kare;
6 我想起我夜间的歌曲,扪心自问; 我心里也仔细省察。
ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku. Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati,
7 难道主要永远丢弃我, 不再施恩吗?
“Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here? Haachazombonzwiri ngonizve here?
8 难道他的慈爱永远穷尽, 他的应许世世废弃吗?
Ko, rudo rwake rusingaperi rwakabva nokusingaperi here? Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here? Sera
9 难道 神忘记开恩, 因发怒就止住他的慈悲吗? (细拉)
Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here? Mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?”
10 我便说:这是我的懦弱, 但我要追念至高者显出右手之年代。
Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pane izvozvi: makore oruoko rworudyi reWokumusoro-soro.”
11 我要提说耶和华所行的; 我要记念你古时的奇事。
Ndicharangarira mabasa aJehovha; hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare.
12 我也要思想你的经营, 默念你的作为。
Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndicharangarira mabasa enyu makuru.
13 神啊,你的作为是洁净的; 有何神大如 神呢?
Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene. Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu?
14 你是行奇事的 神; 你曾在列邦中彰显你的能力。
Muri Mwari anoita zvishamiso; munoratidza simba renyu pakati pavanhu.
15 你曾用你的膀臂赎了你的民, 就是雅各和约瑟的子孙。 (细拉)
Noruoko rwenyu rune simba, makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa. Sera
16 神啊,诸水见你, 一见就都惊惶; 深渊也都战抖。
Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari, mvura zhinji yakakuonai ikatya; kwakadzika chaiko kwakabvunda.
17 云中倒出水来; 天空发出响声; 你的箭也飞行四方。
Makore akadurura mvura, kumatenga kwakaunga nokutinhira; miseve yenyu yakapenya kuno nokoko.
18 你的雷声在旋风中; 电光照亮世界; 大地战抖震动。
Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri, kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika; nyika yakadedera ikadengenyeka.
19 你的道在海中; 你的路在大水中; 你的脚踪无人知道。
Gwara renyu rakapinda nomugungwa, nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji, kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi.
20 你曾借摩西和亚伦的手引导你的百姓, 好像羊群一般。
Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai noruoko rwaMozisi naAroni.

< 诗篇 77 >