< 箴言 2 >

1 我儿,你若领受我的言语, 存记我的命令,
Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, ukachengeta mirayiro yangu mauri,
2 侧耳听智慧, 专心求聪明,
ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa,
3 呼求明哲, 扬声求聪明,
uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa,
4 寻找它,如寻找银子, 搜求它,如搜求隐藏的珍宝,
uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa,
5 你就明白敬畏耶和华, 得以认识 神。
ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo rwaMwari.
6 因为,耶和华赐人智慧; 知识和聪明都由他口而出。
Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.
7 他给正直人存留真智慧, 给行为纯正的人作盾牌,
Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa,
8 为要保守公平人的路, 护庇虔敬人的道。
nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake.
9 你也必明白仁义、公平、 正直、一切的善道。
Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka.
10 智慧必入你心; 你的灵要以知识为美。
Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, uye ruzivo ruchafadza mweya wako.
11 谋略必护卫你; 聪明必保守你,
Kungwara kuchakuchengetedza, uye kunzwisisa kuchakurinda.
12 要救你脱离恶道, 脱离说乖谬话的人。
Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama,
13 那等人舍弃正直的路, 行走黑暗的道,
vanosiya nzira yakarurama kuti vafambe munzira dzerima,
14 欢喜作恶, 喜爱恶人的乖僻,
vanofarira kuita zvakaipa uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa,
15 在他们的道中弯曲, 在他们的路上偏僻。
vane nzira dzakaminama uye vanonyengera pamaitiro avo.
16 智慧要救你脱离淫妇, 就是那油嘴滑舌的外女。
Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve, kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake,
17 她离弃幼年的配偶, 忘了 神的盟约。
uyo akasiya murume woumhandara hwake uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari.
18 她的家陷入死地; 她的路偏向阴间。 (questioned)
Nokuti imba yake inoenda kurufu, uye nzira dzake kumweya yavakafa.
19 凡到她那里去的,不得转回, 也得不着生命的路。
Hakuna anoenda kwaari achidzoka kana kuzowana nzira dzoupenyu.
20 智慧必使你行善人的道, 守义人的路。
Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka uye ucharamba uri munzira dzavakarurama.
21 正直人必在世上居住; 完全人必在地上存留。
Nokuti vakarurama vachagara munyika, uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi;
22 惟有恶人必然剪除; 奸诈的,必然拔出。
asi vakaipa vachaparadzwa panyika, uye vasina kutendeka vachabviswa pairi.

< 箴言 2 >