< 箴言 1 >

1 以色列王大卫儿子所罗门的箴言:
Zvirevo zvaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsraeri:
2 要使人晓得智慧和训诲, 分辨通达的言语,
kuti uwane uchenjeri nokurayirwa; nokunzwisisa mashoko enjere;
3 使人处事领受智慧、 仁义、公平、正直的训诲,
kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira;
4 使愚人灵明, 使少年人有知识和谋略,
kuti vasina mano vapiwe uchenjeri, jaya ripiwe ruzivo namano,
5 使智慧人听见,增长学问, 使聪明人得着智谋,
vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo, uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa,
6 使人明白箴言和譬喻, 懂得智慧人的言词和谜语。
kuti vanzwisise zvirevo nemifananidzo, mashoko nezvirahwe zvavakachenjera.
7 敬畏耶和华是知识的开端; 愚妄人藐视智慧和训诲。
Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo, asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.
8 我儿,要听你父亲的训诲, 不可离弃你母亲的法则;
Mwanakomana wangu, teerera, kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
9 因为这要作你头上的华冠, 你项上的金链。
Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako nouketani hunoshongedza mutsipa wako.
10 我儿,恶人若引诱你, 你不可随从。
Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usabvuma zvavari kuda kuti uite.
11 他们若说:你与我们同去, 我们要埋伏流人之血, 要蹲伏害无罪之人;
Kana vakati, “Handei tose; ngativandirei munhu timuuraye; ngativandirei mweya usina mhosva;
12 我们好像阴间,把他们活活吞下; 他们如同下坑的人, 被我们囫囵吞了; (Sheol h7585)
ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba; (Sheol h7585)
13 我们必得各样宝物, 将所掳来的,装满房屋;
tichawana marudzi ose ezvinhu zvinokosha tigozadza dzimba dzedu nezvatichapamba;
14 你与我们大家同分, 我们共用一个囊袋;
isa zvinhu zvako pamwe chete nesu, tigova nechikwama chimwe chete,”
15 我儿,不要与他们同行一道, 禁止你脚走他们的路。
mwanakomana wangu, usabvumirana navo, usaisa rutsoka panzira dzavo;
16 因为,他们的脚奔跑行恶; 他们急速流人的血,
nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira muchivi, vanokurumidza kundodeura ropa.
17 好像飞鸟, 网罗设在眼前仍不躲避。
Hazvibatsiri sei kutambanudza mumbure shiri dzose dzichinyatsoona!
18 这些人埋伏,是为自流己血; 蹲伏,是为自害己命。
Varume ava vanovandira ropa ravo vomene; vanozvivandira ivo pachavo!
19 凡贪恋财利的,所行之路都是如此; 这贪恋之心乃夺去得财者之命。
Aya ndiwo magumo avaya vanotsvaka pfuma nenzira yakaipa; inouraya vaya vanoiwana.
20 智慧在街市上呼喊, 在宽阔处发声,
Uchenjeri hunodanidzira nenzwi guru mumugwagwa, hunokwidza inzwi rahwo pachivara;
21 在热闹街头喊叫, 在城门口,在城中发出言语,
kumusoro kwemigwagwa ine ruzha hunodanidzira, pamasuo eguta hunotaura shoko rahwo huchiti:
22 说:你们愚昧人喜爱愚昧, 亵慢人喜欢亵慢, 愚顽人恨恶知识,要到几时呢?
“Kusvikira riniko imi vasina mano, muchingoda kugara musina mano? Kusvikira riniko vaseki vachifarira kuseka, uye mapenzi achivenga zivo?
23 你们当因我的责备回转; 我要将我的灵浇灌你们, 将我的话指示你们。
Dai makateerera kutsiura kwangu, ndingadai ndakadurura mwoyo wangu kwamuri uye ndakazivisa pfungwa dzangu kwamuri.
24 我呼唤,你们不肯听从; 我伸手,无人理会;
Asi sezvo makandiramba pandakakudanai uye pasina kana mumwe akateerera pandakatambanudza ruoko rwangu,
25 反轻弃我一切的劝戒, 不肯受我的责备。
sezvo makashaya hanya nokurayira kwangu, uye mukasagamuchira kutsiura kwangu,
26 你们遭灾难,我就发笑; 惊恐临到你们,我必嗤笑。
iniwo ndichaseka panguva yenjodzi yenyu; ndichaseka dambudziko parichakusvikirai,
27 惊恐临到你们,好像狂风; 灾难来到,如同暴风; 急难痛苦临到你们身上。
dambudziko parichakukundai sedutu, njodzi paichavhuvhuta pamusoro penyu sechamupupuri, nhamo namatambudziko pazvichakukundai.
28 那时,你们必呼求我,我却不答应, 恳切地寻找我,却寻不见。
“Ipapo vachadana kwandiri asi ini handingavapinduri; vachanditsvaka asi havangandiwani.
29 因为,你们恨恶知识, 不喜爱敬畏耶和华,
Sezvo vakavenga zivo uye vakasasarudza kutya Jehovha,
30 不听我的劝戒, 藐视我一切的责备,
sezvo vasina kugamuchira yambiro yangu, uye vakashora kutsiura kwangu,
31 所以必吃自结的果子, 充满自设的计谋。
vachadya zvibereko zvenzira dzavo uye vachazadzwa nezvibereko zvemano avo.
32 愚昧人背道,必杀己身; 愚顽人安逸,必害己命。
Nokuti kusateerera kwavasina mano kuchavaurayisa, uye kushaya hanya kwamapenzi kuchavaparadza;
33 惟有听从我的,必安然居住, 得享安静,不怕灾祸。
asi ani naani achanditeerera achagara murugare, uye achagara akasununguka, asingatyi kuparadzwa.”

< 箴言 1 >