< 约珥书 1 >

1 耶和华的话临到毗土珥的儿子约珥。
Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri.
2 老年人哪,当听我的话; 国中的居民哪,都要侧耳而听。 在你们的日子, 或你们列祖的日子, 曾有这样的事吗?
Inzwai izvi, imi vakuru; teererai imi mose vagere munyika. Ko, zvakadai zvakamboitika here pamazuva enyu, kana pamazuva amadzitateguru enyu?
3 你们要将这事传与子, 子传与孙, 孙传与后代。
Zvinhu izvi zviudzei vana venyu, uye vana venyu ngavaudzewo vana vavo, vana vavowo vaudze chizvarwa chinotevera.
4 剪虫剩下的,蝗虫来吃; 蝗虫剩下的,蝻子来吃; 蝻子剩下的,蚂蚱来吃。
Zvakasiyiwa nefararira remhashu zvakadyiwa nemhashu dzemagutaguta; zvakasiyiwa nemhashu dzemagutaguta zvakadyiwa negwatagwata; zvakasiyiwa negwatagwata zvakadyiwa nedzimwewo mhashu.
5 酒醉的人哪,要清醒哭泣; 好酒的人哪,都要为甜酒哀号, 因为从你们的口中断绝了。
Mukai imi zvidhakwa, chemai! Ungudzai imi vanwi vewaini; ungudzai nokuda kwewaini itsva, nokuti yabvutwa pamiromo yenyu.
6 有一队蝗虫又强盛又无数, 侵犯我的地; 它的牙齿如狮子的牙齿, 大牙如母狮的大牙。
Rudzi rwarwisa nyika yangu, rune simba uye haruverengeki; rune meno eshumba nameno makuru eshumbakadzi.
7 它毁坏我的葡萄树, 剥了我无花果树的皮, 剥尽而丢弃,使枝条露白。
Rwakaparadza mizambiringa yangu yose, rukaparadza mionde yangu yose. Rwakasvuura makwati ose emiti, rukaarasira kure, ndokusiya mapazi awo achena kuti mbe-e.
8 我的民哪,你当哀号,像处女腰束麻布, 为幼年的丈夫哀号。
Chemai semhandara yakapfeka masaga inochema murume wouduku hwayo.
9 素祭和奠祭从耶和华的殿中断绝; 事奉耶和华的祭司都悲哀。
Zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa hazvichawanikwi muimba yaJehovha. Vaprista vari kuungudza, vaya vanoshumira pamberi paJehovha.
10 田荒凉,地悲哀; 因为五谷毁坏, 新酒干竭,油也缺乏。
Minda yaparadzwa, pasi paoma; zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapera, mafuta hakuchina.
11 农夫啊,你们要惭愧; 修理葡萄园的啊,你们要哀号; 因为大麦小麦与田间的庄稼都灭绝了。
Pererwai nezano, imi varimi, ungudzai, imi varimi vemizambiringa, chemerai gorosi nebhari, nokuti mukohwo weminda waparadzwa.
12 葡萄树枯干; 无花果树衰残。 石榴树、棕树、苹果树, 连田野一切的树木也都枯干; 众人的喜乐尽都消灭。
Muzambiringa waoma, uye muonde wasvava; mutamba, muchindwi nomuti womuapuro, miti yose yesango, yaoma. Zvirokwazvo, mufaro wavanhu wasvava.
13 祭司啊,你们当腰束麻布痛哭; 伺候祭坛的啊,你们要哀号; 事奉我 神的啊,你们要来披上麻布过夜, 因为素祭和奠祭从你们 神的殿中断绝了。
Pfekai masaga mucheme, imi vaprista; ungudzai, imi munoshanda paaritari. Uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga, imi munoshumira pamberi paMwari wangu; nokuti zvipiriso zvezviyo nezvokunwa zvadziviswa muimba yaMwari wenyu.
14 你们要分定禁食的日子, 宣告严肃会, 招聚长老和国中的一切居民 到耶和华—你们 神的殿, 向耶和华哀求。
Tsaurai nguva yokutsanya kutsvene; danai vanhu kuungano tsvene. Kokai vakuru navose vanogara munyika kuimba yaJehovha Mwari wedu, mugodana kuna Jehovha.
15 哀哉!耶和华的日子临近了。 这日来到,好像毁灭从全能者来到。
Rinotyisa sei zuva iro! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo; richauya sokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose.
16 粮食不是在我们眼前断绝了吗? 欢喜快乐不是从我们 神的殿中止息了吗?
Ko, zvokudya hazvina kubviswa here pamberi pedu chaipo, mufaro nokufarisisa kubva mumba maMwari wedu?
17 谷种在土块下朽烂; 仓也荒凉,廪也破坏; 因为五谷枯干了。
Mbeu dzinopetana dzisati dzamera pasi pevhu, matura aparara, tsapi dzaputswa nokuti hapachina zviyo.
18 牲畜哀鸣; 牛群混乱,因为无草; 羊群也受了困苦。
Mombe dzinogomera sei! Matanga emombe odzungaira nokuda kwokushayiwa mafuro. Kunyange mapoka amakwai ari kutambudzika.
19 耶和华啊,我向你求告, 因为火烧灭旷野的草场; 火焰烧尽田野的树木。
Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri, nokuti moto wapisa mafuro, uye mirazvo yemoto yapisa miti yose musango.
20 田野的走兽向你发喘; 因为溪水干涸, 火也烧灭旷野的草场。
Kunyange mhuka dzesango dzinochema kwamuri; nokuti hova dzesango dzapwa uye moto waparadza mafuro ose.

< 约珥书 1 >