< 阿摩司书 1 >

1 当犹大王乌西雅,以色列王约阿施的儿子耶罗波安在位的时候,大地震前二年,提哥亚牧人中的阿摩司得默示论以色列。
Mashoko aAmosi mumwe wavafudzi veTekoa, zvaakaona pamusoro peIsraeri makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika, Uzia paakanga ari mambo weJudha uye Jerobhoamu mwanakomana waJoashi ari mambo weIsraeri.
2 他说:耶和华必从锡安吼叫, 从耶路撒冷发声; 牧人的草场要悲哀; 迦密的山顶要枯干。
Akati: “Jehovha anoomba ari paZioni uye anotinhira ari paJerusarema; mafuro avafudzi anooma, pamusoro peKarimeri panosvava.”
3 耶和华如此说: 大马士革三番四次地犯罪, 我必不免去她的刑罚; 因为她以打粮食的铁器打过基列。
Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zveDhamasiko, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakapura Gireadhi nemipuro ina meno amatare,
4 我却要降火在哈薛的家中, 烧灭便·哈达的宫殿。
ndichatumira moto paimba yaHazaeri uchaparadza nhare dzaBheni Hadhadhi.
5 我必折断大马士革的门闩, 剪除亚文平原的居民和伯·伊甸掌权的。 亚兰人必被掳到吉珥。 这是耶和华说的。
Ndichavhuna suo reDhamasiko; ndichaparadza mambo agere mumupata weAvheni uye nouyo akabata tsvimbo youshe muBheti Edheni. Vanhu veAramu vachaenda muutapwa kuKiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
6 耶和华如此说: 迦萨三番四次地犯罪, 我必不免去她的刑罚; 因为她掳掠众民交给以东。
Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zveGaza, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakatapa rudzi rwose uye vakavatengesa kuEdhomu,
7 我却要降火在迦萨的城内, 烧灭其中的宫殿。
ndichatuma moto pamusoro pamasvingo eGaza uchaparadza nhare dzake.
8 我必剪除亚实突的居民和亚实基伦掌权的, 也必反手攻击以革伦。 非利士人所余剩的必都灭亡。 这是主耶和华说的。
Ndichaparadza mambo weAshidhodhi uye nouyo akabata tsvimbo youshe muAshikeroni. Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndirwise Ekironi kusvikira vaFiristia vose vapera kufa,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9 耶和华如此说: 泰尔三番四次地犯罪, 我必不免去她的刑罚; 因为她将众民交给以东, 并不记念弟兄的盟约。
Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zveTire, kunyange zvina handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatengesera Edhomu rudzi rwose savatapwa, akasacherechedza sungano youkama,
10 我却要降火在泰尔的城内, 烧灭其中的宫殿。
ndichatuma moto pamasvingo eTire, uchaparadza nhare dzake.”
11 耶和华如此说: 以东三番四次地犯罪, 我必不免去她的刑罚; 因为她拿刀追赶兄弟,毫无怜悯, 发怒撕裂,永怀忿怒。
Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaEdhomu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akadzinganisa mununʼuna wake nomunondo, akaramba kumunzwira tsitsi, nokuti kutsamwa kwake kwakaramba kwakangodaro, uye hasha dzake dzakapfuta, hadzina akadzimisa,
12 我却要降火在提幔, 烧灭波斯拉的宫殿。
ndichatuma moto pamusoro peTemani uchaparadza nhare dzeBhozira.”
13 耶和华如此说: 亚扪人三番四次地犯罪, 我必不免去他们的刑罚; 因为他们剖开基列的孕妇, 扩张自己的境界。
Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaAmoni, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatumbura vakadzi vane mimba veGireadhi, kuti awedzere miganhu yake,
14 我却要在争战呐喊的日子, 旋风狂暴的时候, 点火在拉巴的城内, 烧灭其中的宫殿。
ndichatungidza moto pamasvingo eRabha uchaparadza nhare dzaro, pakati pemheremhere yehondo pazuva rokurwa, pakati pemhepo huru nezuva redutu.
15 他们的王和首领必一同被掳去。 这是耶和华说的。
Mambo wake achaenda kuutapwa, iye namakurukota ake pamwe chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

< 阿摩司书 1 >