< 阿摩司书 4 >

1 你们住撒马利亚山如巴珊母牛的啊, 当听我的话— 你们欺负贫寒的,压碎穷乏的, 对家主说:拿酒来,我们喝吧!
Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBhashani paGomo reSamaria, imi vakadzi vanodzvinyirira varombo uye vanopwanya vanoshayiwa muchiti kuvarume venyu, “Tiunzirei zvokunwa.”
2 主耶和华指着自己的圣洁起誓说: 日子快到,人必用钩子将你们钩去, 用鱼钩将你们余剩的钩去。
Ishe Jehovha apika noutsvene hwake achiti, “Zvirokwazvo nguva ichasvika yamuchatorwa nezvikokovono, vokupedzisira pakati penyu nezviredzo.
3 你们各人必从破口直往前行, 投入哈门。 这是耶和华说的。
Muchabuda pakarepo mumwe nomumwe, napakakoromoka masvingo, uye mucharasirwa kunze makananga kuHamoni,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
4 以色列人哪,任你们往伯特利去犯罪, 到吉甲加增罪过; 每日早晨献上你们的祭物, 每三日奉上你们的十分之一。
“Endai kuBheteri mundotadza; endai kuGirigari mundowedzera kutadza kwenyu. Uyai nezvibayiro zvenyu mangwanani namangwanani, zvegumi zvenyu mushure mamakore matatu.
5 任你们献有酵的感谢祭, 把甘心祭宣传报告给众人, 因为是你们所喜爱的。 这是主耶和华说的。
Pisai chingwa chine mbiriso sechibayiro chokuvonga muzvirumbidze pamusoro pezvipiriso zvenyu zvokupa nokuzvisarudzira, zvirumbidzei nazvo, imi vaIsraeri, nokuti izvi ndizvo zvamunofarira kuita,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
6 我使你们在一切城中牙齿干净, 在你们各处粮食缺乏, 你们仍不归向我。 这是耶和华说的。
“Ndakakupai matumbu asina chinhu mumaguta makuru ose uye ndikakushayisai chingwa mumaguta maduku ose, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
7 在收割的前三月,我使雨停止, 不降在你们那里; 我降雨在这城, 不降雨在那城; 这块地有雨, 那块地无雨; 无雨的就枯干了。
“Ndakamisawo mvura kuti isanaya kwasara mwedzi mitatu kuti mukohwe. Ndakatumira mvura kuguta rimwe chete ndikasanayisa kune rimwe. Mumwe munda wakawana mvura mumwe wakashayiwa uye ukaoma.
8 这样,两三城的人凑到一城去找水, 却喝不足; 你们仍不归向我。 这是耶和华说的。
Vanhu vakadzedzereka vachibva kune rimwe guta vachienda kune rimwe kundotsvaka mvura, asi havana kuwana yaivaringana kuti vanwe, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
9 我以旱风、霉烂攻击你们, 你们园中许多菜蔬、葡萄树、 无花果树、橄榄树都被剪虫所吃; 你们仍不归向我。 这是耶和华说的。
“Kakawanda kwazvo ndakarova mapindu neminda yenyu yemizambiringa, ndakairova nechirwere nokuvhuvha. Mhashu dzakaparadza mionde nemiti yenyu yemiorivhi, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
10 我降瘟疫在你们中间, 像在埃及一样; 用刀杀戮你们的少年人, 使你们的马匹被掳掠, 营中尸首的臭气扑鼻; 你们仍不归向我。 这是耶和华说的。
“Ndakatumira hosha pakati penyu sezvandakaita kuIjipiti. Ndakauraya majaya enyu nomunondo, pamwe chete namabhiza enyu akapambwa. Ndakazadza mhino dzenyu nokunhuhwa kwemisasa yenyu, asi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
11 我倾覆你们中间的城邑, 如同我从前倾覆所多玛、蛾摩拉一样, 使你们好像从火中抽出来的一根柴; 你们仍不归向我。 这是耶和华说的。
“Ndakaparadza vamwe venyu sokuparadza kwandakaita Sodhomu neGomora. Makanga makaita sorukuni runotsva, rwabviswa mumoto, asi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
12 以色列啊,我必向你如此行; 以色列啊,我既这样行, 你当预备迎见你的 神。
“Naizvozvo izvi ndizvo zvandichaita kwauri, Israeri, uye nokuti ndichaita izvi kwauri, gadzirira kusangana naMwari wako, iwe Israeri.”
13 那创山、造风、将心意指示人、 使晨光变为幽暗、脚踏在地之高处的, 他的名是耶和华—万军之 神。
Iye anoita makomo, ndiye anosika mhepo, ndiyezve anozivisa pfungwa dzake kumunhu, Iye anoshandura mangwanani akava rima, anotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika, Jehovha Mwari Wamasimba Ose ndiro zita rake.

< 阿摩司书 4 >