< 以赛亚书 56 >

1 耶和华如此说: 你们当守公平,行公义; 因我的救恩临近, 我的公义将要显现。
Zvanzi naJehovha: “Chengetedzai kururamisira mugoita zvakanaka, nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo, uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa.
2 谨守安息日而不干犯, 禁止己手而不作恶; 如此行、如此持守的人便为有福。
Akaropafadzwa munhu anoita izvi, munhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata asingarisvibisi, uye anodzivisa ruoko rwake kuita chinhu chakaipa.”
3 与耶和华联合的外邦人不要说: 耶和华必定将我从他民中分别出来。 太监也不要说:我是枯树。
Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti, “Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.” Uye nomuyunaki ngaarege kugununʼuna achiti, “Ndinongova zvangu muti wakaoma.”
4 因为耶和华如此说: 那些谨守我的安息日, 拣选我所喜悦的事, 持守我约的太监,
Nokuti zvanzi naJehovha: “Kuvayunaki vanochengeta maSabata angu, vanosarudza zvinondifadza, uye vanobatirira pasungano yangu,
5 我必使他们在我殿中, 在我墙内,有记念,有名号, 比有儿女的更美。 我必赐他们永远的名,不能剪除。
kwavari ndichapa, mukati metemberi yangu namasvingo ayo, chirangaridzo nezita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.
6 还有那些与耶和华联合的外邦人, 要事奉他,要爱耶和华的名, 要作他的仆人— 就是凡守安息日不干犯, 又持守他约的人。
Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha kuti vamushumire, kuti vade zita raJehovha, uye vamunamate, vose vanochengeta Sabata vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu,
7 我必领他们到我的圣山, 使他们在祷告我的殿中喜乐。 他们的燔祭和平安祭, 在我坛上必蒙悦纳, 因我的殿必称为万民祷告的殿。
ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera. Zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose.”
8 主耶和华, 就是招聚以色列被赶散的,说: 在这被招聚的人以外, 我还要招聚别人归并他们。
Ishe Jehovha anoti, iye anounganidza vakatapwa vaIsraeri, “Ndichaunganidzazve vamwe kwavari, tisingaverengeri avo vakaunganidzwa kare.”
9 田野的诸兽都来吞吃吧! 林中的诸兽也要如此。
Uyai, imi mose zvikara zvesango, uyai mudye, imi mose zvikara zvesango!
10 他看守的人是瞎眼的, 都没有知识, 都是哑巴狗,不能叫唤; 但知做梦,躺卧,贪睡,
Nharirire dzeIsraeri mapofu, vose vanoshayiwa zivo; vose imbwa dzisingahukuri, hadzigoni kuhukura; dzinovata pose pose dzichingorota, dzinofarira kuvata.
11 这些狗贪食,不知饱足。 这些牧人不能明白— 各人偏行己路, 各从各方求自己的利益。
Imbwa dzinokara zvikuru; dzisingamboguti. Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa: vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo, mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa.
12 他们说:来吧!我去拿酒, 我们饱饮浓酒; 明日必和今日一样, 就是宴乐无量极大之日。
Mumwe nomumwe anodanidzira achiti, “Uyai, regai nditore waini! Regai tinwe tigute nedoro! Uye mangwana achafanana nanhasi, kana kutopfuura.”

< 以赛亚书 56 >