< 以赛亚书 55 >

1 你们一切干渴的都当就近水来; 没有银钱的也可以来。 你们都来,买了吃; 不用银钱,不用价值, 也来买酒和奶。
“Uyai imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji; nemi musina mari, uyai, mutenge uye mudye! Uyai mutenge waini nomukaka pasina mari uye pasina mutengo.
2 你们为何花钱买那不足为食物的? 用劳碌得来的买那不使人饱足的呢? 你们要留意听我的话就能吃那美物, 得享肥甘,心中喜乐。
Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi? Teererai, nditeererei mugodya zvakanaka, uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka.
3 你们当就近我来; 侧耳而听,就必得活。 我必与你们立永约, 就是应许大卫那可靠的恩典。
Rerekai nzeve yenyu muuye kwandiri; ndinzwei kuti mweya yenyu irarame. Ndichaita sungano isingaperi nemi, iko kutendeka kworudo rwangu rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi.
4 我已立他作万民的见证, 为万民的君王和司令。
Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi, mutungamiri nomukuru wamarudzi.
5 你素不认识的国民,你也必召来; 素不认识你的国民也必向你奔跑, 都因耶和华—你的 神以色列的圣者, 因为他已经荣耀你。
Zvirokwazvo uchakoka ndudzi dzausina kumboziva, uye ndudzi dzisingakuzive dzichamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, nokuti iye akakufukidza nokubwinya.”
6 当趁耶和华可寻找的时候寻找他, 相近的时候求告他。
Tsvakai Jehovha achawanikwa: danai kwaari achiri pedyo.
7 恶人当离弃自己的道路; 不义的人当除掉自己的意念。 归向耶和华,耶和华就必怜恤他; 当归向我们的 神,因为 神必广行赦免。
Akashata ngaasiye nzira yake, nomunhu akaipa mirangariro yake. Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru.
8 耶和华说:我的意念非同你们的意念; 我的道路非同你们的道路。
“Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
9 天怎样高过地, 照样,我的道路高过你们的道路; 我的意念高过你们的意念。
“Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
10 雨雪从天而降,并不返回, 却滋润地土,使地上发芽结实, 使撒种的有种,使要吃的有粮。
Sezvinoita mvura nechando zvinoburuka kubva kudenga, zvisingadzokeriko zvisina kudiridza nyika nokuita kuti ibukire uye ibereke zvakawanda, kuitira kuti iberekere mudyari wembeu, uye ipe chingwa kune anodya,
11 我口所出的话也必如此, 决不徒然返回, 却要成就我所喜悦的, 在我发他去成就的事上必然亨通。
saizvozvo neshoko rangu rinobuda mumuromo mangu: Haringadzokeri kwandiri risina chinhu, asi richaita zvinondifadza, uye richaita zvandakarituma.
12 你们必欢欢喜喜而出来, 平平安安蒙引导。 大山小山必在你们面前发声歌唱; 田野的树木也都拍掌。
Muchabuda nomufaro, uye muchafambiswa murugare; makomo nezvikomo zvichapururudza uye zvichaimba rwiyo pamberi penyu, uye miti yose yeminda ichauchira maoko ayo.
13 松树长出,代替荆棘; 番石榴长出,代替蒺藜。 这要为耶和华留名, 作为永远的证据,不能剪除。
Pachinzvimbo chomunzwa pachamera muti womupaini, pachinzvimbo chorukato pachamera mumite. Izvi zvichava mukurumbira waJehovha, nechiratidzo chokusingaperi, chisingazoparadzwi.”

< 以赛亚书 55 >