< John 12 >

1 Six days before the Passover, Jesus came to Bethany, where Lazarus, whom Jesus had raised from the dead, was.
Kwakati kwasara mazuva matanhatu kuti Pasika isvike, Jesu akasvika paBhetani, kuya kwaigara Razaro, uyo akanga amutswa naJesu kubva kuvakafa.
2 So they made him a dinner there, and Martha was serving, but Lazarus was one of those who was lying down at the table with Jesus.
Ipapo vakamubikira kudya kwamanheru. Marita akavashandira uye Razaro akanga ari pakati pavanhu vakanga vari patafura naye.
3 Then Mary took a litra of perfume made of very precious pure nard, anointed the feet of Jesus with it, and wiped his feet with her hair. The house was filled with the fragrance of the perfume.
Ipapo Maria akatora chinu chamafuta anonhuhwira enaridho, omutengo unokosha kwazvo; akaadururira patsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake. Uye imba yakazadzwa nokunhuhwira kwamafuta.
4 Judas Iscariot, one of his disciples, the one who would betray him, said,
Asi mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Iskarioti, uyo akanga achizomupandukira, akazviramba izvozvo akati,
5 “Why was this perfume not sold for three hundred denarii and given to the poor?”
“Seiko mafuta aya asina kutengeswa uye mari yacho ikapiwa kuvarombo? Anga achikwana mubayiro wegore rose.”
6 Now he said this, not because he cared about the poor, but because he was a thief. He had the moneybag and would steal from what was put in it.
Haana kureva izvi nokuda kwokuti aiva nehanya navarombo, asi nokuti aiva mbavha; sezvo akanga ari mubati wehomwe, aimboba zvainge zvaiswa muhomwe yacho.
7 Jesus said, “Allow her to keep what she has for the day of my burial.
Jesu akapindura akati, “Muregei akadaro. Zvakanga zvakagadzirirwa kuti iye achengetere mafuta aya zuva rokuvigwa kwangu.
8 You will always have the poor with you. But you will not always have me.”
Varombo munavo nguva dzose pakati penyu, asi ini hamuzorambi muneni.”
9 Now a large crowd of the Jews learned that Jesus was there, and they came, not only for Jesus, but also to see Lazarus, whom Jesus had raised from the dead.
Zvichakadaro, vazhinji zhinji vechiJudha vakanzwa kuti Jesu akanga aripo vachibva vauya, kwete nokuda kwake bedzi asi kuti vazoonawo Razaro, waakanga amutsa kubva kuvakafa.
10 The chief priests conspired together so that they might also put Lazarus to death;
Saka vaprista vakuru vakaronga kuurayawo naRazaro,
11 for it was because of him that many of the Jews went away and believed in Jesus.
nokuti nokuda kwake, vaJudha vazhinji vakanga vava kubva kwavari vachiisa kutenda kwavo kuna Jesu.
12 On the next day a great crowd came to the festival. When they heard that Jesus was coming to Jerusalem,
Zuva rakatevera ungano huru yavanhu vakanga vauya kuMutambo yakanzwa kuti Jesu akanga ari munzira achiuya kuJerusarema.
13 they took the branches of the palm trees and went out to meet him and cried out, “Hosanna! Blessed is he who comes in the name of the Lord, the King of Israel.”
Vakatora mapazi emichindwe vakaenda kundosangana naye, vachidanidzira vachiti: “Hosana! “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe! “Akaropafadzwa Mambo weIsraeri!”
14 Jesus found a young donkey and sat on it; as it was written,
Jesu akati awana mhuru yembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
15 “Do not fear, daughter of Zion; see, your King is coming, sitting on the colt of a donkey.”
“Usatya iwe Mwanasikana weZioni; tarira, mambo wako ari kuuya, akagara pamusoro pemhuru yembongoro.”
16 His disciples did not understand these things at first; but when Jesus was glorified, they remembered that these things had been written about him and that they had done these things to him.
Vadzidzi vake havana kuzvinzwisisa pakutanga. Vakazoyeuka shure kwokunge Jesu apinda mukubwinya kwake, kuti zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vaita izvozvo kwaari.
17 Now the crowd testified that they had been with him when he called Lazarus out of the tomb and raised him up from the dead.
Zvino vanhu vazhinji vakanga vanaye paakadana Razaro kubva muguva uye akamumutsa kubva kuvakafa vakaramba vachiparadzira shoko iri.
18 It was also for this reason that the crowd went out to meet him, because they heard that he had done this sign.
Vanhu vazhinji vakabuda kundosangana naye nokuda kwokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichi.
19 The Pharisees therefore said among themselves, “Look, you can do nothing; see, the world has gone after him.”
Saka vaFarisi vakataurirana vakati, “Onai, hakuna kwatinosvika nazvo izvi. Tarirai kuti nyika inomutevera sei!”
20 Now certain Greeks were among those who were going up to worship at the festival.
Zvino kwakanga kuna vamwe vaGiriki pakati paavo vakanga vakwidza kuMutambo kundonamata.
21 These went to Philip, who was from Bethsaida in Galilee, and asked him, saying, “Sir, we want to see Jesus.”
Vakauya kuna Firipi, uyo akanga achibva kuBhetisaidha muGarirea, vaine chikumbiro. Vakati, “Ishe, tinoda kuona Jesu.”
22 Philip went and told Andrew; Andrew went with Philip, and they told Jesus.
Firipi akaenda kundoudza Andirea; Andirea naFiripi vakazoudzawo Jesu.
23 Jesus answered them and said, “The hour has come for the Son of Man to be glorified.
Jesu akapindura akati, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana woMunhu akudzwe.
24 Truly, truly, I say to you, unless a grain of wheat falls into the earth and dies, it remains by itself alone; but if it dies, it will bear much fruit.
Ndinokuudzai chokwadi, kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu ikafa, inongoramba ichingova yoga. Asi kana ikafa, inobereka mbeu dzakawanda.
25 He who loves his life will lose it; but he who hates his life in this world will keep it for eternal life. (aiōnios g166)
Munhu anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi munhu anovenga upenyu hwake munyika ino achahuchengetera upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
26 If anyone serves me, let him follow me; and where I am, there will my servant also be. If anyone serves me, the Father will honor him.
Ani naani anondishandira anofanira kunditevera; uye pandinenge ndiri, muranda wangu achavapowo ipapo. Baba vangu vachakudza munhu uyo anondishandira.
27 Now my soul is troubled and what should I say? 'Father, save me from this hour'? But for this reason I came to this hour.
“Zvino mwoyo wangu uri kurwadziwa, uye ndichati kudiniko? ‘Baba, ndiponesei kubva panguva ino?’ Kwete, ndizvo zvandakauyira panguva ino.
28 Father, glorify your name.” Then a voice came from heaven and said, “I have glorified it and I will glorify it again.”
Baba, kudzai zita renyu!” Ipapo inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndatorikudza, uye ndicharikudzazve.”
29 Then the crowd that stood by and heard it said that it had thundered. Others said, “An angel has spoken to him.”
Vanhu vazhinji vaivapo uye vakarinzwa vakati kwatinhira; vamwe vakati mutumwa ataura kwaari.
30 Jesus answered and said, “This voice did not come for me, but for you.
Jesu akati, “Inzwi iri harina kuuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu.
31 Now is the judgment of this world: Now will the ruler of this world be thrown out.
Zvino ndiyo nguva yokutongwa kwenyika ino; zvino muchinda wenyika ino achadzingwa.
32 When I am lifted up from the earth, I will draw everyone to myself.”
Asi ini, pandinenge ndasimudzwa kubva panyika ino, ndichakwevera vanhu vose kwandiri.”
33 He said this to indicate what kind of death he would die.
Akareva izvi kuti aratidze mafiro aaizoita.
34 The crowd answered him, “We have heard from the law that the Christ will stay forever. How can you say, 'The Son of Man must be lifted up'? Who is this Son of Man?” (aiōn g165)
Vanhu vazhinji vakati, “Isu takanzwa kubva paMurayiro kuti Kristu achagara nokusingaperi, saka sei muchiti, ‘Mwanakomana anofanira kusimudzwa’? Ndianiko uyu ‘Mwanakomana woMunhu’?” (aiōn g165)
35 Jesus then said to them, “The light will still be with you for a short amount of time. Walk while you have the light, so that darkness does not overtake you. He who walks in the darkness does not know where he is going.
Ipapo Jesu akati kwavari, “Muchava nechiedza kwechinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, rima risati rasvika. Munhu anofamba murima haazivi kwaanoenda.
36 While you have the light, believe in the light so that you may be sons of light.” Jesus said these things and then departed and hid from them.
Vimbai nechiedza muchinacho, kuti mugova vanakomana vechiedza.” Akati apedza kutaura zvinhu izvi, Jesu akabvapo akazvivanza kwavari.
37 Although Jesus had done so many signs before them, yet they did not believe in him
Kunyange zvazvo Jesu akaita zviratidzo zvose izvi pamberi pavo, havana kutongomutenda.
38 so that the word of Isaiah the prophet would be fulfilled, in which he said: “Lord, who has believed our report, and to whom has the arm of the Lord been revealed?”
Uku kwaiva kuzadziswa kweshoko raIsaya muprofita raakareva achiti: “Ishe, ndianiko akatenda shoko redu, uye ruoko rwaShe rwakaratidzwa kuna aniko?”
39 For this reason they could not believe, for Isaiah had also said,
Nokuda kwaizvozvo havana kugona kutenda nokuti, pane imwe nzvimbo, Isaya anoti:
40 “He has blinded their eyes, and he has hardened their hearts; otherwise they would see with their eyes and understand with their hearts, and turn, and I would heal them.”
“Akapofumadza meso avo uye akaomesa mwoyo yavo, kuti varege kuona nameso avo, varege kunzwisisa nemwoyo yavo, varege kudzoka ndigovaporesa.”
41 Isaiah said these things because he saw the glory of Jesus and spoke of him.
Isaya akataura izvi nokuti akaona kubwinya kwaJesu uye akataura nezvake.
42 But despite that, many of the rulers believed in Jesus; but because of the Pharisees, they did not admit it so that they would not be banned from the synagogue.
Asi nenguva imwe cheteyo kunyange vazhinji pakati pavatungamiri vakamutenda. Asi nokuda kwavaFarisi, havana kupupura kutenda kwavo nokuti vaitya kudzingwa musinagoge;
43 They loved the praise that comes from people more than the praise that comes from God.
nokuti vaida kukudzwa kunobva kuvanhu kupfuura kukudzwa kunobva kuna Mwari.
44 Jesus cried out and said, “The one who believes in me, believes not only in me but also in him who sent me,
Ipapo Jesu akadanidzira akati, “Munhu anenge achitenda kwandiri, haatendi kwandiri bedzi, asiwo nokuna iye akandituma.
45 and the one who sees me sees him who sent me.
Paanonditarisa, anoona iye akandituma.
46 I have come as a light into the world, so that whoever believes in me may not remain in the darkness.
Ndakauya panyika sechiedza, kuti kurege kuva nomunhu anotenda mandiri angagara murima.
47 If anyone hears my words but does not keep them, I do not judge him; for I have not come to judge the world, but to save the world.
“Kana pane munhu zvake anonzwa mashoko angu, asi akasaachengeta, ini handimutongi. Nokuti handina kuuya kuzotonga nyika, asi kuzoiponesa.
48 The one who rejects me and who does not receive my words, has one who judges him. The word I have spoken will judge him on the last day.
Pano mutongi achatonga munhu anondiramba uye asingagamuchiri mashoko angu; shoko riya chairo randakataura ndiro richamutonga pazuva rokupedzisira.
49 For I did not speak for myself, but it is the Father who sent me, who has given me the command about what to say and what to speak.
Nokuti handina kungozvipupurira pachangu, asi Baba vakandituma ndivo vakandirayira zvokutaura namatauriro acho.
50 I know that his command is eternal life, so that is what I say—just as the Father has spoken to me, so I speak.” (aiōnios g166)
Ndinoziva kuti murayiro wavo unotungamirira kuupenyu husingaperi. Saka zvose zvandinoreva ndizvo chaizvo zvandakanzi nditaure naBaba.” (aiōnios g166)

< John 12 >