< ᏣᏂ ᏔᎵᏁ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 1 >

1 ᎠᏴ ᎠᏆᏛᏐᏅᎯ ᏫᏥᏲᎵᎦ ᎠᎦᏑᏰᏛ ᎠᎨᏴ ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᏧᏪᏥ, ᎾᏍᎩ ᎦᏥᎨᏳᎢ ᏚᏳᎪᏛ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎥᏝ ᎠᏋᏒᏉ ᏱᎩ ᎾᏍᏉᏍᎩᏂ ᏂᎦᏛ ᎤᏂᎦᏙᎥᏒᎯ ᏚᏳᎪᏛ ᎨᏒᎢ;
Mukuru kuna amai vakasanangurwa nekuvana vavo, ini vandinoda muchokwadi, uye kwete ini ndega, asiwo vese vakaziva chokwadi,
2 ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ ᎾᏍᎩ ᏚᏳᎪᏛ ᎨᏒ ᏥᎩᏯᎠ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎠᏎ ᏥᎨᎳᏗᏙᎮᏍᏗ ᏂᎪᎯᎸᎢ. (aiōn g165)
nekuda kwechokwadi chinogara matiri, uye chichava nesu nekusingaperi. (aiōn g165)
3 ᎬᏩᎦᏗᏯ ᎤᏓᏙᎵᏍᏗ ᎨᏒᎢ ᎢᏤᎳᏗᏙᎮᏍᏗ ᎠᎴ ᎤᏓᏙᎵᏍᏗ ᎨᏒᎢ ᎠᎴ ᏅᏩᏙᎯᏯᏛ ᎨᏒᎢ, ᏅᏓᏳᎾᎵᏍᎪᎸᏔᏅᎯ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎠᎦᏴᎵᎨᎢ ᎠᎴ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ ᎠᎦᏴᎵᎨ ᎤᏪᏥ, ᏚᏳᎪᏛ ᎨᏒᎢ ᎠᎴ ᎠᏓᎨᏳᏗ ᎨᏒᎢ.
Ngazvive nemwi nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba, nekuna Ishe Jesu Kristu Mwanakomana waBaba, muchokwadi nerudo.
4 ᎤᏣᏔᏅᎯ ᎠᏆᎵᎮᎵᏨᎩ ᎠᏆᏙᎴᎰᏒ ᎢᎦᏛ ᏗᏤᏥ ᏚᏳᎪᏛ ᎨᏒ ᎠᎾᎢᏒᎢ, ᎾᏍᎩᏯ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᎢᎩᏁᎸ ᎠᎦᏴᎵᎨᎢ.
Ndinofara zvikuru kuti ndakawana kubva pavana vako vanofamba muchokwadi, sezvatakagamuchira murairo kuna Baba.
5 ᎿᎭᏉᏃ ᎬᏔᏲᏎᎭ ᎯᎨᏴ, ᏗᎦᎵᎨᏳᎯ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ; ᎥᏝ ᎠᏗᎾ ᎢᏤ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᏥᎬᏲᏪᎳᏁᎰ ᎢᏳᏍᏗ ᏱᎩ, ᎾᏍᎩᏉᏍᎩᏂ ᏥᏁᎩᎰᎢ, ᏗᎦᏓᎨᏳᎯ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ.
Ikozvinowo ndinokukumbirisai, amai, kwete sendinokunyorerai murairo mutsva, asi uyo watakange tinawo kubva pakutanga, kuti tidanane.
6 ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏄᏍᏗ ᎠᏓᎨᏳᏗ ᎨᏒᎢ, ᎾᏍᎩ ᎢᎨᏓᏍᏗᏱ ᎾᏍᎩᏯ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᎤᏤᎵᎦ ᏂᎦᏪᏍᎬᎢ. ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᏗᏓᎴᏂᏍᎬ ᏅᏓᎬᏩᏓᎴᏅᏛ ᏥᏁᏣᏛᎩᏍᎪᎢ, ᎾᏍᎩ ᏗᏥᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗᏱ.
Zvino urwu ndirwo rudo, kuti tifambe zvinoenderana nemirairo yake. Uyu ndiwo murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri.
7 ᎤᏂᏣᏔᏰᏃ ᎤᏠᎾᏍᏗ ᎠᏁᏙᎭ ᎡᎶᎯ, ᎾᏍᎩ ᎠᏃᎯᏳᎲᏍᎩ ᏂᎨᏒᎾ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ ᎤᏇᏓᎵ ᎤᎾᏄᎪᏥᎸᎢ; ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᎤᏠᎾᏍᏗ ᎠᎴ ᎦᎶᏁᏛᎠᏡᏗᏍᎩ.
Nokuti vanyepedzeri vazhinji vakapinda munyika, vasingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama. Uyu ndiye munyepedzeri nemupikisi waKristu.
8 ᎢᏤᏯᏔᎮᏍᏗ ᏞᏍᏗ ᏱᎩᏲᎱᏎᎴᏍᏗ ᏕᎩᎸᏫᏍᏓᏁᎸᎢ, ᎢᏗᏩᏛᎲᏉᏍᎩᏂ ᎤᎧᎵᏨᎯ ᎡᎦᎫᏴᏓᏁᏗ.
Zvichenjererei pachenyu, kuti tirege kurasikirwa nezvinhu zvatakabatira, asi tigamuchire mubairo wakakwana.
9 ᎩᎶ ᏣᏍᎦᏅᎪᎢ ᎠᎴ ᏂᏓᎧᎿᎭᏩᏕᎬᎾ ᏥᎨᏐ ᎦᎶᏁᏛ ᏧᏕᏲᏅᎯ, ᎾᏍᎩ ᎥᏝ ᎤᏁᎳᏅᎢ ᏳᏪᎰᎢ. ᎾᏑᎵᎪᎬᎾᏍᎩᏂ Ꮎ ᏓᎧᎾᏩᏗᏒ ᏗᎧᎿᎭᏩᏕᎩ ᎦᎶᏁᏛ ᏧᏕᏲᏅᎯ, ᎾᏍᎩ ᏚᏪᎭ ᎢᏧᎳ ᎠᎦᏴᎵᎨ ᎠᎴ ᎤᏪᏥ.
Ani nani anodarika uye asingagari mudzidziso yaKristu, haana Mwari; asi uyo anogara mudzidziso yaKristu, uyu ana Babawo uye Mwanakomana.
10 ᎢᏳᏃ ᎩᎶ ᏱᏥᎷᏤᎸ ᎠᎴ ᏄᏲᎸᎾ ᏱᎩ ᎯᎠ ᎾᏍᎩ ᏗᏕᏲᏗ ᎨᏒᎢ, ᏞᏍᏗ ᏕᏥᏁᎸ ᏱᏕᏣᎵᏂᎸᏤᏍᏗ, ᎠᎴ ᏞᏍᏗ ᏰᏥᏲᎵᎴᏍᏗ;
Kana umwe achiuya kwamuri, asingauyi nedzidziso iyi, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari: Kwaziwai;
11 ᎾᏍᎩᏰᏃ Ꮎ ᎠᏲᎵᎯ ᎤᏪᎳᏗᏍᏗᎭ ᎤᏲ ᏚᎸᏫᏍᏓᏁᎲᎢ.
nokuti anoti kwaari: Kwaziwai, anodyidzana nemabasa ake akaipa.
12 ᎤᏣᏛᎩ ᎢᏳᏓᎴᎩ ᎢᏨᏲᏪᎳᏁᏗ ᎠᎩᎲᎩ, ᎠᏎᏃ ᎥᏝ ᎪᏪᎵᏉ ᎠᎴ ᏗᎪᏪᎶᏗ ᏗᎬᏙᏗ ᏯᎩᏰᎸᏎᎢ, ᎤᏚᎩᏰᏃ ᎠᏋᎭ ᎢᏨᏩᏛᎲᏍᏗᏱ, ᎠᎴ ᏗᏗᎰᎵ ᏗᎬᏙᏗᏱ ᎢᎦᎵᏃᎮᏗᏱ, ᎠᎴ ᎢᏓᎵᎮᎵᎬ ᎤᎧᎵᎢᏍᏗᏱ.
Kunyange ndine zvinhu zvizhinji zvekunyora kwamuri, handina kuda kukunyorerai pabepa neingi; asi ndinotarisira kuuya kwamuri, uye kutaura muromo nemuromo, kuti mufaro wenyu uve wakazara.
13 ᎠᎦᏑᏴᏛ ᎡᏣᎸᎢ ᏧᏪᏥ ᏫᎨᏣᏲᎵᎭ. ᎡᎺᏅ.
Vana vemunin'ina wenyu wakasanangurwa vanokukwazisai. Ameni.

< ᏣᏂ ᏔᎵᏁ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 1 >