< ᏣᏂ ᎢᎬᏱᏱ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 5 >

1 ᎩᎶ ᏱᎪᎯᏳᎲᏍᎦ ᏥᏌ ᎾᏍᎩ ᎦᎶᏁᏛ ᎨᏒᎢ, ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏕᏔᏅᎯ, ᎩᎶᏃ ᏳᎨᏳᎭ ᎤᏓᎾᏄᎪᏫᏒᎯ, ᎾᏍᏉ ᎠᏥᎾᏄᎪᏫᏒᎯ ᎤᎨᏳᎯᏳ ᎨᏐᎢ.
Ani nani anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, wakaberekwa kubva kuna Mwari; uye ani nani anoda uyo wakabereka anodawo wakaberekwa kubva kwaari.
2 ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎡᏗᎨᏳᎢ ᏥᎨᏐᎢ, ᎠᎴ ᏥᎩᏍᏆᏂᎪᏙ ᎤᏤᎵᎦ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ, ᎾᏍᎩ ᎢᏓᏙᎴᎰᎯᏍᏗᏍᎪ ᎨᏗᎨᏳᎢᏳ ᎨᏒ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏧᏪᏥ.
Pane izvi tinoziva kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, uye tichichengeta mirairo yake.
3 ᎾᏍᎩᏰᏃ ᎯᎠ ᏄᏍᏗ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎠᎨᏳᏗ ᎨᏒᎢ, ᎾᏍᎩ ᏗᎩᏍᏆᏂᎪᏙᏗᏱ ᏧᏤᎵ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ; ᎤᏤᎵᏃ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᎥᏝ ᎦᎨᏗᏳ ᏱᎩ.
Nokuti urwu rudo rwaMwari, kuti tichengete mirairo yake; uye mirairo yake hairemi.
4 ᏂᎦᎥᏰᏃ ᎪᎱᏍᏗ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏕᏔᏅᎯ ᎠᏎᎪᎩᏍᎪ ᎡᎶᎯ. ᎢᎪᎯᏳᏒᏃ ᎾᏍᎩ ᎠᏎᎪᎩᏍᎩ ᎡᎶᎯ.
Nokuti chipi nechipi chakaberekwa kubva kuna Mwari chinokunda nyika; uye uku ndiko kukunda kunokunda nyika, irwo rutendo rwedu.
5 ᎦᎪ Ꮎ ᎡᎶᎯ ᎠᏎᎪᎩᏍᎩ ᎢᏳᏃ ᎾᏍᎩ ᏂᎨᏒᎾ ᏱᎩ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎪᎯᏳᎲᏍᎩ ᏥᏌ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏪᏥ ᎨᏒᎢ?
Ndiani anokunda nyika, kana asiri iye anotenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari?
6 ᎾᏍᎩ ᎠᎹ ᎠᎴ ᎩᎬ ᎤᎷᎯᏍᏔᏅᎯ, ᎯᎠ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ; ᎥᏝ ᎠᎹᏉ ᎤᏩᏒ, ᎠᎹᏍᎩᏂ ᎠᎴ ᎩᎬ. ᎬᏩᏠᏯᏍᏗ ᎠᎴ ᎠᏓᏅᏙ ᎾᏍᎩ ᎧᏃᎮᏍᎩ, ᎠᏓᏅᏙᏰᏃ ᎦᏱᎪᎩ ᏂᎨᏒᎾ.
Uyu ndiye wakauya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; kwete nemvura yega, asi nemvura neropa. Zvino Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ichokwadi.
7 ᎠᏂᏦᎢᏰᏃ ᎠᏂᏃᎮᏍᎩ ᎦᎸᎳᏗ; ᎠᎦᏴᎵᎨᎢ, ᎧᏃᎮᏛ, ᎦᎸᏉᏗᏳᏃ ᎠᏓᏅᏙ; ᎾᏍᎩᏃ ᎯᎠ ᎠᏂᏦᎢ ᎨᏒ ᏌᏉᏉ.
Nokuti kune vatatu vanopupura kudenga, Baba, Shoko, naMweya Mutsvene; uye ava vatatu ndimumwe.
8 ᎠᏂᏦᎢᏃ ᎠᏂᏃᎮᏍᎩ ᎡᎶᎯ, ᎠᏓᏅᏙ, ᎠᎹ, ᎠᎴ ᎩᎬ, ᎾᏍᎩᏃ ᎯᎠ ᎠᏂᏦᎢ ᎨᏒ ᎤᏠᏱ ᎠᏂᏃᎮᎭ.
Uye kune vatatu vanopupura panyika, Mweya, nemvura, neropa, uye ava vatatu vanonova chimwe.
9 ᎢᏳᏃ ᏱᏗᏗᏂᏱᎭ ᏴᏫ ᎤᏂᏃᎮᎸᎯ, ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏃᎮᎸᎯ ᎤᏟ ᎦᎸᏉᏗᏳ; ᎯᎠᏰᏃ ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏃᎮᎸᎯ, ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎢᏍᏔᏅᎯ ᏥᎩ ᎤᏪᏥ.
Kana tichigamuchira uchapupu hwevanhu, uchapupu hwaMwari hwakapfuura kukura; nokuti uhu uchapupu hwaMwari, hwaakapupura pamusoro peMwanakomana wake.
10 ᎪᎯᏳᎲᏍᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏪᏥ ᎾᏍᎩ ᎤᏩᏒ ᎨᏒ ᎤᏪᎭ ᎪᎯᏳᏗᏍᎩ; ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎪᎯᏳᎲᏍᎩ ᏂᎨᏒᎾ, ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏰᎪᏅ, ᏅᏗᎦᎵ ᏍᏙᏗᎭ ᏂᎪᎯᏳᎲᏍᎬᎾ ᎨᏒ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏃᎮᎸᎢ ᎤᏪᏥ ᎤᏁᎢᏍᏔᏅᎢ.
Uyo anotenda kuMwanakomana waMwari ane uchapupu maari pachake; asingatendi Mwari wakamuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda uchapupu Mwari hwaakapupura maererano neMwanakomana wake.
11 ᎯᎠᏃ ᎾᏍᎩ ᏄᏍᏗ ᎧᏃᎮᎸᎯ ᎨᏒᎢ, ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎢᎩᏁᎸ ᏫᎾᏍᏛᎾ ᎬᏂᏛ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᎬᏂᏛ ᎤᏪᏥ ᎤᏤᎵᎦ ᎨᏒᎢ. (aiōnios g166)
Uye uhu ndihwo uchapupu, kuti Mwari wakatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhu huri muMwanakomana wake. (aiōnios g166)
12 ᎩᎶ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏪᏥ ᎤᏪᎯ, ᎾᏍᎩ ᎬᏂᏛ ᎤᏪᎭ; ᎤᏁᎳᏅᎯᏃ ᎤᏪᏥ ᏄᏪᎲᎾ ᎥᏝ ᏳᏪᎭ ᎬᏂᏛ.
Uyo ane Mwanakomana ane upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.
13 ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏄᏍᏗ ᎢᏨᏲᏪᎳᏏ ᎢᏦᎯᏳᎲᏍᎩ ᏚᏙᎥ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏪᏥ, ᎢᏣᏙᎴᎰᎯᏍᏗᏱ ᎬᏂᏛ ᎢᏤᎲᎢ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎢᏦᎯᏳᏗᏱ ᏚᏙᎥ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏪᏥ. (aiōnios g166)
Zvinhu izvi ndazvinyora kwamuri imwi munotenda kuzita reMwanakomana waMwari, kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi, uye kuti mutende kuzita reMwanakomana waMwari. (aiōnios g166)
14 ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏄᏍᏗ ᎡᏙᎢᏳᏒᎢ, ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏃ ᏂᎦᎥ ᎪᎱᏍᏗ ᎡᏗᏔᏲᏏ ᎣᏍᏛ ᎤᏰᎸᏗ ᎨᏒᎢ, ᎢᎦᏛᎦᏁᎲᎢ.
Uye uhu ndihwo ushingi hwatinahwo maari, kuti kana tichikumbira chinhu zvinoenderana nekuda kwake, anotinzwa;
15 ᎢᏳᏃ ᏱᏗᎦᏔᎭ ᎢᎦᏛᏁᎲᎢ, ᏂᎦᎥ ᎪᎱᏍᏗ ᎡᏗᏔᏲᏏ ᎢᏗᎦᏔᎰ ᎢᎩᏁᎲ ᎢᏳᏍᏗ ᎡᏗᏔᏲᏎᎸᎢ.
zvino kana tichiziva kuti anotinzwa, zvese zvatinokumbira, tinoziva kuti tine zvichemo zvatakakumbira kwaari.
16 ᎢᏳᏃ ᎩᎶ ᏳᎪᎲ ᏗᎾᏓᏅᏟ ᏳᏍᎦᏅᏨ ᎠᏲᎱᎯᏍᏗ ᏂᎨᏒᎾ ᎠᏍᎦᏅᎢᏍᏗ ᎨᏒᎢ, ᎾᏍᎩ ᎠᏔᏲᎯᎮᏍᏗ ᎠᎴ ᎠᏎ ᎬᏂᏛ ᏓᏰᏥᏁᎵ ᎠᏲᎱᎯᏍᏗ ᏂᎨᏒᎾ ᎤᏂᏍᎦᏅᏨᎯ ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎬᎢ. ᎡᎭ ᎠᏍᎦᏅᎢᏍᏗ ᎠᏲᎱᎯᏍᏗ ᎨᏒᎢ, ᎥᏝ ᎠᏔᏲᎯᎮᏍᏗ ᎾᏍᎩ ᎠᏥᏙᎵᏍᏗᏱ ᏱᎦᏗᎭ.
Kana umwe achiona hama yake ichitadza chivi chisiri cherufu, achakumbira, uye achamupa upenyu kune vasingatadzi chivi cherufu. Chiripo chivi cherufu; handisi kuti akumbire pamusoro pechichi.
17 ᏂᎦᎥ ᏚᏳᎪᏛ ᏂᎨᏒᎾ ᎾᏍᎩ ᎠᏍᎦᏂ, ᎡᎭᏃ ᎠᏍᎦᏅᎢᏍᏗ ᎨᏒ ᎠᏲᎱᎯᏍᏗ ᏂᎨᏒᎾ.
Kusarurama kwese chivi; uye chivi chiripo chisiri cherufu.
18 ᎢᏗᎦᏔᎭ ᎩᎶ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏕᏔᏅᎯ ᏥᎨᏐᎢ ᎥᏝ ᏯᏍᎦᏅᎪᎢ, ᎤᏁᎳᏅᎯᏍᎩᏂ ᎤᏕᏔᏅᎯ ᎤᎵᏍᏆᏂᎪᏙᎢ, ᎾᏍᎩᏃ Ꮎ ᎤᏁᎫᏥᏛ ᎥᏝ ᏳᏒᏂᎰᎢ.
Tinoziva kuti ani nani wakaberekwa kubva kuna Mwari haatadzi; asi uyo wakaberekwa kubva kuna Mwari anozvichengeta, uye wakaipa haamubati.
19 ᎢᏗᎦᏔᎭ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏅᏓᎦᏓᎴᏅᎯ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᏂᎬᎾᏛ ᎡᎶᎯ ᎤᏃᏴᏨ ᎤᏲ ᎨᏒᎢ.
Tinoziva kuti tiri vanobva kuna Mwari, nenyika yese irere muzvakaipa.
20 ᎢᏗᎦᏔᎭᏃ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏪᏥ ᎤᎷᏨᎢ, ᎠᎴ ᎢᎩᏁᎸ ᎢᎪᎵᏍᏗᏱ, ᎾᏍᎩ ᎡᏙᎵᏍᏗᏱ ᎾᏍᎩ ᎦᏰᎪᎩ ᏂᎨᏒᎾ ᏥᎩ; ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎡᏗᏯᎠ ᎦᏰᎪᎩ ᏂᎨᏒᎾ ᏥᎩ, ᎾᏍᎩ ᎤᏪᏥ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ. ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᎤᏙᎯᏳᎯᏯ ᎤᏁᎳᏅᎯ, ᎠᎴ ᏫᎾᏍᏛᎾ ᎬᏂᏛ. (aiōnios g166)
Uye tinoziva kuti Mwanakomana waMwari wakauya, akatipa kunzwisisa kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri mune wechokwadi, muMwanakomana wake Jesu Kristu. Uyu ndiye Mwari wechokwadi, neupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
21 ᏗᏥᏲᎵ, ᏕᏤᏯᏙᏤᎮᏍᏗ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏗᏰᎸᎯ. ᎡᎺᏅ.
Vana vadiki, zvichengetedzei pazvifananidzo. Ameni.

< ᏣᏂ ᎢᎬᏱᏱ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 5 >