< До колоссян 3 >

1 Отож, коли ви воскре́сли з Христом, то шукайте того, що вгорі, де сидить Христос по Божій прави́ці.
Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari.
2 Ду́майте про те, що вгорі, а не про те, що на землі.
Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika.
3 Бож ви вмерли, а життя ваше сховане в Бозі з Христом.
Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa zvino naKristu muna Mwari.
4 Коли з'я́виться Христос, наше життя, тоді з'явитеся з Ним у славі і ви.
Panoonekwa Kristu, iye upenyu hwenyu, ipapo nemiwo muchaonekwa pamwe chete naye mukubwinya.
5 Отож, умертвіть ваші земні члени: розпусту, не́чисть, при́страсть, лиху пожадли́вість та заже́рливість, що вона ідолослу́ження,
Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo.
6 бо гнів Божий приходить за них на неслухня́них.
Nokuda kwaizvozvi, kutsamwa kwaMwari kuri kuuya.
7 І ви поміж ними ходили колись, як жили поміж ними.
Imi maimbofamba mazviri, muupenyu hwamaimborarama.
8 Тепер же відкиньте і ви все оте: гнів, лютість, злобу́, богозневагу, безсоромні слова́ з ваших уст.
Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu.
9 Не кажіть неправди один на о́дного, якщо скинули з себе люди́ну старода́вню з її вчинками,
Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake
10 та зодягнулися в нову́, що відновлюється для пізна́ння за образом Створителя її,
mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake.
11 де нема ані ге́ллена, ані юдея, обрі́зання та необрі́зання, ва́рвара, ски́та, раба, вільного, — але все та в усьому Христос!
Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose.
12 Отож, зодягніться, як Божі вибра́нці, святі та улю́блені, у щире милосердя, добротли́вість, покору, ла́гідність, довготерпіння.
Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu.
13 Терпіть один о́дного, і прощайте собі, коли б мав хто на ко́го оска́рження. Як і Христос вам простив, робіть так і ви!
Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe.
14 А над усім тим — зодягніться в любов, що вона — союз доскона́лости!
Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana.
15 І нехай мир Божий панує у ваших серцях, до якого й були ви покликані в одно́му тілі. І вдячними будьте!
Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga.
16 Слово Христове нехай пробуває в вас рясно, у всякій премудрості. Навчайте та напоумля́йте самих себе! Вдячно співайте у ваших серцях Господе́ві псалми́, гі́мни, духовні пісні́!
Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu.
17 І все, що тільки робите словом чи ділом, — усе робіть у Ім'я́ Господа Ісуса, дякуючи через Нього Богові й Отцеві.
Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.
18 Дружи́ни, — слухайтеся чоловіків своїх, як лицює то в Господі!
Vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna She.
19 Чоловіки, — любіть дружи́н своїх, і не будьте суво́рі до них!
Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha.
20 Діти, — будьте слухня́ні в усьому батька́м, бо це Господе́ві приємне!
Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.
21 Батьки́, — не драту́йте дітей своїх, щоб на дусі не впали вони!
Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo.
22 Раби, — слухайтеся в усьому тілесних панів, і не працюйте тільки про лю́дське око, немов підле́щуючись, але в простоті серця, боячи́ся Бога!
Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika muzvinhu zvose; uye muzviite, kwete kuti vakuonei chete uye kuti mudikanwe navo, asi nokutendeka kwomwoyo uye nokutya Ishe.
23 І все, що тільки чините, робіть від душі, немов Господе́ві, а не лю́дям!
Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu,
24 Знайте, що від Господа при́ймете в нагороду спа́дщину, бо служите ви Господе́ві Христові.
sezvo muchiziva kuti muchagamuchira nhaka kubva kuna She somubayiro. NdiIshe Kristu wamunoshumira.
25 А хто кривдить, той одержить за свою кривду. Бо не дивиться Бог на осо́бу!
Ani naani anoita zvakaipa achatsiviwa nokuda kwezvakaipa zvake, uye hapana kutsaura vanhu.

< До колоссян 3 >