< 1 Петра 4 >

1 Отож, коли тілом Христос постраждав за нас, то озбройтеся й ви тією самою думкою, бо хто тілом постраждав, той перестав грішити,
Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri wake, nemiwo muzvishongedze nomurangariro iwoyo, nokuti uyo akatambudzika mumuviri wake akarega chivi.
2 щоб решту ча́су в тілі жити вже не для пожадливостей людських, а для Божої волі.
Nokuda kwaizvozvo, haagari upenyu hwake hwose hwapanyika pakuchiva kwavanhu kwakaipa, asi mukuda kwaMwari.
3 Бо до́сить минулого ча́су, коли ви чинили волю поган, ходили в розпусті, у пожадливостях, у пияцтві, у гу́лянках, у пия́тиках, у беззако́нних ідолослужбах.
Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kare yamakapedza muchiita kuda kwavahedheni yamairarama muutere, kuchiva, kudhakwa, kutamba kwakaipa, kuraradza nokunamata zvifananidzo zvinonyangadza.
4 Вони з того дивуються, що ви ра́зом із ними не берете участи в розпусті, та зневажають.
Vanofunga kuti zvinoshamisa kuti imi hamuchapindi pamwe chete navo mukurarama kwokusazvidzora kwavo kuzhinji, uye vanokutukai kwazvo.
5 Вони дадуть відповідь Тому, Хто судитиме живих та мертвих!
Asi vachazvidavirira kuna iye akazvigadzirira kutonga vapenyu navakafa.
6 Бо на те й мертвим зві́щувано Єва́нгелію, щоб вони прийняли́ суд по-лю́дському тілом, але жили́ по-Бо́жому духом.
Nokuti nokuda kwaizvozvi vhangeri rakaparidzwa kunyange nokuna vakafa, kuitira kuti vagotongwa nomutoo wavanhu nokuda kwenyama, asi vagorarama nomutoo waMwari nokuda kwomweya.
7 Кінець же всьому набли́зився. Отже, будьте мудрі й пильнуйте в молитвах!
Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo. Naizvozvo ndangariro dzenyu ngadzichene uye muzvidzore kuti mugogona kunyengetera.
8 Найперше майте щиру любов один до о́дного, бо любов покриває багато гріхів!
Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.
9 Будьте гостинні один до о́дного без не́хоті!
Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti.
10 Служіть один о́дному, кожен тим даром, якого отримав, як доморя́дники всілякої Божої благода́ті.
Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo.
11 Коли хто говорить, говори, як Божі слова. Коли хто служить, то служи, як від сили, яку дає Бог, щоб Бог прославлявся в усьому Ісусом Христом, що Йому слава та вла́да на віки вічні, амі́нь. (aiōn g165)
Kana munhu achitaura, ngaadaro somunhu anotaura mashoko chaiwo aMwari. Kana munhu achishumira, ngaazviite nesimba raanopiwa naMwari, kuitira kuti muzvinhu zvose Mwari arumbidzwe kubudikidza naJesu Kristu. Iye ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn g165)
12 Улюблені, не дивуйтесь огневі, що вам посилається на випробо́вування, немов би чужому випа́дку для вас.
Vadikani, musashamiswa nokurwadza kwokutambudzika nemiedzo, sokunge chinhu chisingazivikanwi chaitika kwamuri.
13 Але через те, що берете ви участь у Христових стражда́ннях, то тіштеся, щоб і в з'я́вленні слави Його раділи ви й звеселялись.
Asi farai kuti munogovana naKristu mumatambudziko, kuitira kuti mufare kwazvo pakuonekwa kwokubwinya kwake.
14 Коли ж вас ганьбля́ть за Христове Ім'я́, то ви блаженні, бо на вас спочиває Дух слави й Дух Божий.
Kana muchitukwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti mweya wokubwinya nowaMwari unogara pamuri.
15 Ніхто з вас хай не страждає, як душогуб, або злодій, або злочинець, або ворохо́бник,
Ngakurege kuva nomumwe wenyu achatambudzika, nemhaka yokuti imhondi, kana mbavha, kana kuti anoita zvimwe zvakaipa zvemhando ipi zvayo, kana kusarega zvavamwe.
16 а коли — як християни́н, то нехай не соро́миться він, але хай прославляє Бога за те.
Kunyange zvakadaro, kana muchitambudzika somuKristu, musanyadziswa, asi rumbidzai Mwari nokuti mune zita iroro.
17 Бо час уже суд розпочати від Божого дому; а коли він почнеться перше з нас, то який кінець тих, хто противиться Божій Єва́нгелії?
Nokuti inguva yokuti kutonga kutange mumba maMwari; uye kana kuchitanga nesu, zvichazoveiko kuna vaya vasingateereri vhangeri raMwari?
18 А коли „праведний ле́две спасеться, то безбожний та грішний де зможе з'явитись?“
Uye, “Kana zvichiremera akarurama kuti aponeswe, ko, asingazivi Mwari nomutadzi vachazovei?”
19 Тому й ті, хто з Божої волі страждає, нехай душі свої віддадуть в доброчинстві Йому, як Створителю вірному.
Saka zvino, vaya vanotambudzika nokuda kwaMwari vanofanira kuzviisa kuMusiki wavo akatendeka uye vagoramba vachiita zvakanaka.

< 1 Петра 4 >