< До филип'ян 4 >

1 Тим же, браттє моє любе й жадане, радосте і вінче мій, стійте так у Господї, любі.
Naizvozvo, hama dzangu, iyemi vandinoda uye vandinoshuva, mufaro wangu nekorona yangu, ndiko kuti mumire nesimba muna She, hama dzinodiwa!
2 Благаю Єводию, благаю і Синтихию, щоб однаково думали в Господї.
Ndinokumbira zvikuru kuna Yudhia uyewo ndinokumbira zvikuru Sindike kuti vatenderane muna She.
3 Благаю й тебе, щирий товаришу, помагай їм, що працювали в благовіствуванню зо мною, і з Климентом, і з иншими помічниками моїми, котрих імення в книзі життя.
Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka, musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe chete naKiremenzi uye navamwe vose vakabata basa pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku roupenyu.
4 Радуйте ся завсїди в Господї, і знов кажу: радуйте ся.
Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai!
5 Тихість вашу нехай зрозуміють усї люде. Господь близько.
Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ava pedyo.
6 Не журіть ся нїчим, а у всьому молитвою і благаннєм з подякою нехай обявляють ся прошення ваші перед Богом.
Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga.
7 І мир Божий, що вище всякого розуму, нехай хоронить серця ваші і мислї ваші в Христї Ісусї.
Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
8 На останок, браттє, що правдиве, що чесне, що праведне, що чисте, що любе, що хвалебне, коли (в в чому) яка чеснота й коли (є) яка похвала, про се помишляйте.
Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.
9 Чого ви і навчились, і прийняли, й чували, й видали в менї, те чиніть, то Бог миру буде з вами.
Zvinhu zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi.
10 Зрадів же я в Господї вельми, що вже раз згадали дбати про мене; ви ж бо й дбали, та не мали догідного часу.
Ndinofara zvikuru muna She kuti pakupedzisira makavandudza hanya yenyu nokuda kwangu. Zvirokwazvo, makanga mune hanya henyu, asi makanga musina mukana wokuti muzviratidze.
11 Не задля недостатку глаголю; я бо навчивсь, що маю, тим і вдовольнятись.
Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo.
12 Умію і смирити ся, умію й достаткувати; усюди й у всьому навчивсь і насищати ся, й голодувати, й достаткувати й недостаток терпіти.
Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa.
13 Все здолїю в Христї, що мене покрепляє.
Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.
14 Одначе добре ви зробили, що приймаєте участь у моєму горю.
Asi makaita zvakanaka kuti makagovana neni mumatambudziko angu.
15 Знаєте ж і ви, Филипяне, що в почині благовіствування, як вийшов я з Македониї, нї одна церква не пристала до мене що до давання й приймання, тільки ви одні.
Pamusoro paizvozvo, sezvamunoziva imi vaFiripi, pamazuva enyu okutanga kundiziva nevhangeri, pandakasimuka kubva kuMasedhonia, hakuna kereke yakagovana neni panyaya yokupa nokugamuchira, kunze kwenyu chete;
16 Бо й в Солунь раз і вдруге прислали ви на мою потріб.
nokuti kunyange pandakanga ndiri muTesaronika, makanditumira rubatsirozve uye mukapamha pandainge ndiri pakushayiwa.
17 Не то щоб я шукав дару, а шукаю овощу, що намножуеть ся на користь вашу.
Handirevi kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka izvo zvamungazopfumiswa nazvo.
18 Прийняв же я все і достаткую. Сповнив ся, прийнявши від Єпафродита послане од вас, солодкі пахощі, жертву приятну, угодну Богу.
Ndakagamuchira mubayiro uzere uye kunyange zvizhinji; ndava nezvakakwana, zvino zvandagamuchira kubva kuna Epafrodhitasi zvipo zvamakanditumira. Zvakaita sechipiriso chinonhuhwira, chibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.
19 Бог же мій нехай сповнить усяку потріб вашу, по багацтву своєму в славі, в Христї Ісусї.
Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.
20 Богу ж і Отцеві нашому слава на віки вічні. Амінь. (aiōn g165)
Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn g165)
21 Витайте всякого сьвятого в Христї Ісусї. Витають вас брати, що зо мною.
Kwazisai vatsvene vose muna Kristu Jesu. Hama dzandinadzo dzinokukwazisai.
22 Витають вас усї сьвяті, а найбільш которі з кесаревого дому.
Vatsvene vose vanokukwazisai, kunyanya avo veimba yaKesari.
23 Благодать Господа нашого Ісуса Христа з усіма вами. Амінь.
Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. Ameni.

< До филип'ян 4 >