< Дії 15 >

1 І, поприходивши деякі з Юдеї, навчали братів: що коли не обріжетесь по звичаю Мойсейовому, не можете спасти ся.
Vamwe varume vakauya vachibva kuJudhea vakaenda kuAndioki, uye vakanga vachidzidzisa hama vachiti: “Kunze kwokunge madzingiswa, maererano netsika yakadzidziswa naMozisi, hamungaponeswi.”
2 Як же почав ся спір і немале змаганнє Павла та Варнави з ними, то постановили, щоб Павел та Варнава і деякі инші з них пійшли до апостолів та старших у Єрусалим ради сього питання.
Izvi zvakasvitsa Pauro naBhanabhasi pakupesana navo zvikuru uye nokukakavadzana navo. Saka Pauro naBhanabhasi vakasarudzwa kuti vaende kuJerusarema pamwe chete navamwe vatendi, kuti vandoona vapostori navakuru pamusoro peshoko iri.
3 Вони ж, послані від церкви, проходили Финикию та Самарию, оповідуючи про наверненнє поган; і зробили великі радощі всїм братам.
Kereke yakavatuma parwendo rwavo, uye pavakafamba vachipinda nomuFonisia nomuSamaria, vakarondedzera kuti veDzimwe Ndudzi vainge vachitendeuka sei. Shoko iri rakafadza hama dzose zvikuru.
4 Прийшовши ж у Єрусалим, прийняті були від церкви і апостолів і старших, і сповістили про все, що Бог з ними зробив.
Vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke navapostori uye navakuru, vakarondedzera kwavari zvinhu zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo.
5 Устали ж деякі з єресї Фарисейської, що увірували, кажучи, що треба обрізати їх та наказати, щоб хоронили закон Мойсеїв.
Ipapo vamwe vatendi vakanga vari vebato ravaFarisi vakasimuka vakati, “VeDzimwe Ndudzi ava vanofanira kudzingiswa uye vanosungirwa kuti vateerere murayiro waMozisi.”
6 І зібрались апостоли та старші вглянути в сю річ.
Vapostori navakuru vakasangana kuti vaongorore nyaya iyi.
7 Як же постало велике змаганнє, вставши Петр, рече до них: Мужі брати, ви знаєте, що з давніх днїв Бог між нами вибрав мене, щоб через мої уста погане чули слово благовістя, та й увірували.
Shure kwehurukuro huru, Petro akasimuka akati, “Hama dzangu, munoziva imi kuti nguva dzakare Mwari akandisarudza pakati penyu kuti veDzimwe Ndudzi vanzwe shoko revhangeri rinobva pamiromo yangu vagotenda.
8 І Бог, що знав серця, сьвідкував їм, давши їм Духа сьвятого, як нам,
Mwari, iye anoziva mwoyo yavanhu akaratidza kuti anovagamuchira nokuvapa Mweya Mutsvene, sezvaakangoitawo kwatiri.
9 і не розріжнив нічого між нами й ними, вірою очистивши серця їх.
Haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, nokuti akanatsa mwoyo yavo nokutenda.
10 Тепер же чого спокутуєте Бога, щоб наложив ярмо на шию ученикам, котрого нї батьки наші, ні ми не здолїли носити.
Naizvozvo zvino, munodireiko kuedza Mwari nokuisa pamitsipa yavadzidzi joko risina kugona kutakurwa nesu kana namadzibaba edu?
11 Нї віруємо, що благодаттю Господа Ісуса Христа спасемось, яко ж і вони.
Kwete! Isu tinotenda kuti takaponeswa kubudikidza nenyasha dzaShe wedu Jesu sezvavakangoitwawo.”
12 Умовкла ж уся громада, й слухала, як Варнава та Павел оповідували про ознаки та чудеса, що зробив Бог через них між поганами.
Sangano rose rakanyarara pavakanga vakateerera kuna Bhanabhasi naPauro vachirondedzera pamusoro pezviratidzo nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari pakati peveDzimwe Ndudzi kubudikidza navo.
13 Як же вмовкли вони, озвав ся Яков, говорячи: Мужі брати, вислухайте мене.
Vakati vapedza, Jakobho akapindura achiti, “Hama dzangu, nditeererei.
14 Симон оповів, як Бог перше зглянув ся, щоб з поган прийняти людей в імя своє.
Simoni arondedzera kwatiri kuti pakutanga Mwari akaratidza nyasha dzake sei paakazvitorera vanhu vake kubva kune veDzimwe Ndudzi.
15 З сим сходять ся слова пророчі, яко ж писано:
Mashoko avaprofita anotenderana naizvozvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
16 Після сього знов верну ся, і збудую намет Давидів, що впав, і руїни його збудую знов і поставлю його,
“‘Shure kwaizvozvo ndichadzoka ndigozovakazve tende yaDhavhidhi yakawa. Ndichavakazve matongo ayo, uye ndichaivandudzazve,
17 щоб остальні з людей шукали Господа, і всї народи, на котрих призвано імя моє, глаголе Господь, що робить оце все.
kuti vakasara vavanhu vatsvake Ishe, uye neveDzimwe Ndudzi vose vanodanwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Ishe, anoita zvinhu izvi,’
18 Звісні од віку Богові всі діла Його. (aiōn g165)
zvakangova zvazivikanwa kubva kare. (aiōn g165)
19 То ж суджу, що не треба тим докучати, которі від поган обернулись до Бога;
“Naizvozvo, kufunga kwangu ini ndinoti hatifaniri kuomesera veDzimwe Ndudzi ava vari kutendeukira kuna Mwari.
20 а написати їм, нехай удержують ся від ідолських гидот, та блуду, та давленого, та крови.
Asi ngativanyorerei tsamba tichivataurira kuti varege kudya zvakasvibiswa nezvifananidzo, vabve paupombwe, nokudya nyama yemhuka dzakadzipwa, uye neropa.
21 Мойсей бо від стародавніх родів має проповідуючих його по городах, і читаний по школах що-суботи.
Nokuti kubva kare Mozisi akanga achiparidzwa muguta rimwe nerimwe uye anoverengwa musinagoge paSabata rimwe nerimwe.”
22 Зводили тодї апостоли і старші і вся церква вибраних мужів з між себе післати в Антиохию з Павлом та Варнавою: Юду, названого Варсавою, та Силу, мужів-проводирів мізк братами,
Ipapo vapostori navakuru, nekereke yose, vakafunga kusarudza vamwe varume pakati pavo kuti vagovatuma kuAndioki pamwe chete naPauro naBhanabhasi. Vakasarudza Judhasi (ainzi Bhanabhasi) naSirasi, varume vaviri ava vakanga vari vatungamiri pakati pehama.
23 написавши через руки їх так: Апостоли та старші і брати - братам з поган, що в Антиохиї, і Сириї і Киликиї, радуйте ся.
Vakatumira tsamba yaiti: Vapostori navakuru, idzo hama dzenyu, kuvatendi nokune veDzimwe Ndudzi vari muAndioki, Siria nomuSirisia: Kwaziwai.
24 Яко ж чули ми, що деякі з між нас вийшовши, потрівожили вас словами і захитали душі ваші, говорячи, щоб обрізувались та хоронили закон, чого ми їм не наказували;
Takanzwa kuti vamwe vakabva kwatiri vasina mvumo yedu vakakanganisa pfungwa dzenyu nezvavakataura.
25 то зводилось нам, зібравшим ся однодушне вибраних мужів післати до вас з любими нашими Варнавою та Павлом,
Saka tose takatenderana kuti tisarudze varume pakati pedu tigovatuma kwamuri pamwe chete neshamwari dzedu dzinodikanwa ivo Bhanabhasi naPauro,
26 людьми, що віддавали душі свої за імя Господа нашого Ісуса Христа.
varume vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.
27 Післали ми оце Юду та Силу, котрі й самі розкажуть про те словом.
Naizvozvo tiri kutumira Judhasi naSirasi kuti vagotsigira namashoko omuromo wavo pane zvatanyora.
28 Зводилось бо сьвятому Духу та й нам, ніякої тяготи більш не накладувати вам, опріч сього конечного:
Zvinenge zvakanaka kuMweya Mutsvene nesu kuti tirege kukuremedzai nomutoro upi zvawo unopfuura zvinodikanwa izvi:
29 щоб удержувались від жертів ідолам, та крови, та давленого, та блуду. Від чого оберегаючи себе, добре робити мете. Бувайте здорові.
Munofanira kurega zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, neropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye noupombwe. Muchaita zvakanaka kuti murege izvi. Chisarai.
30 Послані ж прийшли в Антиохию і, зібравши громаду, подали посланнє.
Varume ava vakaenda ndokubva vaburuka vakaenda kuAndioki, kwavakandounganidza kereke pamwe chete ndokubva vavapa tsamba.
31 Прочитавши ж (ті), зраділи від сього потїшення.
Vanhu vakaiverenga vakafara kwazvo nokuda kweshoko rayo rokukurudzira.
32 Юда ж та Сила, будучи самі пророками, многими словами втїшали братів і утверджували.
Judhasi naSirasi avo vakanga vari vaprofita, vakataura zvakawanda zvokukurudzira nokusimbisa hama.
33 Пробувши ж (там якийсь) час, відпущені були з упокоєм од братів до апостолів.
Shure kwokunge vambogara kwechinguva ikoko, vakaperekedzwa nehama namaropafadzo orugare kuti vachidzokera havo kuna avo vakanga vavatuma.
34 Зводив же Сила зостатись там.
Kunyange zvakadaro, Sirasi akasarudza kusarapo.
35 Павел же та Варнава пробували в Антиохиї, навчаючи та благовіствуючи слово Господнє з многими иншими.
Asi Pauro naBhanabhasi vakasara muAndioki, uko ivo navamwe vazhinji vakadzidzisa uye vakaparidza shoko raShe.
36 По кількох же днях рече Павел до Варнави: Вернувшись одвідаємо братів наших по всіх городах, де проповідували ми слово Господнє, як вони мають ся.
Mushure mechinguva Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Ngatimbodzokera timbondoshanyira hama kuna mamwe maguta atakaparidza shoko raShe tinoona kuti vakadii zvavo.”
37 Варнава ж раяв узяти з собою Йоана, званого Марком.
Bhanabhasi akanga achida kutora Johani, ainziwo Mako, kuti vaende pamwe chete naye,
38 Павло ж не удостоїв брати з собою того, хто одлучивсь од них з Памфилиї, і не пійшов з ними на діло.
asi Pauro haana kuona zvakanaka kuti vaende naye, nokuti akanga ambovasiya paPamufiria uye haana kuramba ainavo pabasa.
39 Постала ж ріжниця, так, що вони розлучились між собою; і Варнава, взявши Марка, поплив у Кипр,
Vakava nokupesana kukuru zvokuti vakaparadzana. Bhanabhasi akatora Mako akakwira chikepe vakaenda kuSaipurasi,
40 Павел же, вибравши Силу, пійшов, переданий благодатї Божій від братів,
asi Pauro akasarudza Sirasi akaenda akakumikidzwa kunyasha dzaShe nehama.
41 і проходив Сирию і Киликию, утверджаючи церкви.
Akapinda nomuSiria nokuSirisia, achisimbisa kereke.

< Дії 15 >