< 1 Івана 5 >

1 Кожен, хто вірує, що Ісус єсть Христос, той від Бога родив ся; і кожен, хто любить Родившого, любить і рожденого від Нього.
Mumwe nomumwe anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, akaberekwa naMwari, uye mumwe nomumwe anoda baba anodawo mwana wavo.
2 По сьому пізнаємо, що любимо дітей Божих, коли Бога любимо, і заповіді Його хоронимо.
Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari: kana tichida Mwari uye tichiita mirayiro yake.
3 Се бо любов Божа, щоб ми хоронили заповіді Його; а заповіді Його не тяжкі.
Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi,
4 Все бо рождене від Бога сьвіт побіждає; і ся побіда, побідивша сьвіт, віра наша.
nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu.
5 Хто се, що побіждає сьвіт, як не той, хто вірує, що Ісус Син Божий?
Ndianiko anokunda nyika? Ndiye chete anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.
6 Се Той, що прийшов з водою і кровю, Ісус Христос; та й не з водою тільки, а з водою і кровю; а Дух сьвідкує, бо Дух є правда.
Uyu ndiye akauya nemvura neropa, Jesu Kristu. Haana kuuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Uye Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ndiye chokwadi.
7 Бо три їх, що сьвідкують на небі: Отець, Слово і сьвятий Дух, і сї три - одно.
Nokuti kune zvitatu zvinopupura zvinoti:
8 І троє їх, що сьвідкують на землї: дух і вода і кров; і сї троє - одно.
Mweya, mvura, neropa; uye zvitatu izvi zvinotenderana.
9 Коли сьвідченнє людей приймаємо, то сьвідченнє Боже більше, бо се сьвідченнє Боже, котрим сьвідчив про Сина свого.
Tinogamuchira uchapupu hwavanhu, asi uchapupu hwaMwari hukuru nokuti ndihwo uchapupu hwaMwari, hwaakapa pamusoro poMwanakomana wake.
10 Хто вірує в Сина Божого, має сьвідченнє в собі; хто не вірує Богу, ложником зробив Його, бо не увірував у сьвідченнє, котрим сьвідкував Бог про Сина свого.
Munhu mumwe nomumwe anotenda muMwanakomana waMwari ano uchapupu uhu mumwoyo make. Munhu mumwe nomumwe asingatendi Mwari, akabva amuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda kupupura kwaMwari kwaakaita pamusoro poMwanakomana wake.
11 А се сьвідченнє єсть, що життє вічне дав нам Бог, а се життє у Синї Його. (aiōnios g166)
Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake. (aiōnios g166)
12 Хто має Сина, має життє; хто не має Сина Божого, життя не має.
Uyo ano Mwanakomana ano upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.
13 Се написав я вам, віруючим в імя Сина Божого, щоб ви знали, що маєте життє вічне, і щоб вірували в імя Сина Божого. (aiōnios g166)
Ndanyora izvi kwamuri imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuitira kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
14 І се одвага, котру маємо до Него, що, коли чого просимо по волї Його, Він слухає нас;
Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa.
15 і коли знаємо, що Він слухає нас, чого б ми не просили, то знаємо, що одержуємо прощення від Него.
Uye kana tichiziva kuti anotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tava nazvo zvatakumbira kwaari.
16 Коли хто бачить брата свого, що грішить гріхом не на смерть, нехай молить ся, і (Бог) дасть Йому життє, тим що грішить не на смерть. Єсть гріх на смерть, не за сей кажу, щоб молив ся.
Kana munhu akaona hama yake ichiita chivi chisingaurayisi, anofanira kunyengetera uye Mwari achamupa upenyu. Ndinoreva vaya vane chivi chisingaurayisi. Pane chivi chinourayisa. Handirevi kuti anyengetere pamusoro pacho.
17 Всяка неправда гріх, та єсть гріх не на смерть.
Kuita chakaipa kwose chivi, uye pane chivi chisingaurayisi.
18 Знаємо, що кожний, хто родив ся від Бога, не грішить; тільки рождений від Бога, хоронить себе, а лихий не дотикаєть ся його.
Tinoziva kuti mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haarambi achiita chivi; uyo akaberekwa naMwari anomuchengeta zvakanaka, uye akaipa haagoni kumukuvadza.
19 Знаємо, що ми від Бога, і ввесь сьвіт у лихому лежить.
Tinoziva kuti tiri vana vaMwari, uye kuti nyika yose iri pasi powakaipa.
20 Знаємо ж, що Син Божий прийшов, і дав нам розум, щоб пізнавали Бога правдивого; і ми в правдивому, в Синї Його Ісусї Христї. (aiōnios g166)
Tinozivawo kuti Mwanakomana waMwari akauya akatipa kunzwisisa, kuitira kuti timuzive iye wechokwadi. Uye tiri maari iye wechokwadi, kunyange muMwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
21 Сей правдивий Бог, і життє вічне. Дїточки, хоронїть себе від ідолів. Амінь.
Vana vanodikanwa, ibvai pazvifananidzo.

< 1 Івана 5 >