< 1 до коринтян 15 >

1 Звіщаю ж вам, браттє, благовістє, що я благовіствував вам, котре й прийняли ви, і в котрому встояли,
Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri.
2 котрим і спасаєтесь, коли памятаєте, яким словом я благовіствував вам, хиба що марно увірували.
Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina.
3 Бо я передав вам найперш, що й прийняв, що Христос умер за наші гріхи по писанням,
Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro,
4 і що поховано Його, і що встав третього дня по писанням,
kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro,
5 і що явив ся Кифі, а опісля дванайцятьом.
uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri.
6 Після того явив ся більш пяти сотень братам разом, з котрих більше живуть і досі, инші ж і впокоїлись,
Mushure mezvo akazviratidza kuhama dzaipfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vavo vachiri vapenyu, kunyange zvazvo vamwe vavete.
7 Після того явив ся Якову, а потім усім апостолам.
Ipapo akazozviratidza kuna Jakobho, mushure mezvo kuvapostori,
8 На останок же всїх, мов якому недорідку, явивсь і менї.
uye pakupedzisira akazozviratidza kwandiriwo, sokuna akazvarwa nguva isati yasvika.
9 Я бо останнїй з апостолів, котрий недостоєн зватись апостолом, бо гонив церкву Божу.
Nokuti ndiri muduku kuvapostori vose, uye handikodzeri kunzi mupostori, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari.
10 Благодаттю ж Божою я те, що є; і благодать Його до мене була не марна, а більш усїх їх працював я; не я ж, а благодать Божа, що зо мною.
Asi nokuda kwenyasha dzaMwari ndiri zvandiri uye nyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina. Kwete, ndakashanda kupfuura vose, asi ndisiri ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni.
11 Чи то ж я, чи то вони, так проповідуємо, і так ви увірували.
Ipapo kunyange dai ndiri ini kana ivo, izvi ndizvo zvatinoparidza, uye izvi ndizvo zvamakatenda.
12 Коли ж про Христа проповідуеть ся, що Він з мертвих устав, то як се деякі між вами кажуть, що нема воскресення мертвих?
Asi kana kuchiparidzwa kuchinzi Kristu akamutswa kubva kuvakafa, ko, vamwe venyu vangareva sei kuti hakuna kumutswa kwavakafa?
13 Коли ж воскресення мертвих нема, то й Христос не воскрес;
Kana kusina kumutswa kwavakafa, saka naizvozvowo Kristu haana kumutswa.
14 коли ж Христос не воскрес, то марна проповідь наша, марна ж і віра ваша.
Zvino kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo, saizvozvowo nokutenda kwenyu.
15 І ми являємось кривими сьвідками Божими, бо сьвідкували про Бога; що воскресив Христа, котрого не воскресив, - коли мертві не встають.
Pamusoro pezvo, tichaonekwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu kubva kuvakafa. Asi haana kumumutsa kana zvirokwazvo vakafa vasingamutswi.
16 Бо коли мертві не встають, то й Христос не встав.
Nokuti kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa kuvakafa.
17 А коли Христос не встав, то марна віра ваша: ви ще в гріхах ваших
Uye kana Kristu asina kumutswa, kutenda hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu.
18 Тоді й померші в Христї погибли.
Naizvozvowo vose vakafa muna Kristu vakatorasikawo.
19 Коли тільки в сьому житті вповаємо на Христа, то окаяннїшї (нещасливійші) ми всіх людей.
Kana tine tariro muna Kristu nokuda kwoupenyu huno chete, tinonzwisa urombo kupfuura vanhu vose.
20 Тепер же Христос устав з мертвих; первістком між мертвими став ся.
Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete.
21 Яко ж бо через чоловіка (прийшла) смерть, так через чоловіка й воскресеннє з мертвих.
Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe.
22 Як бо в Адамі всі вмирають, так і в Христї всі оживають.
Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu.
23 Кожен своїм порядком: Первісток Христос, а потім Христові у приході Його.
Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake.
24 Тоді (прийде) конець, як передасть царство Богу й Отцеві, як зруйнує всяке старшинуваннє і всяку власть і силу.
Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose.
25 Мусить бо Він царювати, доки положить усїх ворогів під ноги Його.
Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake.
26 Останній ворог зруйнуєть ся - смерть.
Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.
27 Усе бо впокорив під ноги Його. Коли ж рече, що все впокорено, то явно, що окрім Того, хто покорив Йому все.
Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti “zvinhu zvose” zvakaiswa pasi petsoka dzake, zviri pachena kuti izvi hazvisanganisiri Mwari pachake, iye akaisa zvinhu zvose pasi paKristu.
28 Коли ж упокорить ся Йому все, тодї і сам Син упокорить ся Тому, хто впокорив Йому все, щоб Бог був усе у всьому.
Kana achinge aita izvi, ipapo Mwanakomanawo pachake achaiswa pasi paiye akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari agova zvose mune zvose.
29 Ато що робити муть ті, хто хрестить ся ради мертвих, коли зовсім мертві не встають? чого ж і хрестять ся ради мертвих?
Zvino kana kusina kumuka, ko, vakabhabhatidzirwa vakafa vachazoiteiko? Kana vakafa vasingamutswi, seiko vanhu vachivabhabhatidzirwa?
30 Чого ж і ми небезпечимось всякого часу?
Uye kana tiri isu, tinozviisireiko panjodzi nguva dzose?
31 Що-дня вмираю; так (по правді нехай буде) мені ваша похвала, що маю в Христї Ісусї, Господі нашому.
Ndinofa zuva nezuva, ndinorevesa hama dzangu, zvirokwazvo sezvandinozvirumbidza pamusoro penyu muna Kristu Jesu Ishe wedu.
32 Коли б я чоловічим робом боров ся з зьвірями в ЄФесї, то яка менї користь, коли мертві не встають? Нумо їсти й пити, бо завтра помремо.
Kana ndakarwa nezvikara paEfeso nokuda kwezvikonzero zvapanyama, zvakandibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, “Ngatidyei uye tinwe, nokuti mangwana tichafa.”
33 Не обманюйте себе: ледачі бесіди псують добрі звичаї.
Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”
34 Протверезїть ся праведно та не грішить; бо деякі не знають Бога. На сором вам глаголю.
Dzokai pandangariro dzenyu sezvamakafanira, uye murege kutadza; nokuti kuna vamwe vasingazivi Mwari. Ndinotaura izvi kuti munyadziswe.
35 Та хто-небудь скаже: Як у стануть мертві? і в якому тїлї прийдуть?
Asi mumwe angabvunza achiti, “Ko, vakafa vanomutswa sei? Vachauya nomuviri wakaita seiko?”
36 Безумний! що ти сієш, не оживе, коли не вмре.
Upenzi hwakadii! Chaunodyara hachingameri kana chisina kufa.
37 І що сїєш, не тіло будуче сієш, а голе зерно, як лучить ся, пшеничне, або яке инше.
Kana ukadyara haudyari muviri uchazovapo, asi tsanga bedzi, ingava yegorosi kana chimwe chinhuwo zvacho.
38 Бог же дає йому тіло, яке схоче, і кожному насїнню своє тіло.
Asi Mwari anoipa muviri sezvaanoda, uye kumbeu imwe neimwe muviri wayo.
39 Не кожне тїло таке саме тїло; тільки инше тїло в людей, инше тїло в скотини, инше у риб, инше ж у птаства.
Nyama yose haina kufanana: Vanhu vane rumwe rudzi rwenyama, mhuka dzinewo rumwe rudzi, shiri rumwewo, uye nehove dzinewo rumwe.
40 (Єсть) і тіла небесні й тіла земні, та инша слава небесних, а инша земних.
Kunewo miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kwemiviri yokudenga ndokumwe kubwinya, kwemiviri yapanyika ndokumwe.
41 Инша слава сонця, а инша слава місяця, і инша слава зір; зоря бо від зори відрізняєть ся славою.
Zuva rino kubwinya kwaro, mwedzi unewo kumwe, nenyeredzi dzinewo kumwe; uye nyeredzi haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya.
42 Так і воскресеннє мертвих. Сїєть ся у зотлїннє, устає у нетлінню.
Ndizvo zvazvichazova pakumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa uri unoparara, unomutswa usisaparari;
43 Сїєть ся в безчестю, устає в славі; сїєть ся в немочі, устає в силї.
unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa mukubwinya; unodyarwa muutera, unomutswa musimba;
44 Сїєть ся тїло душевне, устає тіло духовне; єсть тїло душевне і єсть тїло духовне.
unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womweya. Kana kune muviri wenyama, kune muviri womweyawo.
45 Так і написано: Став ся первий чоловік Адам душею живою, а останній Адам духом животворящим.
Naizvozvo kwakanyorwa kuchinzi: “Munhu wokutanga, Adhamu, akava munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akava mweya unopa upenyu.
46 Тільки перш не духовне (було), а душевне, духовне ж потім.
Mweya hauna kuuya pakutanga, asi nyama, uye mushure mezvo mweya.
47 Первий чоловік із землї земний; другий чоловік Господь з неба.
Munhu wokutanga akanga ari guruva renyika, munhu wechipiri akanga achibva kudenga.
48 Який земний, такі й земні; і який небесний, такі й небесні.
Sezvakanga zvakaita munhu wapanyika, ndizvowo zvakaita vaya vari venyika; uyewo sezvakaita munhu akabva kudenga, ndizvo zvakaitawo vaya vari vokudenga.
49 І яко ж носили ми образ земного, так носити мем і образ небесного.
Uye sezvatakanga tine mufananidzo womunhu wapanyika, saizvozvowo tichava nomufananidzo womunhu akabva kudenga.
50 Се ж глаголю, браттє, що тїло і кров царства Божого наслїдити не може; і зотлїннє незотлїння не наслїдить.
Zvino, hama, ndinoti kwamuri nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari, uye zvinoparara hazvingagari nhaka yezvisingaparari.
51 Ось тайну вам глаголю: Всі нї впокоїмось, всі ж перемінимось.
Teererai, ndinokutaurirai chakavanzika: Hatingafi tose, asi tose tichashandurwa,
52 У хвилину, у миг ока, за останньою трубою - бо затрубить, і мертві повстають нетлїнними, і ми попереміняємось.
pakarepo, sokubwaira kweziso, pahwamanda yokupedzisira. Nokuti hwamanda icharira, vakafa vachamutswa mukusaparara, uye tichashandurwa.
53 Треба бо тлінному сьому одягнутись у нетлїннє, і смертному сьому одягнутись у безсмерте.
Nokuti chinoparara chinofanira kufuka kusaparara, uye chinofa chinofanira kufuka kusafa.
54 Як же тлінне се одягнеть ся в нетлїннє і смертне се одягнеть ся в безсмертє, тоді станеть ся написане слово: Пожерта смерть побідою.
Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapo tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.”
55 Де в тебе, смерте, жоло? де в тебе, пекло, побіда? (Hadēs g86)
“Kuripiko kukunda kwako iwe rufu? Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?” (Hadēs g86)
56 Жоло ж смерти - гріх, а сила гріха - закон.
Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro.
57 Богу ж дяка, що дав нам побіду через Господа нашого Ісуса Христа.
Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.
58 Тимже, браттє моє любе, бувайте тверді, стійкі, надто збогачуючисі у дїлї Господньому завсїди, знаючи що праця ваша не марна перед Господем.
Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.

< 1 до коринтян 15 >