< Vahiy 8 >

1 Kuzu yedinci mührü açınca, gökte yarım saat kadar sessizlik oldu.
Akati azarura chisimbiso chechinomwe, kwakava nokunyarara kudenga kwenguva inenge hafu yeawa.
2 Tanrı'nın önünde duran yedi meleği gördüm. Onlara yedi borazan verildi.
Uye ndakaona vatumwa vanomwe vanomira pamberi paMwari, uye vakapiwa hwamanda nomwe.
3 Altın bir buhurdan taşıyan başka bir melek gelip sunağın önünde durdu. Tahtın önündeki altın sunakta bütün kutsalların dualarıyla birlikte sunmak üzere kendisine çok miktarda buhur verildi.
Mumwe mutumwa, akanga ano mudziyo wezvinonhuhwira wegoridhe, akauya akamira paaritari. Akapiwa zvinonhuhwira zvizhinji zvokuzopa, pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose, paaritari yegoridhe pamberi pechigaro choushe.
4 Kutsalların dualarıyla buhurun dumanı, Tanrı'nın önünde meleğin elinden yükseldi.
Utsi hwezvinonhuhwira, pamwe chete neminyengetero yavatsvene, zvakakwira pamberi paMwari kubva muruoko rwomutumwa.
5 Melek buhurdanı aldı, sunağın ateşiyle doldurup yeryüzüne attı. Gök gürlemeleri, uğultular işitildi, şimşekler çaktı, yer sarsıldı.
Ipapo mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuhwira, akauzadza nomoto waibva paaritari, akaukanda panyika; uye ipapo kwakaita mabhananʼana, maungira okutinhira, kupenya kwemheni nokudengenyeka kwenyika.
6 Yedi melek ellerindeki yedi borazanı çalmaya hazırlandı.
Ipapo vatumwa vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe vakagadzirira kudziridza.
7 Birinci melek borazanını çaldı. Kanla karışık dolu ve ateş oluştu, yeryüzüne yağdı. Yerin üçte biri, ağaçların üçte biri ve bütün yeşil otlar yandı.
Mutumwa wokutanga akaridza hwamanda yake, ipapo kukauya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, uye zvikakandwa pamusoro penyika. Chikamu chimwe chete muzvitatu chenyika chakapiswa, chikamu chimwe chete muzvitatu chemiti chikapiswa, uye uswa hwose hunyoro hukapiswa.
8 İkinci melek borazanını çaldı. Alev alev yanan, dağ gibi büyük bir kütle denize atıldı. Denizin üçte biri kana dönüştü.
Mutumwa wechipiri akaridza hwamanda yake uye chimwe chinhu chakanga chakaita segomo guru, raipfuta rose, chikakandwa mugungwa. Chikamu chimwe chete muzvitatu chegungwa chakashanduka chikava ropa,
9 Denizdeki yaratıkların üçte biri öldü, gemilerin üçte biri yok oldu.
chikamu chimwe chete muzvitatu chezvisikwa zvipenyu zviri mugungwa chikafa, uye chikamu chimwe chete muzvitatu chezvikepe chikaparadzwa.
10 Üçüncü melek borazanını çaldı. Gökten meşale gibi yanan büyük bir yıldız ırmakların üçte biri üzerine ve su pınarlarının üzerine düştü.
Mutumwa wechitatu akaridza hwamanda yake, uye nyeredzi huru, yakanga ichipfuta somwenje, yakawa kubva kudenga pamusoro pechikamu chimwe chete muzvitatu chenzizi nezvitubu zvemvura,
11 Bu yıldızın adı Pelin'dir. Suların üçte biri pelin gibi acılaştı. Acılaşan sulardan içen birçok insan öldü.
zita renyeredzi rainzi Chinovava. Chikamu chimwe chete muzvitatu chemvura zhinji chakavava, uye vanhu vazhinji vakafa nokuda kwemvura yakanga yovava.
12 Dördüncü melek borazanını çaldı. Güneşin üçte biri, ayın üçte biri, yıldızların üçte biri vuruldu. Sonuç olarak ışıklarının üçte biri söndü, gündüzün ve gecenin üçte biri ışıksız kaldı.
Mutumwa wechina akaridza hwamanda yake, uye chikamu chimwe chete muzvitatu chezuva chikarohwa, chikamu chimwe chete muzvitatu chomwedzi, nechikamu chimwe chete muzvitatu chenyeredzi, zvokuti chikamu chimwe chete muzvitatu chazvo chakashanduka chikasviba. Chikamu chimwe chete muzvitatu chezuva iro chakanga chisina chiedza, uyewo nechikamu chimwe chete muzvitatu chousiku uhwo.
13 Sonra göğün ortasında uçan bir kartal gördüm. Yüksek sesle şöyle bağırdığını işittim: “Borazanlarını çalacak olan öbür üç meleğin borazan seslerinden yeryüzünde yaşayanların vay, vay, vay haline!”
Pandakatarira, ndakanzwa gondo rakanga richibhururuka pakati pomuchadenga richirira nenzwi guru richiti, “Nhamo! Nhamo! Nhamo kuna vanogara panyika, nokuda kwehwamanda dzava kuda kuzoridzwa navamwe vatumwa vatatu!”

< Vahiy 8 >