< Vahiy 7 >

1 Bundan sonra yeryüzünün dört köşesinde duran dört melek gördüm. Bunlar karaya, denize ya da herhangi bir ağaç üzerine esmesin diye, yeryüzünün dört rüzgarını tutuyorlardı.
Zvino shure kweizvi ndakaona vatumwa vana vamire kumativi mana enyika vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kuvhuvhuta panyika, kana pagungwa, kana pamuti upi zvawo.
2 Sonra gündoğusundan yükselen başka bir melek gördüm. Yaşayan Tanrı'nın mührünü taşıyordu. Karaya, denize zarar vermek için yetki verilen dört meleğe yüksek sesle bağırdı:
Uye ndakaona umwe mutumwa achikwira kubva kumabvazuva kwezuva ane mucherechedzo waMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakange vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,
3 “Biz Tanrımız'ın kullarını alınlarından mühürleyene dek karaya, denize ya da ağaçlara zarar vermeyin!”
achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa mucherechedzo varanda vaMwari wedu pahuma dzavo.
4 Mühürlenmiş olanların sayısını işittim. İsrailoğulları'nın bütün oymaklarından 144 000 kişi mühürlenmişti:
Zvino ndakanzwa uwandu hwevakaiswa mucherechedzo: Zvuru zana nemakumi mana nezvina vakaiswa mucherechedzo kubva kumarudzi ese evana vaIsraeri.
5 Yahuda oymağından 12 000 kişi mühürlenmişti. Ruben oymağından 12 000, Gad oymağından 12 000,
Kubva kurudzi rwaJudha zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaRubheni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaGadhi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;
6 Aşer oymağından 12 000, Naftali oymağından 12 000, Manaşşe oymağından 12 000,
kubva kurudzi rwaAsheri zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaNafutarimi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaManase zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;
7 Şimon oymağından 12 000, Levi oymağından 12 000, İssakar oymağından 12 000,
kubva kurudzi rwaSimioni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaRevhi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaIsaskari zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;
8 Zevulun oymağından 12 000, Yusuf oymağından 12 000, Benyamin oymağından 12 000 kişi mühürlenmişti.
kubva kurudzi rwaZebhuruni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaJosefa zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaBhenjamini zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo.
9 Bundan sonra gördüm ki, her ulustan, her oymaktan, her halktan, her dilden oluşan, kimsenin sayamayacağı kadar büyük bir kalabalık tahtın ve Kuzu'nun önünde duruyordu. Hepsi de birer beyaz kaftan giymişti, ellerinde hurma dalları vardı.
Shure kwaizvozvi ndakaona, zvino tarira, chaunga chikuru, chisina anogona kuverenga, chinobva kundudzi dzese, nemarudzi, nevanhu, nendimi, vakamira pamberi pechigaro cheushe nepamberi peGwayana, vakamonera nguvo refu chena, nemichindwe mumaoko avo;
10 Yüksek sesle bağırıyorlardı: “Kurtarış, tahtta oturan Tanrımız'a Ve Kuzu'ya özgüdür!”
zvino vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: Ruponeso ngaruve kuna Mwari wedu anogara pachigaro cheushe, nekuGwayana.
11 Bütün melekler tahtın, ihtiyarların ve dört yaratığın çevresinde duruyordu. Tahtın önünde yüzüstü yere kapanıp Tanrı'ya tapınarak şöyle diyorlardı:
Zvino vatumwa vese vakamira vakakomba chigaro cheushe nevakuru nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawa pamberi pechigaro cheushe nezviso zvavo, ndokunamata Mwari,
12 “Amin! Övgü, yücelik, bilgelik, Şükran, saygı, güç, kudret, Sonsuzlara dek Tanrımız'ın olsun! Amin!” (aiōn g165)
vachiti: Ameni: Kurumbidzwa nekubwinya nenjere nekuvonga nerukudzo nesimba nemasimba ngazvive kuna Mwari wedu kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
13 Bu sırada ihtiyarlardan biri bana sordu: “Beyaz kaftan giymiş olan bu kişiler kim, nereden geldiler?”
Zvino umwe wevakuru wakapindura, achiti kwandiri: Ava vakapfeka nguvo refu chena ndivana ani, uye vakabvepi?
14 “Sen bunu biliyorsun, efendim” dedim. Bana dedi ki, “Bunlar o büyük sıkıntıdan geçip gelenlerdir. Kaftanlarını Kuzu'nun kanıyla yıkamış, bembeyaz etmişlerdir.
Zvino ndakati kwaari: Ishe, ndimwi munoziva. Zvino akati kwandiri: Ava ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, uye vakasuka nguvo refu dzavo, uye ivo vakadzichenesa muropa reGwayana.
15 Bunun için, “Tanrı'nın tahtı önünde duruyor, Tapınağında gece gündüz O'na tapınıyorlar. Tahtta oturan, çadırını onların üzerine gerecek.
Nekuda kweizvi vari pamberi pechigaro cheushe chaMwari, vanomushumira masikati neusiku mutembere yake; uye anogara pachigaro cheushe achatandavadza tende pamusoro pavo.
16 Artık acıkmayacak, Artık susamayacaklar. Ne güneş ne kavurucu sıcak Çarpacak onları.
Havachazombovi nenzara kana kuzombova nenyota, nezuva haringatongovawiri, kana kupisa kupi zvako;
17 Çünkü tahtın ortasında olan Kuzu onları güdecek Ve yaşam sularının pınarlarına götürecek. Tanrı gözlerinden bütün yaşları silecek.”
nokuti Gwayana riri pakati pechigaro cheushe richavafunda, uye richavatungamirira kuzvitubu zvipenyu zvemvura; uye Mwari achapusika misodzi yese pameso avo.

< Vahiy 7 >