< Vahiy 10 >

1 Sonra gökten inen güçlü başka bir melek gördüm. Buluta sarınmıştı, başının üzerinde gökkuşağı vardı. Yüzü güneşe, ayakları ateşten sütunlara benziyordu.
Ipapo ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kubva kudenga. Akanga akafukidzwa mugore, nomuraravungu pamusoro pake; chiso chake chakanga chakaita sezuva, uye makumbo ake akanga akaita sembiru dzomoto.
2 Elinde açılmış küçük bir tomar vardı. Sağ ayağını denize, sol ayağını karaya koyarak aslanın kükremesini andıran yüksek sesle bağırdı. O bağırınca, yedi gök gürlemesi dile gelip seslendiler.
Akanga akabata bhuku duku rakapetwa, rakanga rakazaruka muruoko rwake. Akaisa rutsoka rwake rworudyi pagungwa uye rworuboshwe rwakatsika panyika,
3
uye akadanidzira nenzwi guru sokuomba kweshumba. Akati adanidzira, inzwi rokutinhira kunomwe rakataura.
4 Yedi gök gürlemesi seslendiğinde yazmak üzereydim ki, gökten, “Yedi gök gürlemesinin söylediklerini mühürle, yazma!” diyen bir ses işittim.
Uye kutinhira kunomwe kwakati kwataura, ndakanga ndava kuda kunyora; asi ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Namira zvarehwa nokutinhira kunomwe uye usazvinyora pasi.”
5 Denizle karanın üzerinde durduğunu gördüğüm melek, sağ elini göğe kaldırdı.
Ipapo mutumwa wandakanga ndaona amire pagungwa napanyika akasimudzira ruoko rwake rworudyi kudenga.
6 Göğü ve göktekileri, yeri ve yerdekileri, denizi ve denizdekileri yaratanın, sonsuzluklar boyunca yaşayanın hakkı için ant içip dedi ki, “Artık gecikme olmayacak. (aiōn g165)
Uye akapika naiye anogara nokusingaperi-peri, iye akasika matenga nezvose zviri maari, nyika nezvose zviri mairi, uye negungwa nezvose zviri mariri, akati, “Hapachazombovizve nokunonoka! (aiōn g165)
7 Yedinci melek borazanını çaldığı zaman, Tanrı'nın sır olan tasarısı tamamlanacak. Nitekim Tanrı bunu, kulları peygamberlere müjdelemişti.”
Asi pamazuva ayo mutumwa wechinomwe paanenge oda kuridza hwamanda yake, chakavanzika chaMwari chichapedziswa, sezvaakazivisa varanda vake ivo vaprofita.”
8 Gökten işittiğim ses benimle yine konuşmaya başladı: “Git, denizle karanın üzerinde duran meleğin elindeki açık tomarı al” dedi.
Ipapo inzwi randakanga ndanzwa richibva kudenga rakataurazve kwandiri richiti, “Enda, utore bhuku rakapetwa rakazarurwa muruoko rwomutumwa amire pagungwa napanyika.”
9 Meleğin yanına gidip küçük tomarı bana vermesini istedim. “Al, bunu ye!” dedi. “Midende bir acılık yapacak, ama ağzına bal gibi tatlı gelecek.”
Saka ndakaenda kumutumwa ndikamukumbira kuti andipe bhuku duku rakapetwa. Akati kwandiri, “Tora uridye. Richavavisa dumbu rako, asi mumuromo mako richatapira souchi.”
10 Küçük tomarı meleğin elinden alıp yedim, ağzımda bal gibi tatlıydı. Ama yutunca midem acılaştı.
Ndakatora bhuku duku rakapetwa kubva muruoko rwomutumwa ndikaridya. Raitapira sokutapira kunoita uchi mumukanwa mangu, asi ndakati ndaridya, mudumbu mangu makavava.
11 Sonra bana şöyle dendi: “Yine birçok halk, ulus, dil ve kralla ilgili olarak peygamberlikte bulunmalısın.”
Ipapo ndakaudzwa kuti, “Unofanira kuprofitazve pamusoro pavanhu vazhinji, ndudzi, ndimi namadzimambo.”

< Vahiy 10 >