< Matta 2 >

1 İsa'nın Kral Hirodes devrinde Yahudiye'nin Beytlehem Kenti'nde doğmasından sonra bazı yıldızbilimciler doğudan Yeruşalim'e gelip şöyle dediler: “Yahudiler'in Kralı olarak doğan çocuk nerede? Doğuda O'nun yıldızını gördük ve O'na tapınmaya geldik.”
Mushure mokuberekwa kwaJesu muBheterehema reJudhea munguva yaMambo Herodhi, vachenjeri vaibva kumabvazuva vakasvika muJerusarema,
2
uye vakabvunza vakati, “Aripiko uyo achangoberekwa anova mambo wavaJudha? Takaona nyeredzi yake kumabvazuva, uye tauya kuzomunamata.”
3 Kral Hirodes bunu duyunca kendisi de bütün Yeruşalim halkı da tedirgin oldu.
Mambo Herodhi akati achinzwa izvi, akatambudzika kwazvo pamwe chete neJerusarema rose.
4 Bütün başkâhinleri ve halkın din bilginlerini toplayarak onlara Mesih'in nerede doğacağını sordu.
Kuzoti akokera pamwe chete vaprista navadzidzisi vomutemo, akavabvunza kwaizoberekerwa Kristu.
5 “Yahudiye'nin Beytlehem Kenti'nde” dediler. “Çünkü peygamber aracılığıyla şöyle yazılmıştır:
Vakapindura vachiti, “MuBheterehema reJudhea nokuti izvi ndizvo zvakanyorwa nomuprofita achiti:
6 ‘Ey sen, Yahuda'daki Beytlehem, Yahuda önderleri arasında hiç de en önemsizi değilsin! Çünkü halkım İsrail'i güdecek önder Senden çıkacak.’”
“Asi iwe Bheterehema, munyika yeJudhea hausi muduku pamadzimambo ose aJudha, nokuti mauri muchabuda mutongi uyo achava mufudzi wavanhu vangu vaIsraeri.”
7 Bunun üzerine Hirodes yıldızbilimcileri gizlice çağırıp onlardan yıldızın göründüğü anı tam olarak öğrendi.
Ipapo Herodhi akadana Vachenjeri pakavanda akavabvunzisisa nguva chaiyo yainge yaonekwa nyeredzi.
8 “Gidin, çocuğu dikkatle arayın, bulunca bana haber verin, ben de gelip O'na tapınayım” diyerek onları Beytlehem'e gönderdi.
Akavatuma kuBheterehema akati, “Endai mundotsvakisisa mwana uyu. Kana muchinge mamuwana, mugondizivisawo kuitira kuti neniwo ndigoenda kundomunamata.”
9 Yıldızbilimciler, kralı dinledikten sonra yola çıktılar. Doğuda görmüş oldukları yıldız onlara yol gösteriyordu, çocuğun bulunduğu yerin üzerine varınca durdu.
Mushure mokunge vanzwa zvainge zvataurwa naMambo, vakapfuurira mberi norwendo rwavo, uye nyeredzi yavakanga vaona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira panzvimbo paiva nomwana.
10 Yıldızı gördüklerinde olağanüstü bir sevinç duydular.
Pavakaona nyeredzi, vakafara kwazvo.
11 Eve girip çocuğu annesi Meryem'le birlikte görünce yere kapanarak O'na tapındılar. Hazinelerini açıp O'na armağan olarak altın, günnük ve mür sundular.
Vakati vasvika pamba apa, vakaona mwana namai vake Maria, uye vakakotamira pasi vakamunamata. Vakasunungura pfuma yavo vakapa zvipo zvegoridhe, nezvinonhuhwira nemura.
12 Sonra gördükleri bir düşte Hirodes'in yanına dönmemeleri için uyarılınca ülkelerine başka yoldan döndüler.
Uye vakati vayambirwa mukurota kuti vasadzokera nokuna Herodhi, vakadzokera kwavo neimwe nzira.
13 Yıldızbilimciler gittikten sonra Rab'bin bir meleği Yusuf'a rüyada görünerek, “Kalk!” dedi, “Çocukla annesini al, Mısır'a kaç. Ben sana haber verinceye dek orada kal. Çünkü Hirodes öldürmek için çocuğu aratacak.”
Zvino kuzoti vaenda, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa mukurota, akati, “Kurumidza kutora mwana namai vake mutizire kuIjipiti. Mugareko kusvikira ndakuudzai, nokuti Herodhi achatsvaka mwana uyu kuti amuuraye.”
14 Böylece Yusuf kalktı, aynı gece çocukla annesini alıp Mısır'a doğru yola çıktı.
Saka akabva amuka ndokutora mwana namai vake usiku akatizira kuIjipiti,
15 Hirodes'in ölümüne dek orada kaldı. Bu, Rab'bin peygamber aracılığıyla bildirdiği şu söz yerine gelsin diye oldu: “Oğlumu Mısır'dan çağırdım.”
kwaakandogara kusvikira Herodhi afa. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa naShe kubudikidza nomuprofita achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.”
16 Hirodes, yıldızbilimciler tarafından aldatıldığını anlayınca çok öfkelendi. Onlardan öğrendiği vakti göz önüne alarak Beytlehem ve bütün yöresinde bulunan iki ve iki yaşından küçük erkek çocukların hepsini öldürttü.
Kuzoti Herodhi aziva kuti vachenjeri vaya vainge vamunzvenga, akashatirwa kwazvo, ndokubva arayira kuti vana vechikomana vose vaiva muBheterehema nomunzvimbo yakapoteredza vaiva namakore maviri zvichidzika vaurayiwe, maererano nenguva yaakanga audzwa naVachenjeri.
17 Böylelikle Peygamber Yeremya aracılığıyla bildirilen şu söz yerine gelmiş oldu:
Ipapo zvakarehwa kubudikidza nomuprofita Jeremia zvakazadziswa, zvinoti:
18 “Rama'da bir ses duyuldu, Ağlayış ve acı feryat sesleri! Çocukları için ağlayan Rahel Avutulmak istemiyor. Çünkü onlar yok artık!”
“Inzwi rakanzwikwa muRama rokuchema nokuungudza kukuru, Rakeri achichema vana vake, uye achiramba kunyaradzwa nokuti havachipo.”
19 Hirodes öldükten sonra, Rab'bin bir meleği Mısır'da Yusuf'a rüyada görünerek, “Kalk!” dedi, “Çocukla annesini al, İsrail'e dön. Çünkü çocuğun canına kıymak isteyenler öldü.”
Mushure mokufa kwaHerodhi, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa muIjipiti mukurota
akati, “Tora mwana namai vake mudzokere kunyika yeIsraeri nokuti vaya vaida kuuraya mwana vakafa.”
21 Bunun üzerine Yusuf kalktı, çocukla annesini alıp İsrail'e döndü.
Saka akasimuka akatora mwana namai vake akaenda kunyika yeIsraeri.
22 Ama Yahudiye'de Hirodes'in yerine oğlu Arhelas'ın kral olduğunu duyunca oraya gitmekten korktu. Rüyada uyarılınca Celile bölgesine gitti.
Asi paakanzwa kuti Akerasi akanga otonga muJudhea panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako. Akati ayambirwa mukurota, akabva aenda kudunhu reGarirea,
23 Oraya varınca Nasıra denen kente yerleşti. Bu, peygamberler aracılığıyla bildirilen, “O'na Nasıralı denecektir” sözü yerine gelsin diye oldu.
uye akaenda akandogara muguta rainzi Nazareta. Izvi zvakabva zvazadzisa zvakarehwa kubudikidza navaprofita zvichinzi, “Achanzi muNazareta.”

< Matta 2 >