< Yeremya 29 >

1 Peygamber Yeremya'nın sürgünde sağ kalan halkın ileri gelenlerine, kâhinlerle peygamberlere ve Nebukadnessar'ın Yeruşalim'den Babil'e sürdüğü bütün halka Yeruşalim'den gönderdiği mektubun metni aşağıda yazılıdır.
Zvino aya ndiwo mashoko etsamba yakatumwa nomuprofita Jeremia kubva kuJerusarema ichienda kuvakuru vakanga vachiri vapenyu pakati pavatapwa, nokuvaprista navaprofita, navamwe vanhu vose vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi naNebhukadhinezari vachibviswa kuJerusarema.
2 Bu mektup Kral Yehoyakin'in, ana kraliçenin, saray görevlilerinin, Yahuda ve Yeruşalim önderlerinin, zanaatçılarla demircilerin Yeruşalim'den sürgüne gitmelerinden sonra,
(Izvi zvakaitika shure kwokunge Mambo Jehoyakini namai vake, namachinda omuruvazhe rwamambo, navatungamiri veJudha neJerusarema, navavezi, navapfuri, vaendeswa kuutapwa vachibviswa kuJerusarema.)
3 Yahuda Kralı Sidkiya'nın Babil Kralı Nebukadnessar'a gönderdiği Şafan oğlu Elasa ve Hilkiya oğlu Gemarya eliyle gönderildi:
Akaendesa tsamba iyi noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria mwanakomana waHirikia, avo vakatumwa naZedhekia mambo waJudha kuna Mambo Nebhukadhinezari kuBhabhironi. Yaiti:
4 İsrail'in Tanrısı, Her Şeye Egemen RAB Yeruşalim'den Babil'e sürdüğü herkese şöyle diyor:
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, kuna vose vandakaendesa kuutapwa kuBhabhironi vachibva kuJerusarema:
5 “Evler yapıp içinde oturun, bahçe dikip ürününü yiyin.
“Zvivakirei dzimba mugare; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.
6 Evlenin, oğullarınız, kızlarınız olsun; oğullarınızı, kızlarınızı evlendirin. Onların da oğulları, kızları olsun. Orada çoğalın, azalmayın.
Wananai mugova navanakomana navanasikana; tsvakirai vanakomana venyu vakadzi uye muwanise vanasikana venyu, kuti naivowo vave navanakomana navanasikana. Muwande ikoko; musadzikira pakuwanda.
7 Sizi sürmüş olduğum kentin esenliği için uğraşın. O kent için RAB'be dua edin. Çünkü esenliğiniz onunkine bağlıdır.”
Uyezve, mutsvake rugare nokubudirira kweguta randakakuendesai kuutapwa. Murinyengeterere kuna Jehovha, nokuti kana rikabudirira, nemiwo muchabudirira.”
8 Evet, İsrail'in Tanrısı, Her Şeye Egemen RAB diyor ki, “Aranızdaki peygamberlerle falcılara aldanmayın. Düş görmeye özendirdiğiniz kişilere kulak asmayın.
Nokuti, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Musarega vaprofita navavuki vari pakati penyu vachikunyengerai. Musateerera kurota kwamunovakurudzira kuti varote.
9 Çünkü onlar adımı kullanarak size yalan peygamberlik ediyorlar. Onları ben göndermedim.” RAB böyle diyor.
Vanokuprofitirai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
10 RAB diyor ki, “Babil'de yetmiş yılınız dolunca sizinle ilgilenecek, buraya sizi geri getirmek için verdiğim iyi sözü tutacağım.
Nokuti zvanzi naJehovha: “Panopera makore makumi manomwe eBhabhironi, ndichauyazve kwamuri ndigozadzisa zvakanaka zvandakavimbisa kuti ndichakudzoserai kunzvimbo ino.
11 Çünkü sizin için düşündüğüm tasarıları biliyorum” diyor RAB. “Kötü tasarılar değil, size umutlu bir gelecek sağlayan esenlik tasarıları bunlar.
Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.
12 O zaman beni çağıracak, gelip bana yakaracaksınız. Ben de sizi işiteceğim.
Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.
13 Beni arayacaksınız, bütün yüreğinizle arayınca beni bulacaksınız.
Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose.
14 Kendimi size buldurtacağım” diyor RAB. “Sizi eski gönencinize kavuşturacağım. Sizi sürdüğüm bütün yerlerden ve uluslardan toplayacağım” diyor RAB. “Ve sizi sürgün ettiğim yerden geri getireceğim.”
Ndichawanikwa nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzosai kubva kuutapwa. Ndichakuunganidzai kubva kundudzi dzose nokunzvimbo dzandakanga ndakudzingirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzoseraizve kunzvimbo yandakanga ndakubudisai ndichikuendesai kuutapwa.”
15 Madem, “RAB bizim için Babil'de peygamberler çıkardı” diyorsunuz,
Imi mungati henyu, “Jehovha akatimutsira vaprofita muBhabhironi,”
16 Davut'un tahtında oturan kral, bu kentte kalan halk ve sizinle sürgüne gitmeyen yurttaşlarınız için RAB şöyle diyor.
asi zvanzi naJehovha pamusoro pamambo achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi navanhu vose vanosara vari muguta rino, vanhu venyika yenyu vasina kuenda nemi kuutapwa,
17 Evet, Her Şeye Egemen RAB diyor ki, “Üzerlerine kılıç, kıtlık, salgın hastalık göndereceğim. Onları yenilmeyecek kadar çürük, bozuk incir gibi edeceğim.
hongu, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ndichatuma munondo, nzara nedenda pamusoro pavo uye ndichavaita samaonde akaipa akaora zvokuti haangadyiwi.
18 Kılıçla, kıtlıkla, salgın hastalıkla peşlerine düşeceğim. Yeryüzündeki bütün krallıklara dehşet saçacak, kendilerini sürdüğüm bütün ülkeler arasında lanetlenecek, dehşet ve alay konusu olacak, aşağılanacaklar.
Ndichavatevera nomunondo, nzara nedenda uye ndichavaita chinhu chinovengwa noushe hwose hwenyika uye chinhu chinotukwa, nechinotyisa, nechinosekwa, nechinoshorwa pakati pendudzi dzose kwandakavadzingira.
19 Çünkü sözlerime kulak asmadılar” diyor RAB. “Kullarım peygamberler aracılığıyla sözlerimi defalarca gönderdim, ama dinlemediniz.” RAB böyle diyor.
Nokuti havana kuteerera kumashoko angu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mashoko andakatuma ndatumazve kwavari navaranda vangu vaprofita. Nemiwo vakatapwa makaramba kuateerera,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
20 Bunun için, ey sizler, Yeruşalim'den Babil'e gönderdiğim sürgünler, RAB'bin sözüne kulak verin!
Naizvozvo, chinzwai shoko raJehovha, imi mose makatapwa vandakadzingira kuBhabhironi muchibva kuJerusarema.
21 Adımı kullanarak size yalan peygamberlik eden Kolaya oğlu Ahav'la Maaseya oğlu Sidkiya için İsrail'in Tanrısı, Her Şeye Egemen RAB diyor ki, “Onları Babil Kralı Nebukadnessar'ın eline teslim edeceğim, gözünüzün önünde ikisini de öldürecek.
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, pamusoro paAhabhu mwanakomana waKoraya naZedhekia mwanakomana waMaaseya, vari kukuprofitirai nhema muzita rangu: “Ndichavaisa muruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye achavauraya pamberi penyu muchizviona.
22 Onlardan ötürü Babil'deki bütün Yahuda sürgünleri, ‘RAB seni Babil Kralı'nın diri diri yaktırdığı Sidkiya ve Ahav'la aynı duruma düşürsün’ diye lanet edecek.
Nokuda kwavo, vatapwa vose vakabva kuJudha vari muBhabhironi vachashandisa chituko ichi: ‘Jehovha akuitire sezvaakaita kuna Zedhekia naAhabhu avo vakapiswa mumoto namambo weBhabhironi.’
23 Çünkü İsrail'de çirkin şeyler yaptılar; komşularının karılarıyla zina ettiler, onlara buyurmadığım halde adımla yalan sözler söylediler. Bunu biliyorum ve buna tanığım” diyor RAB.
Nokuti vakaita zvinhu zvinonyangadza muIsraeri; vakaita upombwe navakadzi vavavakidzani vavo uye vakareva nhema muzita rangu, izvo zvandisina kuvaudza kuti vaite. Ndinozviziva uye ndiri chapupu chazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
24 Nehelamlı Şemaya'ya diyeceksin ki,
Udza Shemaya muNeherami kuti,
25 “İsrail'in Tanrısı, Her Şeye Egemen RAB şöyle diyor: Sen Yeruşalim halkına, Maaseya oğlu Kâhin Sefanya'yla bütün öbür kâhinlere kendi adına mektuplar göndererek şöyle yazmıştın:
“Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Wakatumira matsamba muzita rako kuvanhu vose vomuJerusarema, kuna Zefania mwanakomana waMaaseya muprista, nokuna vamwe vaprista vose. Wakati kuna Zefania,
26 “‘RAB tapınağın sorumlusu olarak Yehoyada yerine seni kâhin atadı. Peygamber gibi davranan her deliyi tomruğa, demir boyunduruğa vurmak görevindir.
‘Jehovha akakugadza kuva muprista panzvimbo yaJehoyadha kuti uve mutariri weimba yaJehovha; unofanira kuisa muchitokisi nomumangetani munhu upi zvake anopenga achiita somuprofita.
27 Öyleyse aranızda kendini peygamber ilan eden Anatotlu Yeremya'yı neden azarlamadın?
Saka wakaregererei kuranga Jeremia weAnatoti, anozviti muprofita pakati penyu?
28 Çünkü Yeremya biz Babil'dekilere şu haberi gönderdi: Sürgün uzun olacak. Onun için evler yapıp içinde oturun; bahçe dikip ürününü yiyin.’”
Akatuma shoko iri kwatiri paBhabhironi, achiti: Zvichatora nguva yakareba. Naizvozvo zvivakirei dzimba mugogara; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.’”
29 Kâhin Sefanya mektubu Peygamber Yeremya'ya okuyunca,
Uye, Zefania muprista akaverengera muprofita Jeremia tsamba iyi.
30 RAB Yeremya'ya şöyle seslendi:
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,
31 “Bütün sürgünlere şu haberi gönder: ‘Nehelamlı Şemaya için RAB diyor ki: Madem ben göndermediğim halde Şemaya peygamberlik edip sizleri yalana inandırdı,
“Tumira shoko iri kuvatapwa vose, uti, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaya, muNeherami: Nokuti Shemaya akuprofitirai, kunyange ini ndisina kumutuma, uye aita kuti mutende nhema,
32 ben de Nehelamlı Şemaya'yı ve bütün soyunu cezalandıracağım: Bu halkın arasında soyundan kimse sağ kalmayacak, halkıma yapacağım iyiliği görmeyecek, diyor RAB. Çünkü o halkı bana karşı kışkırttı.’”
zvanzi naJehovha: Zvirokwazvo ndicharanga Shemaya muNeherami nezvizvarwa zvake. Haangavi nomunhu achasara pakati pavanhu ava, kana kuona zvinhu zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti akaparidza zvokundimukira.’”

< Yeremya 29 >