< 1 Timoteos 2 >

1 Her şeyden önce şunu öğütlerim: Tanrı yoluna tam bir bağlılık ve ağırbaşlılık içinde sakin ve huzurlu bir yaşam sürelim diye, krallarla bütün üst yöneticiler dahil, bütün insanlar için dilekler, dualar, yakarışlar ve şükürler sunulsun.
Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe,
2
madzimambo navose vari kutonga, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene.
3 Böyle yapmak iyidir ve Kurtarıcımız Tanrı'yı hoşnut eder.
Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu.
4 O bütün insanların kurtulup gerçeğin bilincine erişmesini ister.
Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi.
5 Çünkü tek Tanrı ve Tanrı'yla insanlar arasında tek aracı vardır. O da insan olan ve kendisini herkes için fidye olarak sunmuş bulunan Mesih İsa'dır. Uygun zamanda verilen tanıklık budur.
Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri mumwe chete pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu.
6
Uyo akazvipa sorudzikinuro kuvanhu vose, uchapupu hwakapiwa panguva yakafanira.
7 Ben bunun habercisi ve elçisi atandım –gerçeği söylüyorum, yalan söylemiyorum– uluslara imanı ve gerçeği öğretmeye atandım.
Uye nokuda kwechikonzero ichi ndakaitwa muparidzi nomupostori, ndinokuudzai chokwadi, handisi kureva nhema, uye ndiri mudzidzisi wokutenda kwechokwadi kune veDzimwe Ndudzi.
8 Buna göre, erkeklerin öfkelenip çekişmeden, her yerde pak eller yükselterek dua etmelerini isterim.
Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo.
9 Kadınların da saç örgüleriyle, altınlarla, incilerle ya da pahalı giysilerle değil, sade giyimle, edepli ve ölçülü tutumla, Tanrı yolunda yürüdüklerini ileri süren kadınlara yaraşır biçimde, iyi işlerle süslenmelerini isterim.
Ndinodawo kuti vakadzi vapfeke zvakafanira, zvakanaka zvino kuzvidzora, kwete nebvudzi rakarukwa kana negoridhe kana namaperera kana nguo dzemari zhinji,
asi ngavave namabasa akanaka, sezvakafanira vakadzi vanoti vanonamata Mwari.
11 Kadın sükûnet ve tam bir uysallık içinde öğrensin.
Mukadzi ngaadzidze akanyarara uye nokuzviisa pasi kwose.
12 Kadının öğretmesine, erkeğe egemen olmasına izin vermiyorum; sakin olsun.
Handitenderi kuti mukadzi adzidzise kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara.
13 Çünkü önce Adem, sonra Havva yaratıldı; aldatılan da Adem değildi, kadın aldatılıp suç işledi.
Nokuti Adhamu ndiye akatanga kuumbwa, tevere Evha.
Uye Adhamu haasi iye akanyengerwa; mukadzi ndiye akanyengerwa akava mutadzi.
15 Ama doğum yapıp kurtulacaktır; yeter ki, sağduyuyla iman, sevgi ve kutsallıkta yaşasın.
Asi vakadzi vachaponeswa nokubereka vana kana vachirambira mukutenda, murudo noutsvene, uye nokuzvidzora.

< 1 Timoteos 2 >