< Isaías 35 >

1 El desierto y la tierra seca celebrarán; el desierto florecerá como el azafrán.
Gwenga nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo uye richatumbuka; seruva,
2 ¡Florezcan profusamente, celebren y canten! Se le dará la gloria del Líbano, el esplendor del Carmelo y de Sarón. Verán la gloria del Señor, el esplendor de nuestro Dios.
richatumbuka; richafara zvikuru uye richapembera nomufaro. Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri, kunaka kweKarimeri neSharoni; vachaona kubwinya kwaJehovha, nokunaka kwaMwari wedu.
3 ¡Haz que las manos débiles se fortalezcan, y haz que las rodillas temblorosas se mantengan firmes!
Simbisai maoko asina simba, tsigirai mabvi anodedera;
4 Diles a los que tienen miedo: ¡Sean fuertes! ¡No tengan miedo! Miren que su Dios viene a castigar a sus enemigos, y vendrá con la retribución divina para salvaros.
muti kuna avo vane mwoyo inotya, “Simbai, musatya; Mwari wenyu achauya, achauya nokutsiva, nokuripira kutsvene achauya kuzokuponesai.”
5 Cuando eso ocurra, los ciegos verán y los sordos oirán.
Ipapo meso amapofu achasvinudzwa uye nzeve dzematsi dzichazarurwa.
6 El cojo saltará como un ciervo y el mudo cantará de alegría. Los manantiales brotarán en el desierto; los arroyos fluirán en el desierto.
Ipapo akaremara achakwakuka senondo, uye rurimi rwechimumu ruchaimba nomufaro. Mvura ichatubuka murenje, uye nehova dzemvura mugwenga.
7 La tierra seca será como un estanque, la tierra árida como manantiales de agua. En el lugar donde los chacales que solía vivir, habrá hierba, cañas y juncos.
Jecha rinopisa richashanduka rikava dziva, ivhu rine nyota richava zvitubu zvemvura. Maigara makava noumo maaimbovata, muchamera uswa, netsanga nenhokwe.
8 Allí habrá una carretera, un camino llamado “El camino de la santidad”. Ningún malvado viajará por ella, sólo los que siguen el Camino. Los necios no irán por allí.
Ipapo pachava nomugwagwa; uchanzi Nzira yoUtsvene. Vane tsvina havangazofambi mairi; ichava yaivavo vanofamba muNzira iyoyo; vakaipa namapenzi havangazofambi mairi.
9 En el camino no se encontrarán leones ni otros animales peligrosos: sólo los redimidos caminarán por él.
Hapangavi neshumba ipapo, kana chikara chipi zvacho chichawanikwapo. Asi vakadzikinurwa voga ndivo vachafambamo,
10 Los que el Señor ha liberado volverán cantando al entrar en Jerusalén, con coronas de alegría eterna. Les invade el agradecimiento y la alegría; la pena y la tristeza simplemente desaparecen.
uye vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka. Vachapinda muZioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamusoro pavo. Vachawana mufaro nokufarisisa, kusuwa nokuneta zvichatiza.

< Isaías 35 >