< Luka 12 >

1 Med tem ko se je bilo zbralo na tisoče ljudstva, tako, da so eden po drugem gazili, začne govoriti učencem svojim: Najprej se varujte kvasú Farizejskega, kteri je hinavstvo.
Zvichakadaro, zviuru nezviuru zvakati zvaungana, zvokuti vakanga vava kutsikirirana, Jesu akatanga kutaura kuvadzidzi vake achiti, “Chenjererai mbiriso yavaFarisi, kunyengera.
2 Nič pa ni skritega, kar se ne bo odkrilo; in skrivnega, kar se ne bo zvedelo.
Hakuna chinhu chakavanzika chisingazobudiswi pachena, kana chakavigwa chisingazozivikanwi.
3 Za to se bo to, kar ste pravili v temi, slišalo na svetlem; in kar ste na uho šepetali v kletih, oznanjevalo se bo na strehah.
Zvamakataura murima zvichanzwika masikati machena, uye zvamakazevezera munzeve mudzimba dzomukati zvichadanidzirwa pamusoro pamatenga edzimba.
4 Pravim pa vam prijateljem svojim: Ne bojte se jih, kteri ubijajo telo, a po tem ne morejo nič več storiti.
“Ndinokuudzai, shamwari dzangu, musatya vaya vanouraya muviri mushure mezvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.
5 Pokazal pa vam bom, koga se bojte: bojte se tistega, kteri ima oblast, po tem ko je ubil, zagnati v pekel. Dà, pravim vam, tega se bojte. (Geenna g1067)
Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai uyo, anoti mushure mokunge auraya muviri, ane simbawo rokuukanda mugehena. Hongu, ndinoti, mutye iyeye. (Geenna g1067)
6 Ne prodaja li se pet vrabcev za dva solda! in ne eden od njih ni pozabljen pred Bogom.
Ko, shiri shanu duku hadzitengeswi namasendi maviri here? Asi hakuna imwe yadzo inokanganwiwa naMwari.
7 A vam so tudi lasje na glavi vsi razšteti. Ne bojte se torej; vi ste bolji od mnogo vrabcev.
Zvirokwazvo, bvudzi chairo romumusoro menyu rakaverengwa. Musatya, imi munopfuura shiri duku zhinji.
8 Pravim vam pa: Vsak kdor bo spoznal mene pred ljudmí, spoznal bo tudi sin človečji njega pred angelji Božjimi;
“Ndinokuudzai kuti, ani naani anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana woMunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari.
9 Kdor bo pa zatajil mene pred ljudmí, zatajil se bo pred angelji Božjimi.
Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari.
10 In vsak, kdor reče besedo zoper sina človečjega, odpustila mu se bo; a kdor se zarotí zoper Duha svetega, ne bo mu se odpustilo.
Uye mumwe nomumwe anotaura shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu, acharegererwa, asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazombokanganwirwi.
11 Kedar vas pa popeljejo v shajališča in h gosposki in pred oblasti, ne skrbite, kako ali kaj bi odgovorili, ali kaj bi povedali:
“Mukange mamiswa pamberi pesinagoge, vatongi navane simba, musafunganya pamusoro pokuti muchapindura sei kana kuti muchazvidzivirira sei,
12 Kajti naučil vas bo Duh sveti tisti čas, kaj je treba reči.
nokuti panguva iyoyo Mweya Mutsvene achakudzidzisai zvamunofanira kutaura.”
13 Reče pa mu nekdo izmed ljudstva: Učenik, reci bratu mojemu, naj razdeli z menoj dedovino.
Mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.”
14 On mu pa reče: Človek, kdo me je postavil za sodnika ali delilca med vama?
Jesu akapindura akati, “Iwe murume, ndianiko akandigadza kuti ndive mutongi kana mugoveri pakati penyu?”
15 In reče jim: Glejte in varujte se lakomnosti; kajti nikdor ne živí ob obilnosti imenja svojega.
Ipapo akati kwavari, “Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo.”
16 Pové jim pa priliko, govoreč: Nekemu človeku bogatemu obrodila je njiva;
Uye akavaudza mufananidzo uyu akati, “Ivhu romumwe mupfumi rakabereka zvibereko zvakanaka.
17 In premišljeval je v sebi, govoreč: Kaj bom storil, ko nimam kam spraviti letine svoje?
Akafunga mumwoyo make akati, ‘Ndichaita seiko? Handina nzvimbo yokuchengetera zviyo zvangu.’
18 Pa reče: To bom storil: podrl bom žitnice svoje, in naredil bom veče, in spravil bom tu vse pridelke svoje in blago svoje.
“Ipapo akati, ‘Hezvino zvandichaita. Ndichaputsa matura angu ndigovaka makuru, uye imomo ndimo mandichaunganidza zviyo zvangu nezvinhu zvangu.
19 Ter porečem duši svojej: Duša! veliko blaga imaš na veliko let; počivaj, jej, pij, veseli se.
Uye ndichati kumweya wangu, “Iwe une zvinhu zvakawanda zvakanaka zvawakaunganidzirwa makore mazhinji. Zorora, udye, unwe uye ufare.”’
20 Reče pa mu Bog: Neumnež! to noč bom tirjal dušo tvojo od tebe; a kar si pripravil, čegavo bo?
“Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, usiku huno chaihwo upenyu hwako huchatorwa kubva kwauri. Zvino ndianiko achatora zvawanga wazvigadzirira?’
21 Tako, kdor sebi zaklade nabira, pa se ne bogati v Bogu.
“Ndizvo zvichaitika kuna ani zvake anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.”
22 Reče pa učencem svojim: Za to vam pravim, da ne skrbite za življenje svoje, kaj boste jedli; tudi za telo svoje ne, kaj boste oblekli.
Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei.
23 Življenje je več kakor hrana, in telo več kakor obleka.
Upenyu hunopfuura zvokudya, uye muviri unopfuura zvokufuka.
24 Poglejte krokarje, da ne sejejo, in ne žanjejo; kteri nimajo kleti ne žitnice, in Bog jih živí: koliko bolji ste vi od tic?
Fungai nezvamakunguo nokuti haadyari kana kucheka, haana tsapi kana dura, asi Mwari anoapa zvokudya. Uye imi munopfuura shiri sei!
25 Kdo od vas pa skrbeč more postavi svojej primakniti en komolec?
Ndianiko kwamuri angawedzera awa imwe chete kuupenyu hwake nokufunganya?
26 Če torej tudi najmanjega ne morete, čemu skrbite za drugo?
Sezvo musingagoni kuita chinhu chiduku ichi, seiko muchifunganya pamusoro pezvimwe?
27 Poglejte lilije, kako rastejo; ne trudijo se in ne predejo; pravim vam pa: Tudi Solomon v vsej slavi svojej se ni oblekel, kakor teh ena.
“Fungai maruva kuti anomera sei. Haabati kana kuruka, asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose haana kuzvipfekedza serimwe raaya.
28 Če pa travo na polji, ktera danes stojí, a jutri se meče v peč, Bog tako oblači, koliko bolj vas, maloverni?
Kana ariwo mashongedzero anoita Mwari uswa hwesango, huripo nhasi, uye mangwana huchikandwa mumoto, achakupfekedzai zvikuru sei, imi vokutenda kuduku!
29 Tudi vi ne iščite, kaj boste jedli, ali kaj boste pili; in ne skrbite.
Musaisa mwoyo yenyu pane zvamuchadya kana kunwa; musafunganya pamusoro pazvo.
30 Kajti vsega tega iščejo pogani: a oče vaš vé, da tega potrebujete.
Nokuti vedzimwe ndudzi vanomhanyira zvinhu zvose zvakadaro, uye Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvo.
31 Nego iščite kraljestva Božjega, in vse to vam se bo pridalo.
Asi tsvakai umambo hwavo, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.
32 Ne boj se, mala čreda! kajti volja je očeta vašega dati vam kraljestvo.
“Musatya henyu, imi kaboka kaduku, nokuti Baba venyu vakafadzwa nokukupai umambo.
33 Prodajte imenje svoje, in dajte miloščino. Napravite si mošnje, ktere ne ostaré, zaklad na nebesih, kteri ne izgine, kjer se tat ne približuje, in tudi molj ne razjeda.
Tengesai zvamunazvo mugopa varombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari, nepfuma isingaperi kudenga, kusina mbavha inoswedera pedyo uye kusina zvipfukuto zvinoparadza.
34 Kajti kjer je zaklad vaš, tam bo tudi srce vaše.
Nokuti pane pfuma yako, ndipo pachava nomwoyo wakowo.
35 Bodi vam ledje opasano, in sveče prižgane;
“Zvishongedzei mugadzirire kushanda uye mwenje yenyu igare ichipfuta,
36 In vi podobni ljudém, kteri pričakujejo gospodarja svojega, kedaj se bo vrnil z ženitnine, da mu, kedar pride in potrka, precej odpró.
savanhu vakarindira kudzoka kwatenzi wavo kubva kumuchato, kuitira kuti paanouya akagogodza, vagone kukurumidza kumuzarurira mukova.
37 Blagor tistim hlapcem, ktere bo našel gospodar, kedar pride, da čujejo. Resnično vam pravim, da se bo opasal in jih bo posadil, ter bo pristopil in jim bo stregel.
Zvichava zvakanaka kuvaranda avo vachawanikwa natenzi wavo vakarindira paanodzoka. Ndinokuudzai chokwadi kuti achazvishongedza iye pachake kuti ashande, achaita kuti vagare patafura agouya avashandire.
38 In če pride o drugej straži, ali če o tretjej straži pride in bo našel tako, blagor tistim hlapcem.
Zvichava zvakanaka kuvaranda avo vachawanikwa natenzi wavo vakagadzirira, kunyange dai akauya nenguva yokurindira yechipiri kana yechitatu yousiku.
39 Vedite pa to, da ko bi vedel gospodar, o kterej straži bo prišel tat, čul bi, in ne bi dal podkopati hiše svoje.
Asi nzwisisai izvi: kuti dai mwene weimba aiziva nguva inosvika mbavha, haaizotendera kuti imba yake ipazwe.
40 Za to bodite tudi vi pripravljeni; kajti sin človečji bo prišel ob uri, ko se vam ne bo dozdevalo.
Nemiwo munofanira kugara makazvigadzirira, nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.”
41 Reče pa mu Peter: Gospod, praviš li to priliko nam, ali vsem?
Petro akati, “Ishe, munotaura mufananidzo uyu kwatiri here kana kuna vose?”
42 Gospod pa reče: Kdo je torej zvesti in modri pristavnik, kterega je postavil gospodar nad družino svojo, naj jim daje hrano o svojem času?
Ishe akapindura akati, “Ndoupiko mutariri akachenjera, uye akatendeka, anoiswa natenzi wake pamusoro pavashandi kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira?
43 Blagor tistemu hlapcu, kterega bo našel gospodar, kedar pride, da tako dela.
Zvichava zvakanaka kumuranda uyo achawanikwa natenzi wake achiita izvozvo paanodzoka.
44 Resnično vam pravim, da ga bo postavil nad vsem imenjem svojim.
Ndinokuudzai chokwadi, kuti, achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose.
45 Če pa reče ta hlapec v srcu svojem: Gospodarja mojega še ne bo! in začne pretepati hlapce in dekle, ter jesti in piti in pijančevati:
Asi ngatimboti muranda oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu anonoka kuuya,’ ipapo obva atanga kurova varandarume navarandakadzi, agotanga kudya nokunwa uye agodhakwa.
46 Prišel bo gospodar tega hlapca o dnevu, ko ne pričakuje, in ob uri, ktere ne vé: in presekal ga bo, in del njegov bo položil z neverniki.
Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingamutarisiri uye nenguva yaasingazivi. Achamubvambura-bvambura, agomuisa panzvimbo yavasingatendi.
47 Tisti pa hlapec, kteri je voljo gospodarja svojega vedel, pa se ni pripravil in tudi ni storil po volji njegovej, tepen bo zeló;
“Muranda uyo anoziva kuda kwatenzi wake uye asingagadziriri kana kuita zvinodiwa natenzi wake acharohwa shamhu zhinji.
48 A tisti, kteri ni vedel, pa je storil, kar je kazni vredno, tepen bo malo. Vsakemu pa, komur se je mnogo dalo, tirjalo se bo od njega mnogo; in komor so izročili mnogo, tirjali bodo od njega več.
Asi munhu anenge asingazivi uye akaita zvinhu zvakafanira kurohwa, acharohwa shamhu shoma. Ani naani akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; uye kuno uya akapiwa zvizhinji, zvizhinji kwazvo zvicharehwawo kubva kwaari.
49 Prišel sem, da vržem ogenj na zemljo, in kaj hočem, če se je uže užgal?
“Ndakauya kuzobatidza moto panyika, uye ndinoshuva sei kuti dai wakabatidzwa kare!
50 Ali s krstom se imam krstiti, in kako britko mi je, dokler se ne dopolni!
Asi ndino rubhabhatidzo rwandichapinda marwuri, uye ndinoshungurudzwa sei kusvikira ruchiitika!
51 Menite li, da sem prišel, da dam na zemljo mir? Ne! pravim vam, nego razpor.
Munofunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri kwete, asi kuzopesanisa.
52 Kajti odslej jih bo pet v enej hiši razprtih, trije z dvema, in dva s tremi.
Kubva zvino vanhu vashanu mumhuri imwe vachapesana, vatatu vachirwa navaviri uye vaviri vachirwa navatatu.
53 Oče se bo razprl s sinom, in sin z očetom; mati s hčerjo, in hčer z materjo; tašča s sneho svojo, in sneha s taščo svojo.
Vachaparadzana, baba vachirwa nomwanakomana uye mwanakomana achipesana nababa, mai vachipesana nomuroora, muroora achipesana navamwene.”
54 Pravil je pa tudi ljudstvu: Kedar vidite oblak, da vzhaja od zahoda, precej pravite: Dež bo! in zgodí se tako.
Akati kuvanhu vazhinji, “Pamunoona gore richikwira kumavirira, pakarepo munoti, ‘Kuchanaya,’ zvigoita saizvozvo.
55 In kedar jug, da vleče, pravite: Vroče bo! in zgodí se.
Uye kana mhepo yezasi ichivhuvhuta, imi munoti, ‘Kuchapisa,’ zvoita saizvozvo.
56 Hinavci! lice zemlje in neba véste razločevati: tega časa pa kako ne razločujete?
Vanyengeri! Munoziva kududzira zvamunoona zvenyika nezvedenga. Munotadza sei kududzira nguva ino?
57 Za kaj pa tudi sami od sebe ne sodite, kar je prav?
“Munoregereiko kuzvitongera zvakarurama?
58 Kedar greš pa z zopernikom svojim k poglavarju, potrudi se po poti, da se ga rešiš: da te ne privleče k sodniku, in sodnik da te ne izročí beriču, in berič da te ne vrže v ječo.
Paunoenda nomudzivisi wako kumutongi wedzimhosva, edza zvakanyanya kuti muyanane muchiri munzira, kuti arege kukukwekweredzera kumutongi, uye mutongi agokuisa kumupurisa, mupurisa agokuisa mujeri.
59 Pravim ti: Ne boš izšel odtod, dokler ne plačaš tudi zadnjega solda.
Ndinoti kwauri, haungabudimo usati waripa sendi rokupedzisira.”

< Luka 12 >