< Книга Иисуса Навина 3 >

1 И воста заутра Иисус, и воздвигошася из Саттина, и приидоша до Иордана той и вси сынове Израилевы, и сташа тамо прежде неже прейти.
Mangwanani-ngwanani Joshua navaIsraeri vose vakasimuka kubva paShitimu vakaenda kuJorodhani, pavakavaka misasa vasati vayambukira mhiri.
2 И бысть по триех днех, проидоша книгочия чрез полк,
Shure kwamazuva matatu vatungamiri vavanhu vakapinda mumisasa,
3 и заповедаша людем, глаголюще: егда узрите кивот завета Господа Бога нашего, и жерцы нашя, и левиты воздвизающыя его, да воздвигнетеся и вы от мест ваших и пойдете вслед его:
vachirayira vanhu vachiti, “Pamunoona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navaprista, vaRevhi, voitakura, munofanira kubva panzvimbo dzenyu moitevera.
4 но подалее да будет между вами и оным, елико две тысящы лакот станете: не приближитеся к нему, да увесте путь, по немуже пойдете: не ходисте бо путем тем ни вчера, ни третияго дне.
Ipapo muchaziva nzira yamunofanira kuenda nayo, nokuti hamusati mambofamba nenzira iyi. Asi munofanira kusiya nzvimbo inosvika makubhiti zviuru zviviri pakati penyu neareka. Regai kuswedera pedyo nayo.”
5 И рече Иисус к людем: очиститеся наутрие, яко заутра сотворит в вас Господь чудная.
Zvino Joshua akati kuvanhu, “Zvinatsei, nokuti mangwana Jehovha achaita zvinhu zvinoshamisa pakati penyu.”
6 И рече Иисус к жерцем: воздвигните кивот завета Господня и предидите пред людьми. И взяша жерцы кивот завета Господня и идоша пред людьми.
Joshua akati kuvaprista, “Simudzai areka yesungano mutungamirire vanhu.” Naizvozvo vakaisimudza vakatungamirira vanhu.
7 И рече Господь ко Иисусу: в сей день начинаю возвышати тя пред всеми сынми Израилевыми, да уведят, якоже бех с Моисеом, тако буду и с тобою:
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndichatanga kukusimudzira pamberi pavaIsraeri vose, kuitira kuti vazive kuti ndinewe sezvandaiva naMozisi.
8 и ныне заповеждь жерцем воздвизающым кивот завета, глаголя: егда внидете на часть воды Иордана, и во Иордане станете.
Taurira vaprista vanotakura areka yesungano uti: ‘Kana masvika panotangira mvura yeJorodhani, munofanira kupinda momira muJorodhani.’”
9 И рече Иисус сыном Израилевым: приступите семо, и слышите слово Господа Бога вашего:
Joshua akati kuvaIsraeri, “Uyai pano muteerere mashoko aJehovha Mwari wenyu.
10 в сих увесте, яко Господь живяй в вас и потребляяй потребит от лица вашего Хананеа и Хеттеа, и Ферезеа и Евеа, и Гергесеа и Аморреа и Иевусеа:
Ichi ndicho chinhu chamuchaziva nacho kuti Mwari wenyu mupenyu ari pakati penyu uye kuti zvirokwazvo achadzinga vaKenani mberi kwenyu, navaHiti, navaPerizi, navaGirigashi, navaAmoni navaJebhusi.
11 се, кивот завета Господа всея земли преходит Иордан:
Tarirai, areka yesungano yaShe wenyika yose ichakutungamirirai pakuyambuka Jorodhani.
12 изберите себе дванадесять мужей от сынов Израилевых, единаго от коегождо племене,
Naizvozvo, sarudzai varume gumi navaviri kubva kumarudzi avaIsraeri, mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe.
13 и будет егда почиют нози жерцев воздвизающих кивот завета Господа всея земли в воде Иордана, вода Иорданова оскудеет, вода же низтекущая станет.
Uye vaprista vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose, pavanongotsika netsoka dzavo muJorodhani, mvura yarwo inoerera ichibva kumusoro ichamira yoita murwi.”
14 И бысть егда воздвигнушася людие от кущ своих прейти Иордан, жерцы же воздвигоша кивот завета Господня пред людьми:
Naizvozvo vanhu pavakasimuka kubva pamisasa kuti vayambuke Jorodhani, vaprista vakanga vakatakura areka yesungano vakavatungamirira.
15 егда же внидоша жерцы воздвижуще кивот завета Господня во Иордан, и нози жерцев воздвизающих кивот завета Господня омочишася в части воды Иордана, Иордан же наполняшеся во вся краи своя, якоже во дни жатвы пшеницы:
Zvino Jorodhani runogara ruzere nguva yose yokukohwa. Asi vaprista vakanga vakatakura areka pavakangosvika paJorodhani tsoka dzavo dzichitsika kumucheto kwemvura,
16 и сташа воды текущыя свыше, ста огустение едино отлучившееся далече зело зело от Адами града даже до страны Кариафиарима: низтекущая же низтече в море Аравско, в море Сланое, дондеже до конца оскуде.
mvura yaibva kumusoro yakabva yamira kuerera. Yakaungana ikaita murwi iri kure chaizvo, paguta rinonzi Adhama pedyo neZaretani, mvura yaiererawo ichidzika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu) yakagurwa zvachose. Naizvozvo vanhu vakayambuka mhiri kwakatarisana neJeriko.
17 И людие стояху прямо Иерихону. И сташа жерцы воздвизающии кивот завета Господня на сусе посреде Иордана: и вси сынове Израилевы прехождаху по суху, дондеже скончаша вси людие преходяще Иордан.
Vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pavhu rakaoma pakati peJorodhani, vaIsraeri vose pavaipfuura, kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka napavhu rakaoma.

< Книга Иисуса Навина 3 >